Uncategorized

Ndakatumwa kuvarwere vepfungwa – Muporofita

29 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Ndakatumwa kuvarwere  vepfungwa – Muporofita

Kwayedza

Blessings Chidakwa ari kuGWERU —
VAGARI vekuGweru vakasara vasina neremuromo svondo rapera zvichitevera kuporeswa kunonzi kwakaitwa vamwe varwere vepfungwa vemuguta iri mushure mekunge vanamatirwa nemumwe muporofita.

Micky Mahove – uyo anonyanya kuzivikanwa nezita rekuti Madzibaba Beswage – anonzi neChishanu chadarika akakorokodza varwere vepfungwa vemuguta reGweru ndokuvanamatira pasowe rake apo vamwe vacho vakabva vaporeswa.

Pakati pevanonzi vakaporeswa paive naDelon Chiropa, uyo ari kutsinhira kuti akanamatirwa akabva aita zviri nani.

“Handitomboziva zvaiitika muupenyu hwangu, chandinongorangarira ndechekuti ndakazongoona ndava pasowe apo pandakanzwa madzibaba vachiti ndiende kunobvisa nhumbi dzandainge ndakapfeka idzo dzaive nemakoko etsvina. Ndinoda kutenda Mwari nekundidzikinura kubva muupenyu hwandairarama.

“Ndinongonzwa nevanhu kuti ndaifamba ndichidya chikafu chemumabhini. Asi chave kunyanya kundidya moyo pari zvino ndechekuti vamwe vanhu vari kundisarura vachindiona semupengo asi ndave kutozvijaira hangu,” anodaro Chiropa.

Madzibaba Beswage vanotsinhira kuti vari kunamatira vamwe varwere vepfungwa vemuGweru.

“Mweya wakandiraira kuti ndirape varwere vepfungwa vari muguta reGweru, sezvinei ndakaita masvondo maviri ndichinamata ndiri pasowe. Ndapedza kuita munamato uyu, ndakaraira vapostori vandinonamata navo kuti vaende pakati peguta reGweru vauye nevanorwara nenjere vese ndivanamatire.

“Simba raMwari rakazviratidzira pasowe apa sezvo vamwe vakauya vakatodzokera vave vanhu kwavo. Chiropa ndiye wevamwe vacho vandakarapa, aitozivikanwa muguta kuti murwere asi vanhu vakakatyamadzwa vachiona ava munhu kwaye,” anodaro Madzibaba Beswage.

Anoenderera mberi achiti, “Varwere vepfungwa ava vakauya vaine tsvina sezvo vamwe vainge vogara munzvimbo dzisina tsarukano.

“Vamwe vacho ndichitori navo pasowe ndichiri kuedza kuvabatsira kuti vadzokere kumisha yavo asi mimwe yacho iri kure.

Asi vanhu vazhinji vave kuti ndiri kutsvaga mbiri kana mari, kwete ini ndiri kungoita zvandakatumwa namweya mutsvene.”

Share This:

Sponsored Links