Uncategorized

Ndakanopihwa mushonga wemari

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Ndakanopihwa mushonga wemari

Kwayedza

. . .handisvike parufu

. . .kana rwemwana wangu

MURUME wekwaNembudziya, kuGokwe, ari kureurura kuti akaenda kun’anga yekuMozambique uko akanopihwa mishonga yekutsvagisa mari pamwe nemhiko dzekuti haafanirwe kusvika parufu rwupi zvarwo, kana dai rwemwana kana mudzimai wake.Sekuru Givemore Chigumbeze (68) vanoti kunyangwe zvazvo vaine upfumi hunosanganisira dzimba, motokari nemakutukutu emari, havasisina rugare nekuda kwekuromba kwavakaita uye havachada mishonga iyi.

“Ndakaenda kuimwe n’anga yekuMozambique makore manonwe adarika uko ndakapihwa rusero, chidende nezvuma zviviri izvo ndakanzi ndisvikoisa mumba isingavhurwe.

“Ndakanzi zvakare kana ndave kuda mari, ndinongopinda ndoombera ndosiya ndavhara gonhi. Pandinozodzoka ndinowana mari yazara murusero urwu,” vanodaro vakabata “simbi dzavo dzebasa”.

Vanoti zvinhu zvavakapihwa izvi vakanozviisa muimba yavasingavhure iri kuGokwe.

“Pandinopinda muimba iyi ndichinoomberera, rusero urwu nechidende chacho ndinozowana rusero rwazara nemari, kazhinji inotangira kuma$7 000 zvichienda mberi. Ndikauchira ndinombobuda ndozodzoka pava paya, mari haisi yenhamo.

“Kana paine rufu rwaitika, ndinotiza uye ndinosiya ndapa wandinenge ndasarudza kuti azosara achishandisa pane zvose zvinodiwa panhamo iyi, kusanganisira kudya kwose, bhokisi remufi nezvimwe.

“Vanotambura ndinobatsira asi handikweretese mari kuruzhinji.”

Sekuru Chigumbeze vanoenderera mberi vachiti: “Izvozvi ndine dzimba shanu muno muHarare, yechitanhatu ndiyo yekuGokwe kunogara mishonga yangu yandingati zvikwambo.

“Motokari ndine 8, mari iyi inobvumidzwawo kuisa mumabhanga sezvinoitwa nevamwe asi handina zvangu kuita izvi sezvo ndinongotenga zvinhu zvakaita sezviguruguru (motokari) nedzimba.”

Rusero rwune chuma nekadende izvo zvinonzi zvinoshandiswa naSekuru Gumbeze kuti vawane mari

Rusero rwune chuma nekadende izvo zvinonzi zvinoshandiswa naSekuru Gumbeze kuti vawane mari

Musharukwa uyu anoti kukafiwa munzvimbo yaanogara, kunyangwe nehama yepedyo kana nemuvakidzani, apo anongozviziva bedzi, anobva atiza nekuti mhiko dzaakapihwa ndedzekuti haafanirwe kusvika parufu.

“Ndakanzi mhiko dzekuti zvinhu zvangu zvirambe zvichifamba ndichiwana mari handifanirwe kusvika panhamo kunyangwe pakafa mwana wangu chaiye, amai vangu kana imwe hama yepadyo handiwanikwepo.

“Kana kuoneka vanhu hapana wandinotaurira, vanozongondiwana ndisisipo.

“Ndakanzi ndikasvika parufu ndinogona kupinduka kuita mhuka ndobva ndafa kana kunyangarika zvachose,” vanodaro Sekuru Chigumbeze.

Vanoti pakashaika mudzimai wavo, vakatoitiza rufu urwu.

“Pakashaika mudzimai wangu ndakatiza chitunha chakazosara chichivigwa nevamwe ini ndisipo. Asi ndakasiya mari yekufambisa nhamo yose.

“Ndinotenga zvose zvinodiwa parufu zvekuti vanhu vanoona nhamo nekudya nekunwa sepamuchato, zvidhakwa zvichiita doro rekudzvova.”

Murume uyu ane vana vatanhatu vanoti vatatu vari muno nevatatu zvakare vari kumhiri kwemakungwa.

Zvisinei, Sekuru Chigumbeze vanoti pose pavanotsvaga rubatsiro rwekuti zvinhu zvavo zvipiswe, vanozoshamiswa kuti vanonozviwana zvadzokera kumba kwavo, kunyangwe ivo vaona zvachipiswa.

“Ndakaenda kwakawanda nezvinhu izvi zvichipiswa ndichiona, asi pandinodzokera kumba ndinozviwana zvavamo muimba yangu isingavhurwe iyi.

“Ndatambura, ndinoda kubatsirwa.

“Ndaenda kun’anga dzakawanda nekumaporofita asi zviri kuramba,” vanodaro.

Sekuru Chigumbeze vanoti vakamboedza kudzokera nazvo kuMozambique kun’anga yakavapa asi yakaramba ichiti hazvikwanisike kuti vaidzosere zvinhu izvi ndokubva vadzoka nazvo.

Vanoti vanoendawo kumakuva husiku uko vanonouchira kuti zvinhu zvavo zvikwanise kutora mari nehumwe upfumi kune veruzhinji.

“Vamwe vanhu vanozongowana vasisina ingava mari kana zvimwe zvinhu mudzimba dzavo kana pavanenge vachifamba izvo zvinotorwa nemishonga yangu,” vanodaro.

Vanoda kubatsira murume uyu vanokwanisa kumubata panhamba dzinoti 0773 188 260.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>