Uncategorized

‘Ndakapamha kudya tsvina yemunhu’

03 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
‘Ndakapamha kudya tsvina yemunhu’ GIBBON

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
MURUME wekwaSeke — uya wekudura kuti akadya tsvina yemudzimai wake semhiko yekuti arege kuita zvikomba — akadzokorora kukambura tsvina yemunhu.

Rwendo rwuno anoti akadya tsvina yemutorwa iyo yaakatora musangano senzira yekuzadzikisa mhiko dzaakapihwa nen’anga nekumuporofita — uko akanzi anofanirwa kudya tsvina yemunhu katatu.

Gibbon Muzemba (47) — uyo ari kupomera mudzimai wake Elizabeth Mubvindi (37) kuita chipfambi — anoti akaudzwa neimwe n’anga yaishanda nemuporofita kuti anofanira kudya tsvina iyi senzira yekuisa runyoka kana kuti rukawo pamudzimai wake.

“Ndakaridya futi dho***. Aka ndekechipiri mushure mekunge ndambodya remukadzi wangu ndikaripedza. Pandakapedza ndakatonwa mvura.

“Ini ndiri normal, musafunge kuti handisi kuziva zvandiri kuita. Pamwe pacho ndaifanirwa kuridya hama dzemukadzi wangu nedzangu dziripo, vachitoona. Ndiko kuratidza kuti handidi kutorerwa mukadzi wangu, ndinomuda,” Muzemba akaudza Kwayedza svondo rino.

Nyaya yemurume uyu yakatanga kubuda muKwayedza svondo rapera apo anoti akamanikidza mudzimai wake kuti aitire tsvina yake mubhaketi pavaive mumba yavo mekurara, iye ndokuzokambura kudya tsvina iyi, pashure ndokunwira mvura.

Vaverengi vakawanda veKwayedza vakabatikana nenyaya iyi — vamwe vachiti zvichida pfungwa dzemurume uyu hadzina kumira zvakanaka.

Nemusi weChipiri manheru, Kwayedza yakazoenda naMuzemba nemudzimai wake pamwe chete naSadunhu wavo VaKenneth Mazhindu (77) panhepfenyuro yedu yeStar FM pachirongwa cheTilder Live apo murume uyu atatowedzera achiti mushure mekudya tsvina yaMubvundi, akazopamhazve nekukambura yemutorwa iyo akatora mudondo.

Muzemba anoti akatanga kufungira kuti mudzimai wake ari kuita chipfambi apo akaona aine nharembozha itsva yaasina kuziva kuti akange atengerwa nani.

Anofungira kuti nharembozha iyi yakatengwa nechikomba sezvo mudzimai wake aingoiviga-viga.

Muzemba anoti pamhiko dzaakapihwa, akanzi anofanira kudya tsvina yemunhu katatu – kutanga neyemudzimai wake vari voga, kechipiri yemudzimai uyu asi hama dzavo vose dziripo.

Anoti akanzi anozofanira kudya tsvina yemutorwa, chinove chidanho chechitatu chekuzadzikisa mhiko idzi.

“Ndakadya tsvina zvechokwadi, Kwayedza hamusi kunyepa. Ndakaona kuti zviri nani kudya zvangu tsvina iyi kuti amire chipfambi pane kumuuraya, ini ndoenda kujeri.

“Pachikamu chechipiri chemhiko apo ndaifanirwa kudya tsvina yake paine hama dzake nedzangu, apo ndakazotadza kuzadzikisa nekuti iye ainge ambotiza achinopotera kwasadunhu. Asi chechitatu, chekudya tsvina yemutorwa ndakapedza. Ndakatodya tsvina yandisingazive kuti ndeyani iyo ndakanotora musango nekuti ndakanzi vanhu vandiri kutsvaga, vandiri kuda kubata vanodanana nemudzimai wangu vatorwa,” anodaro.

Muzemba anoti vamwe vangafunge kuti anorwara nepfungwa izvo zvisirizvo achiti kudya tsvina uku kuitira kuti agare zvakanaka pasina kufungirana nemudzimai wake.

“Rudo rwakaita kuti ndidye tsvina iyi nekuti mukadzi wangu ndinomuda. Ndinoziva nemhiko idzi haachambofa akapoya futi, handina chandinoda kubatsirwa nacho panyaya iyi zvakatonaka zvakadaro.

“Iye mukadzi wangu ngaakuudzei kuti kubvira pandakadya tsvina yake, ati ambozviyedza here kuita chipfambi. Ngaataure oga, kwete ini,” anodaro Muzemba.

Asi Mubvindi — uyo akange anopotera kumba kwaSadunhu Mazhindu mushure mekudyirwa tsvina yake — anoti akadzokera kumba kune murume wake.

“Ini handina zvikomba sezvinofungirwa nemurume wangu. Ndakadzokera kumba asi ndiri kutya kuti hapana here zvakaipa izvo achandiita. Chandinokumbira ruregerero chete kuti ndakatenga nharembozha ndikaiviga kwaari.

“Mazuva ano ndinoti ndikaita tsvina, ndocheuka ndichiona nhunzi zvadzinoita . . . ndofunga kuti shuwa munhu angadya zvakadaro here,” anodaro mukadzi uyu.

Mubvindi anoti anga asi ruzivo rwekuti murume wake akazodya zvakare tsvina yemutorwa, izvo zvaakatonzwa apo vaiita hurukuro neKwayedza.

Mukuru wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiyero, vanokurudzira hama dzaMuzemba nedzemudzimai wake kuti vafambe kuchivanhu vaviri ava vasati vasvika pakukuvadzana. Vanoti uku vachanonzwa nezvemhepo dziri kukonzeresa kuti murume uyu akambure kudya tsvina yemunhu pamadiro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>