Ndakaromba kwaSekuru Ndunge: Muporofita

26 Jul, 2023 - 09:07 0 Views
Ndakaromba kwaSekuru Ndunge: Muporofita Jethro Manjowe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUPOROFITA wechechi yechipositori yeJohanne Marange anogara kwaMambo Zimunya, kwaMutare, anoti apandukirwa nemishonga yaakatora kun’anga yaiva nemukurumbira yekuChipinge yekuti apfume izvo zvakaona achiita tete vake mukadzi.

Jethro Manjowe (43) anoti akanoromba kun’anga mushakabvu Sekuru Makuyana Ndunge uko akapihwa mishonga yekuti aite mari asi yakazopanduka ndokutanga kumurwarisa.

“Nenyaya yekuda kupfuma, mugore ra1999 ndakaenda kunaSekuru Ndunge kumba kwavo kwavaibatsira vari kuSouth Downs, kuChipinge, ndokupinda mudare ravo ndikataura chichemo changu. Vakandipa mishonga yaiva yemidzi neyakakuiwa iyo yakasanganiswa nezvimwe zvinhu vakanditi ndikangotevedza mhiko sezvaidiwa, ndinokwanisa kuita mari yakawanda.

“Dzimwe mhiko dzavakandipa vakanditi ndaifanirwa kushereketa nehama yangu yepedyo yechidzimai kuti zvishande,” anodaro.

Manjowe anoti akaenda kumba kwake kwaZimunya ndokusvikowana pamba pachingova natete vake avo akatsanangurira nyaya yemhiko dzen’anga, tete ava ndokuzvinzwisisa.

“Sekutaurirwa kwandakanga ndaitwa nen’anga iyi, ndakaita zvose.”

Manjowe anoti vakazogara pamusha pasina munhu wavakataurira nyaya iyi vachimirira kuzoona zvibereko zvemhiko idzi kuti aite mari.

“Nyaya iyi takaichengeta tiri vaviri, mari ikambouya chaizvo kwandiri semunhu anoita zvekutengesa. Ndakazotanga kurwara gore rakapera kusvika izvozvi ndikafamba ndikataurirwa kuti zviri kukonzerwa nemishonga yandakatora kwaSekuru Ndunge,” anodaro Manjowe.

Sekuru Ndunge

Anoti pakashaya Sekuru Ndunge, akatadza kunodzosera mishonga yavo sekushevedzerwa kwaanoti kwaiitwa nemhuri yen’anga iyi.

“Pakataurwa kuti Sekuru Ndunge vafa vanhu vachinzi dzosai mishonga yavo, ini handina kumboita basa nazvo sezvo zvinhu zvangu panguva iyi zvaifaya. Izvozvi ndava kugara ndichiona zvinhu zvandisingazive, muviri wangu wose unogara uchirwadza.

“Kumaporofita ndakapedza kusvikira ndakazouya kun’anga yekuHarare uko ndiri kushandirwa.

“Mari yakapera, handisisina chinhu kunze kwekurwara nekuda kwemishonga iyi,” anodaro Manjowe.

Anoti akaroora uye ane vana vaviri zvekare mhuri yake inoziva nyaya iyi.

“Ndinonzwa kuti kune mwana waSekuru Ndunge akatora basa ravo rekurapa, ndakatadza kunomuona nekuda kwekushaya mari inonzi inodiwa kunodzosera mishonga yaSekuru Ndunge.”

Manjowe anoti ari kugezwa kuti bvuri rakaturikwa paari ribviswe.

VaJabulani Ndunge (54), mwanakomana mukuru waSekuru Ndunge, avo vava kuitawo zvehun’anga, vanoti vanokwanisa kubatsira Manjowe.

Jabulani Ndunge

“Kune vakawanda vari kuuya kwandiri vasina kunge vapedza kubhadharana mishonga yavo kuna baba vangu. Ndinoti kugona ngozi kuiripa, vose vane chikwereti nababa vangu vanouya tichitaura zvinovanetsa. Kana mishonga yavakatora vasina kuzokanganisa mhiko, hapana chinonetsa tinovakurudzira kuti vauye titaure uye kana zvichikwanisika ngavabatsirwe kwavanoda,” vanodaro VaJabulani Ndunge.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>