‘Ndakasiiswa yunivhesiti neSatanism’

27 Nov, 2023 - 17:11 0 Views
‘Ndakasiiswa yunivhesiti neSatanism’ Dalton Moses Maneto

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuBulawayo anoti aiva aenda kune imwe yunivhesiti yekunyika yeIndia uko aiita dhigirii rake remakore mashanu asi haana kuzopedza zvidzidzo zvake nekuda kwemweya weSatanism uyo waimutevera achiona masaramusi pachikoro kusvikira azosarudza kudzoka kumusha.

Dalton Moses Maneto Kanhukamwe (39) anoti akaenda kunoita dhigirii reBachelor of Architecture kuInstitute of Technolody Management (ITM) University kuIndia

mugore ra2014 achifanirwa kupedza zvidzidzo izvi mugore ra2019.

“Ndakaenda kuIndia mugore ra2014 uye ndaifanirwa kuzopedza mugore ra2019. Semunhu wechirume, mugore ra2015 ndakazosangana nemumwe musikana aibva kuZimbabwe aivawo anoita zvidzidzo zvake zvedhigirii reBBA zvemakore matatu tichibva tadanana apo pandinofungira kuti ndipo pakatangira dambudziko rangu,” anodaro Kanhukamwe.

Anoti mushure memazuva adanana nemusikana uyu, akamubvunza kuti kana azofa aida kuti paguva rake pazonyorwa kunzi chii uyewo aida kuzoitirwe chii kana ashaya, izvo zvakamushamisa zvakanyanya.

Kanhukamwe anoti vaigara vose nemusikana uyu pachikoro apa ndokuzovimbisana kuzoroorana kana vazopedza zvidzidzo zvavo.

Anoti akazotanga kunzwa mazwi munzeve dzake evanhu vaitaura zita rake vachiti aisambokwanisa kupedza chikoro chake uye achinzi aigona kungofa chero nguva.

“Zvidzidzo zvangu zvepalaptop zvaingoshaika, zvaidzimwa, muhositeri mandaigara nevamwewo vadzidzi ndainzwa muchigogodzwa, ndichinzwa kuchishevedzwa zita rangu ndobuda asi ndowana pasina vanhu.

“Ndikabvunza vamwe vangu, asi vainditi hapana chavaimbonzwa kana kuona vachiti vaitoshamiswa kundinzwa kana kundiona ndichidavira sendadanwa,” anodaro.

Kanhukamwe anoti vakuru vepayunivhesiti iyi nekuda kwekushaikwa kwemapepa ake edzidzo, vakazomuti aisakodzera kuramba ari pachikoro achibva adzingwa mugore ra2018.

“Ndakadzingwa nekuti ma’assignments’ angu aiva pamapepa neaiva mulaptop ose aingoshaikwa nekudzimika. Munhare yangu zvinhu zvaingodzimika, kusanganisira nhamba dzevanhu apo ndaitoona zvichidzimika ndakatarisa.

“Ndadzingwa kudaro, ndakazogara ikoko ndichiroja ndichimirira kuona mumiririri weZimbabwe ikoko kuti aigona kundibatsira here kuti ndidzoserwe pachikoro. Ndakaramba ndiriko kusvikira mugore ra2020 ndava kuona vanhu vainditevera vachida kundirwisa pose pandaisangana navo, dzimwe nguva vachindikomba vachiti akabuda ngatimuurayei.”

Kanhukamwe anoti aitoonekwa nevanhu achitiza asi ruzhinji rwusingaone chaimudzingirira chacho.

“Ndakazorwara zvakaipisisa ndokuendeswa kuchipatara cheMetro Hospitals and Heart Institute uko ndakasvikonzi ndaiva ndadyiswa muchetura zvaiva zvava kukanganisa chitaka changu kushanda zvakanaka,” anodaro.

Anoti akagara muchipatara umu kusvikira akazobuda ndokudzokera kumba uko airoja akanogara ikoko munguva yose yedenda reCovid-19.

“Chakandinetsa pose pandairwara apa ndakataurira musikana wandaidanana naye uyo asina kuuya kuzondiona uye akazodzoka kuno kuZimbabwe asina kundiudza kana kundioneka. Pandaiona zvinhu zvakasiyana apa, dzimwe nguva ndaimuona ari mukati mevanhu vaindirwisa ava.

“Nguva chete yandakazonzwa nezvake kwakauya shoko rekuti akanga ava kuroorwa kuno kuZimbabwe,” anodaro Kanhukamwe.

Anoti aimboendawo kune mamwe maporofita vachimutaurira kuti aiva akapinzwa Satanism nemunhu waaidanana naye.

“Pekupedzisira ndiriko kuIndia, ndakanga ndava kunzwa nziyo dzemapositori mazwi achibva nepanze achipinda nemumahwindo nengoma dzichirira. Asi ndaiti ndikabuda ndikatarisa, handina vanhu vandaiona.

“Ndaizonzwawo nziyo dzechirungu zvinova zvaitora nguva refu. Mushure mekunge nziyo idzi dzanyarara, ndaizonzwa izwi raiti Uncle Dale (rinova zita remadunhurirwa randaipihwa ikoko) vhurai dhoo vamwe vakavhura kare ndimi masara. Asi ndaiti ndikatarisa panze ndaishaya vanhu vaitaura izvi,” anodaro Kanhukamwe.

Anoti nguva zhinji paitanga kutaura mazwi aya magonhi ose emba nemahwindo zvaitinhira kuita sezvinoda kupunzika.

“Imba yaitanga kuzunguzika mahwindo nemadhoo achigogodzwa mukati mese muchiita ruzha. Ndainzwa izwi remurume achitaura zita rekuti anonzi Solomon, achiti iwe Dalton gara pasi ndinoda kutaura newe asi ndikacheuka ndaisaona munhu. Aibva ataura kuti ndiri kukuona wakapfeka mbatya dzakadai, pandairamba ndakamira izwi iri raidzoka zvakare richiti musikana waunodanana naye siyana naye mudzimai wemuridzi,” anodaro Kanhukamwe.

“Mashoko andainzwa munzeve aya, ndakaguma ndava kunzi usawane vanhu vaunotaurira uye ukazviita tinouraya iwe nehama dzako dzose.”

Anoti akazodzoka kuZimbabwe gore rapera asi dambudziko iri riri kuramba richiteverana naye.

“Dambudziko iri rakanditevera kuno zvekuti vanhu vaye ndichiri kungovaona nekunzwa mazwi mamwe chete andainzwa ndiri kuIndia. Handirare, ndakaguma ndatizira kwasekuru uko ndiri kugara.

“Zvekutora zvinodhaka handiko ikoko sezvinofungwa nevamwe. Hongu, apo neapo ndinombobiridzira zvangu doro chairo remumabhodhoro kwete mbanje kana mutoriro handitore.”

Kanhukamwe anoti mhuri yavo yose vanonamata uyewo amai vake mufundisi kune imwe chechi yechipositori iri kuLobengula, kuBulawayo.

Kanhukamwe anoti pane nguva yakadzimwa nhare dzake dzose pamwe nemadandemutande ake anosanganisira Facebook nekuda kwemasaramusi aikonzerwa neSatanism.

“Ndakadzoka kumusha munaZvita 2022 asi dambudziko ratowedzera. Ndakazotaura nemusikana uyu kuno kuZimbabwe akandipindura kuti dambudziko rangu zvaiva zvibereko zvezvandakamuita izvo asina kutaura kuti zvii. Izvozvi ndinoona mimvuri nemaoko evanhu anouya pamubhedha pandinorara kunyangwe ndichifamba. Dzimwe nguva ndinodzvanyirirwa pasi nevanhu vandisingaone,” anodaro Kanhukamwe.

“Vanhu vaifunga kuti maitiro angu aya ndinotora zvinodhaka ndikaguma ndaendeswa kunoongororwa ropa rangu rikaonekwa risina zvinodhaka izvi.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>