Uncategorized

NDAPERA KUNGE SIPO – MOSQUITO . . . ‘Munyama wemunhu wandakauraya’ . . . ‘Ndakaita mari, ikaperera muvakadzi’

16 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
NDAPERA KUNGE SIPO – MOSQUITO . . . ‘Munyama wemunhu wandakauraya’  . . . ‘Ndakaita mari, ikaperera muvakadzi’ Alfonso Zvenyika

Kwayedza

Kingstone Mapupu
ALFONSO ZVENYIKA — murume wekumboita mukurumbira muZimbabwe nepasi rose nemutambo wetsiva — ari kudemba achiti ave kudya nhoko dzezvironda zvichitevera kusanyatsoshandisa zvakana makutukutu emari yaakawana, zhinji yacho ikaperera mumadhirezi.

Mosquito — sekuzivikanwa kwaanoitwa nekuda kwekukobora kwaaiita vaakarwa navo apo ainge achazvinzwa — anoti ava kukwangwaya nekuda kwekuti mazimari aakaita mumakore adarika akaapedza achi”flasha” kuvakadzi avo vakamudya akasara apera sesipo.

Mosquito akatanga zvetsiva kumakore ekuma1990 uye akatora mukombe weCommonwealth Light Flyweight Championship mugore ra1998 mushure mekukunda Paul Weir wekuScotland.

Mimwe mikombe yaakahwinha inosanganisira Zimbabwe Super Flyweight Title neAfrican Flyweight Title.

Svondo rapera Kwayedza yakashanyira muchinda uyu kuNational, kuMbare, muHarare, uko ari kugara nemhuri yake pamba pevabereki vake ndokuita hurukuro naye.

Anotanga nekuti: “Zvangu zvinonetsa kutsanangudza kuti ndava kurarama upenyu hwekukwangwaya asi ini ndakamboita mari yakawanda. Ndakaita mari yaityisa ini, ndaiita kuflasha mari kuvakadzi. Aiwa, (mari) yaidyiwa pano.

“Ndakangokwanisa kutenga motokari iyo ndakazotengesa mushure mekunge ndaita tsaona nayo apo ndakatsika mupurisa akafa. Handizive, pamwe munyama wangu uri kubva pamunhu wandakauraya iyeyu nekuti handina kuzotevera kunomuviga nekuda kwekuti ndaitya kunorwiswa nehama dzake kana kupondwa.”

Mosquito anoenderera mberi achiti, “Chandingaverenga kuti ndakaita ndiko kutenga iyoyo motokari Toyota Crown.”

Zvenyika anoti vakadzi – avo vaaisada kuti vamudarike mumazuva ake – ndivo vakamudya mari yaakaita, yose ikapera kuti dhu.

“Ndinoyambira vamwe varume kuti ngavazive kuti vakadzi vanokudya ukapera sesipo sezvandakaita ini. Panguva yandaiwana mari, ndaiva nerudo zvikuru kuvanhu vandaizivana navo. Vanhu vaiuya pano nezvichemo zvavo ndichivabatsira, vamwe ndichivabhadharira mari dzekuzvipatara. Asi nhasi uno hapana achandicheukawo – zvose nevakadzi vaya vakandidya.”

Mosquito anodemba zvakare kuti kushaya kudzidza kwake dzimwe nguva ndiko kwakaita kuti ashandise mari yaaiwana sezvinonzi ainge akabatirwa pfupi.

“Ndakagumira Grade 2 mufunge. Mukanzwa kachirungu kandinotaura aka ndekekudzidza kuburikidza nekusangana nevamwe mumutambo wetsiva.

“Nyaya yechikoro munoziva munhu akaenda kuchikoro kana achidya mari anoita bhajeti. Mukaona vanaPhillip Chiyangwa vaye kana kunyangwe vachida kukupa chikwereti, vanotanga vanyora pasi voona kuti iye anosara nemarii. Zvino ini ndaingodya mari kusvikira yapera,” anodaro.

Anoti imba yaari kugara pari zvino haienderane nembiri yaakaita nemutambo wetsiva.

“Mukaona imba ino haikodzere kuti inogarwa nemunhu ane mukurumbira sewandiinawo. Inonaya mvura, hapana magetsi zvose nemvura nekuti zvakavharwa nekuda kwezvikwereti.

“Hatina kana chekudya chaicho, chimbuzi chedu chinoshandisa mvura asi mvura yacho hapana. Kurarama kwangu kunonzwisa tsitsi uye ndinotodawo kubatsirwa, pamwe wangu munyama.”

Mosquito anosimbisisa kuti haana kuromba mishonga yakaipa sezvaanopomerwa nevamwe vana vake vachiti vanasikana havazi kuroorwa nekuda kwekuti iye ane juju.

Anoti akaonekwa chipo chake chetsiva naVaMichael Nyirenda, avo vavaigara navo kuMbare ikoko uye ndivo vakamutora achinotanga kudzidzira mutambo uyu.

Panyaya yekuti hapana here vamwe vatsigiri vanova mapuromota ake vakamudyira mari apo akaita mukurumbira, anotsenga-tsenga mukanwa.

Muchinda uyu anoti haachakwanisa kuraramisa mudzimai wake, vana vake vasere nevazukuru.

Vana vaMosquito vasere akavaita nemadzimai matatu anoti mumwe akashaika nevaviri vapenyu.

“Zvisinei, ndakaita rombo rakanaka nekuti kune akandipawo motokari izvozvi, ini ndokuzoichinjanisa nemumwe uyo ndakawedzerawo imwe mari pamusoro nekudaro ndine Honda Fit iyo yandiri kugadzirisa. Ndinoti kuruzhinji rweZimbabwe vandibatsirewo nekuti mhuri yangu yandikurira – ndaremerwa.”

Mosquito anokumbirawo kune vane tsiye nyoro kuti vabatsire pakusimudzira tarenda renhabvu rine mwanakomana wake, Tonny Siziba (17).

Mudzimai waZvenyika – Jesmine Alfonso (35) – anotsinhira kuti vari kudya nhoko dzezvironda.

“Tinogara pano tiri vanhu 15 paimba ine dzimba nhatu, tose nevana nevazukuru vana vevanasikana. Babamukuru mukoma wababa, Norman Alfonso, nemudzimai wavo vanogarawo pano nevana vavo. Saka upenyu hwacho hwakatooma,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti nekuwanda kwavakaita, nguva zhinji vanogara nenzara nekushaya chikafu.

Margaret Alfonso (24) — uyo anova mumwe wevana vaMosquito — anoti upenyu hwakavadzvanya.

“Hapana chiri pano pamba pedu, tarisai mamiriro emba ino chete. Baba naamai vanogara muroom mavo uye babamukuru naamaiguru vane room yavo. Isu vana tose tinorara muno musitting room mamunoona musina kana mubhedha nechigaro.

“Onai madzoto emagumbeze edu ayo, tinorara vanasikana nevanakomana vakuru nevadiki imomu. Hatina magumbeze, mbatya chaidzo dzekupfeka hatina, shangu tinodzinzwira nekudzionera kune vamwe,” anodara Margaret.

Anoenderera mberi: “Tinodya muriwo usina mafuta kana sauti, matomatisi iluxury chaiyo.”

Patience Mukonda (49), uyo anova mudzimai waNorman Alfonso, anotsinhirawo kuti vari kutambura zvikuru.

“Mbiri iri pamba pedu nezita redu rekuti Alfonso haifambirane nemararamiro atiri kuita. Tinosekwa nevanhu vachidarika nekuda kwembiri yakamboitwa nababamudiki Mosquito. Dai tawanawo vanotibatsira,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira mhuri yaMosquito vanoridza nhare dzinoti 0779 117 613, 0776 932 994, 0778 319 713 kana 0773 367 094.

Share This:

Sponsored Links