Uncategorized

‘ndakaitiswa mwana nababa’

30 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
‘ndakaitiswa mwana nababa’

Kwayedza

‘. . . ndivo futi vakandisunungutsa’
‘. . . imhiko dzekuti vaite mazimari’

Kingstone Mapupu —
“NDIRI kurwadziwa manhi! Zvandakaitwa nababa —baba chaivo vekundibereka — zvinondirwadza. Kundiitisa mwana here ini mwanasikana wavo? Apa ini ndonzi ndisazvitaure, ndongombunyikidzwa!”

Mashoko aya haakwanise kutsanangudza kushungurudzikana kuri kuita mukadzi wechidiki wekuGlen View, uyo anoti mwana wake wekutanga akamuita apo akabatwa chibharo nababa vake, nyaya yacho ndokusamhan’arwa.

“Havana kungondibhinya bedzi, asi kuti kana pandakasununguka mimba yacho, ivo baba ndivo vakandisunungutsa — vondibata chibharo, ndobata pamuviri, vobva vaita ndivo nyamukuta. Handife ndakavaregerera baba vangu,” anodaro mukadzi watichangodoma saAnnah, uyo anoti zvose izvi zvakaitikira kumusha kwavo kwaMambo Njelele, kuGokwe.

Mwana akabarwa atove nemakore 13 okuberekwa “plus baba havadi kuti ndimuti mwana wangu, asi kuti munin’ina wangu, gotwe remumba medu.”
Annah — uyo ari kuda kuti Kwayedza iburitse zita rake nemazita evabereki vake chaiwo akazara achiti anoda kuti chokwadi chaicho chizivikanwe neruzhinji — anorondedzera zvatisingakwanise kuburitsa mubepanhau revanhu mabatirwo aakaitwa chibharo nababa vake, kwete kamwe chete, asi kamwe kacho vakatombonopika jeri.

Mitemo yemuZimbabwe haitendere kuti munhu akabatwa chibharo ashambadzwe zita rake.

Annah anoti baba vake vekumubereka vaimubata chibharo semhiko yavaive vapihwa nen’anga vachinzi vaizoita mari yakawanda uye ndivo vakaita nyamukuta paakamusununguka.

Anoti pakaitika nyaya iyi, akatsindidzwa kuti asawane waanotaurira achinzi aifanirwa kutora mwanasikana waakamitiswa uyu semunin’ina wake uye kunyangwe kumurume aizomuroora, aisafanirwa kuzvitaura — kunze kwekungoti iye haasati ambozvara.

Annah (33), uyo ari kugara kuGlen View, muHarare, anoti nyaya iyi inomurwadza zvikuru.

Baba vake tichangovadoma saVaGilbert (63) uye amai saJuliet (62) asi mazita avo azere tinawo.

“Kana ndisingakanganise, baba vakatanga kundibata chibharo ndiine makore matatu tichigara kumusha kuGokwe. Amai vangu Juliet vaiziva nyaya iyi asi hapana danho ravaitora sezvo vachinzi vakabvumirana nababa kuti vandishandise kuita mari. Zvinonzi baba vainge vatumwa nen’anga yekuChipinge kuita izvi vachinzi vaizoita mari zhinji,” anodaro Annah, chiso chake chizere nekusuwa sezvo paakaitwa naye hurukuro ino aitombosvimha misodzi.

“Zvinonzi baba vangu pavakaenda kuChipinge vakanopihwa mishonga miviri nechikwambo zvekuti vaite mari. Mishonga iyi nechikwambo zvakazonzi zvave kuda ropa remunhu, asi vakaramba kuuraya. Ndipo pavanonzi vakanzi vachishinha neni, apa ndirini mwanasikana wavo dangwe pavanasikana vapfumbamwe.”

Annah anoti chikwambo ichi chinonzi chaivaunzira mari iyo chaitora kuvanhu nemuzvitoro.

Anotizve nyaya yekubhinywa kwake nababa akazoiburitsa kuchikoro apo akanyora rondedzero yeupenyu hwake achitsanangura zvaiitika kwaari, izvo zvakazoita kuti vadzidzisi vepachikoro ichi vazvizive.

“Nyaya iyi yakaendeswa kumapurisa epaGokwe Centre, baba vachibva vasungwa ndokuendeswa kumatare edzimhosva vakapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore matanhatu apo vakanopikira kujeri reWha-Wha nekuChiredzi,” anodaro Annah.

Anoti pakaenda baba vake kujeri, akasara achioneswa moto naamai vake vachimupopotera kuti ndiye aita kuti vasungwe.

Baba vake vakadzoka kujeri iye atova kusekondari asi vakasvikorusimudzira nekumubata chibharo izvo Annah anoti zvaizivikanwa naamai.

“Vakangoti vachidzoka kujeri, vakabva vatanga kundibata futi. Ndipo pandakabata pamuviri amai vachitoziva asi vose nababa vakati tizvivigiridze kudzimara ndasununguka mwana mugore ra2004. Mwana uyu asvitsa makore 13 izvozvi, atova muGrade 6 kumusha kwaanogara nasekuru naambuya vake — vabereki vangu,” anodaro.

Annah anoti sezvo nhumbu iyi yakanga isina kunyoreswa, baba vake ndivo vakaita nyamukuta, vakatomucheka nereza zvekusara akuvara apo mwana aive atadza kubuda zvakanaka.

“Pamuviri pakwana, baba vakati ndivo vanondisunungutsa. Vakatora reza ndokundicheka sezvo mwana airamba kubuda. Vakandicheka amai vakatarisa, mwana ndokuzobuda vakamusunga rukuvhute voga nekubvisa chevakuru, izvo zvandisina kuziva kwavakazviisa.

“Asi dambudziko rakazoitika pakucheka kwavakandiita, vakandikuvadza musiwo unobuda netsvina ndokusanganisa nekusikarudzi rinova dambudziko randinaro nanhasi. Dai ndawana vanondigadzirisa nekuti weti netsvina ndinoburitsa nepamwe chete.”

Annah anoti baba vake ndivo vakabva vatumidza mwana akazvarwa zita uye vanonzi ndiye wavanotora segotwe ravo, kwete semuzukuru.

“Nyaya iyi handina kukwanisa kuimhan’ara kumapurisa kechipiri aka sezvo amai vairamba kuti ndiite izvi vachiti vaisada kuti murume wavo adzokere kujeri.

‘‘Iniwo ndakanga ndave kutyawo nyaya dzemishonga yezvikwambo sezvo baba vakazvitaura kumapurisa kekutanga apo vakasungwa. Nyaya yandiri kukudzai iyi inozivikanwa neni nevabereki vangu bedzi, vanin’ina vangu hapana zvavanoziva,” anodaro Annah. Anoti akazoroorwa kuMudzi mugore ra2008 ndokuita vana vaviri nemurume wake, asi akangofa mushure mekurwara kwemazuva mana chete.

“Murume wekutanga akafa tichigara kuMufakose, ndakazoroorwa zvakare mugore ra2013 nemumwe murume uyo ndakaita naye mwana. Murume uyu akangorwarawo nemudumbu kwemazuva mana achibva afa. Zvikwambo zvababa ndizvo zvinonzi zvinouraya varume vangu sezvo zvichinzi hazvidi kuti ndiroorwe.”

Anoti hama dzevarume vakamuroora vachifa ava dzakafamba dzikazvibata kuti chikwambo chababa vake ndicho chakavauraya, nekudaro havachada kumuona.

“Hama dzevarume ava hadzidi kundiona dzichiti ndini ndakauraisa hama dzavo. Iniwo ndaona zvakakodzera kuti ndimbomira zvekuroorwa nekuti ndiri kuuraisa vana vevaridzi vasina mhosva.

“Asi ndinoda kubatsirwa kuti zvinhu izvi zvibviswe pandiri, ndiri kuitwa mukadzi nezvidhoma zvababa. Uyewo nyaya iyi ndainyarara kwenguva yakareba apo ichindirwadza. Saka ndava kuda kuti zvichibuda pachena, ndakaitiswa mwana nababa vangu vekundibereka. Buritsai nyaya iyi nemazita edu tose — rangu, rababa naamai — kuitira kuti zvifumuke. Kana zvichireva kuti baba vanodzokera kujeri haisi mhaka yangu, ngavasungwe.”

Mukadzi uyu pari zvino ari kugara pamba pemunhu paari kuchengeta.

“Handina chekudya nevana vatatu vandinavo pano uye kudya chaiko ndinopihwa kunenge kwasiiwa nevanhu kuTake Away iri kwaMakomva. Vana vangu havaende kuchikoro, mweya wezvikwambo uyu uri kunditevera. Ndinotoona baba vachiuya ndakarara kuno kuHarare vachirara neni. Dzimwe nguva ndinovaona ndakasvinura,” anodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nababa pamwe naamai vaAnnah.

Asi Mambo Njelele, VaMisheck Njelele (51), mushure mekuudzwa nezvenyaya, vanoti aya makunakuna ari pachena uye vachatsvaga mhuri yaAnnah voiunza kudare ravo kuti vanzwe zvizere.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitendent Paul Nyathi, vanoti nyaya iyi inofanirwa kumhan’arwa kumapurisa igoferefetwa zvizere sezvo mhosva isingarovi.

Mbuya Marita Ried (55) vekuChitungwiza vanoti dambudziko raAnnah rinoda kugadziriswa nenguva kuti zvikwambo izvi zvisarambe zvichimuita mukadzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>