Uncategorized

Ndara: Nyoka yemudzimu l ‘Inyoka inoshura’ l ‘Mukaiona musaiuraye’ l ‘Inofamba husiku’

29 Jan, 2016 - 00:01 0 Views
Ndara: Nyoka yemudzimu l ‘Inyoka inoshura’  l ‘Mukaiona musaiuraye’  l ‘Inofamba husiku’ Nyoka yendara

Kwayedza

Nyoka yendara

Nyoka yendara

PACHIVANHU mhuka nezvimwe zvisikwa zvakasiyana zvine zvazvinomirira nekududzira kana zvichinge zvaonekwa, zvimwe zvacho zvinonzi zvakanaka asi zvimwewo zvichinzi zvakaipa zvichifambirana nekuti zvaonekwa panzvimbo dzakaita sei.

Seshiri dzemashuramurove, dzikaonekwa vanhu vanobva vaziva kuti mvura inenge yave pedyo nekunaya. Imwezve shiri, haya, ikaswerochema inonzi inenge ichishura kunaya kwemvura uye njiva dzikabhururuka nepamusoro pemba dzichirira hanzi pamusha ipapo pachashanya vayenzi.

Nerimwewo divi, huku dzikarwa pamusiwo pemba zvinonzi zvinorevazve kuti pachauya vayenzi asi kamhuka kanonzi hovo kanonzi kakadarika mugwagwa nepamberi pevanhu vari parwendo, mashura, kwamunenge muchienda kunenge kusina kunaka.

Asi chikara chisingatombodiwa pamusha nevaotenda zvechivanhu inyoka inodadzwa kuti ndara kana kuti munzamusha (Cape file snake muchiRungu). Inonzi ikaonekwa bedzi pamusha, zvinoshura.

Sezita rayo, mhunzamusha inyoka inonzi haifanirwe kumboonekwa mumusha sezvo ikasvikamo, “musha waparara”.

Kwayedza yakaita tsvakurudzo pamusoro penyoka isingaonekwe nhando iyi ikanzwa zvinotyisa nekushamisa. Hezvoka zvimwe zvacho!

N’anga yekuLochnvar, muHarare, asi kumusha ichibva kuNyanga, kuManicaland – Mbuya Alice Masoko Kwenda (59) – vanoti nyoka yendara inoshandiswa nemidzimu kuzivisa vanhu zvakaipa zvichauya.

“Nyoka iyi haionekwe mahara nekuti inoshandiswa nemidzimu. Ichena, inopeny’a uye inowanzofamba husiku, ichiita seinobvira moto muviri wayo wose uye inofananidzwa nevamwe nechitima. Ine muswe unorira sehosho zvinoita kuti pose painofamba ikurumidze kuonekwa,” vanodaro Mbuya Kwenda.

“Mukaiona pamusha, ine zvainenge ichidudzira kumhuri, kazhinji shura. Munogona kuona kuti ikadarika, hakupere mazuva pamusha ipapo pasina kufiwa nehama yepedyo, kazhinji munhu mukuru.

“Dzimwe nguva inoshura kupunzika kwemusha zvakaita sekurambana kana kuwanikidza mudzimai nechikomba kana murume neshamwarikadzi. Zvose izvi zvinogona kududzirwa nemhunzamusha.

“Inoratidza zvakaipa chete, saka ichinzi mhunzamusha kana kuti ndara. Kuti ndara kutara zvakaipa zvichauya,” inodaro n’anga iyi.

Mbuya Kwenda vanoti vave nemakore 39 vachiita zvehun’anga uye vane misha mizhinji yavakashandira yawirwa nematambudziko mushure mekunge maonekwa nyoka yendara.

“Nyoka iyi ikadarika hakupedze mazuva matatu kusina chakaipa chaitika. Saka tinoiti mutumwa kubva kuvadzimu, inotiratidza zvakaipa zviri kuuya.

“Kune avo vakangwara, vakangoiona vanobva vamhanya kuchivanhu kunotsvaga kuti chii chaipa zvogadziriswa kana zvichigoneka. Kana mumusha muine munhu anorwara, anogona kumboitirwa chivanhu kuti amborarama uye kana paine mutano anoda kufa zvogadzirwa zvakare.

“Uku kunonzi kupetera, muchikumbira kumidzimu yenyu kuti muitirwe zvakanaka kana mhunzamusha yaonekwa mumusha.”

Vanoti nyoka iyi haifanirwe kuuraiwa sezvo zvichizoguma zvawedzera matambudziko mumhuri.

“Ndara ikadarika nepamusha, kune vanoita zvechivanhu vanoisa fodya pasi voshevedzana kune vanenge vari pamusha vouchira nekupururudza. Asi haionekwe masikati uyewo hairume vanhu kana zvipfuyo,” vanodaro Mbuya Kwenda.

Vanotizve ndara yakasiyana zvikuru netsvukukuviri iyo ine misoro miviri yavanoti dzimwe nguva inoshandiswa nevaroyi.

Sekuru Elisha Mutanga (60) vekuUshewokunze, muHarare vanotsinhira mashoko aMbuya Kwenda vachiti ndara inoyambira pamusoro pezvakaipa zvichauya.

“Ndara mutumwa kubva kuvadzimu, yatingati mesenja anounza mashoko. Ikadarika motoziva kuti pane chakaipa chiri kuuya, zvikuru kufa kwemunhu angava achirwara kana kuti asingarware, kana netsaona,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Grey Mupinganjira (32) wekwaChihota, uyo anozviti in’anga, asi akambosungwa nemapurisa muHarare gore rapera aine mukweshwa wenyoka mubhegi mukombi apo akazotongwa mudare achiti nyoka iyi ndeye nhaka yaakasiirwa naamai vake, anoti haana kumbobvira ashandisa ndara mumabasa ake.

“Semaziviro angu, nyoka yendara inoshura kufa kana zvakaipa. Asi ini handina kumbobvira ndaishandisa hangu. Ine chekuita nemidzimu yemunhu, kana ukaiona ine zvainotaura kwauri,” anodaro Mupinganjira.

Vakamboona nyoka iyi vanoti inototyisa kuitarisa uye musana wayo wakaita kunge bhemba rinocheka. Inonzi inorarama nekudya dzimwe nyoka.

Ndara inokandira mazai sedzimwe nyoka. Mutauriri webazi reZimbabwe National Parks and Wildlife Management, Muzvare Caroline Washaya-Moyo, anoyambira veruzhinji kuti kuuraya nyoka ipi zvayo imhosva huru inoendesa munhu kumatare edzimhosva.

“Nyoka dzinofanirwa kuchengetedzwa sedzimwe mhuka uye imhosva kudziuraya,” anodaro Muzvare Washaya-Moyo.

Share This:

Sponsored Links