Ndaitamba dunhu: Siyachitema

18 Sep, 2020 - 00:09 0 Views
Ndaitamba dunhu: Siyachitema Perpetual Siyachitema

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA yakambonetsa ichitamba netball, Perpetual Siyachitema, inoti mitambo yedunhu, hwishu nenhabvu yechikweshe yakakosha zvikuru sezvo ichisimudzira matarenda evatambi vechidiki zvinoita kuti vazokura vari shasha mumitambo yakasiyana.

Mitambo iyi inozivikanwa kubva kare iri yechivanhu uye kazhinji yaitambirwa mujecha chaimo.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Siyachitema anoti achikura apo aigara kuChitungwiza aitamba dunhu uye achikwikwidza nevakomana muhwishu.

Anoti kubva achiri mudiki ainge akangwarira aine zvipo zvemitambo yakasiyana zvekuti aitosarudzwa kupinda muzvikwata zvevakomana nekuti vaiziva kuti ishasha pamitambo iyi.

“Ndichiri mudiki ini ndakakurira kuChitungwiza kuGhetto, ndaitamba chaizvo mitambo yedunhu kozoti hwishu nemijaho iya yekumhanya kumaraini.

“Vandakakura navo vaiziva kuti Perpetual akasimba saka vaitondirwira kupinda muzvikwata zvavo zvedunhu nehwishu.

“Mitambo iyi yakandibatsira chaizvo nekuti ndakabva ndakura ndingori munhu anotamba mitambo yakasiyanasiyana. Ndakazotamba basketball nenetball,” anodaro Siyachitema.

Anoti vatambi vemitambo yakasiyana havatange kubikwa vave kumaAcademy asi kuti vachiri vadiki vachitamba mitambo yakaita sedunhu, hwishu kana nhabvu yechikweshe ndipo panotoonekwa kuti mutambi uyu neuyo achasvika kure mumitambo iyi.

“Vana musavarambidze kuenda kunotamba mitambo iyi nekuti ndipo pavanobikwa remangwana ravo. Ini mwanasikana wangu akakura achichengetwa nagogo avo vaisada kuti aende kumitambo.

“ Izvezvi anozongosarudzwa hake semwana waSiyachitema nekuti ini ndakagadzira zita asi dai akakura achitamba mitambo yedu yechinyakare angadai ari pane rimwe danho,” anodaro.

Siyachitema zita rake richagara munhorondo yenetball yeZimbabwe sezvo ari kaputeni wekutanga akatungamira chikwata chemaGems kumitambo yeWorld Cup gore radarika kuLiverpool, kuEngland.

Achibva kumitambo iyi, akasvika ndokusendeka shangu dzake dzenetball ndokutanga kurairidza chikwata cheGlow Petroleum Queens.

Anoti chikwata chake chagadzirira kudzoka kwemutambo wenetball uyo wainge wambomiswa pamwe chete nemimwe mitambo yose senzira yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Tangomirira kudzoka kwemutambo wedu uyu, takagadzirira kupihwa mvumo kuti mitambo ichitanga.

“Tange tichingoita gadziriro dzedu paWhatsApp, ndaitumira mavhidhiyo ezvandinoda kuti vatambi vangu vaite, ivo vozonditumira vachizviita ndoziva kuti vari kuita nemazvo here,” anodaro Siyachitema.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>