‘Ndarwadziwa ini, ndangomirira kufa . . .’

13 Dec, 2023 - 14:12 0 Views
‘Ndarwadziwa ini, ndangomirira kufa . . .’ Mai Hellen Zvidzayi vachitaridza dumbu ravo rakazvimba - Mifananidzo naCharles Muchakagara

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara kuMt Hampden uye kumusha anobva kuHoya, kuMuzarabani, anoti angomirira kufa sezvo ari kushaya rubatsiro rweUS$1 000 yekuti aende kuchipatara kunovhiiwa dumbu rake iro riri kungozvimba.

Mai Hellen Zvidzayi (51), avo vanove chizvarwa chekuMozambique, vanoti vapererwa nekuzvimba kuri kuita dumbu ravo.

“Ndapererwa nekuzvimba kwedumbu riri kungoramba richifutunuka, ini wacho nehama dzangu hatisisina zano zvekuti ndangomirira zuva rekuti ndichifa zvangu. Zvakatanga mugore ra2011 kusvika nanhasi ndiri kungotambura,” vanodaro Mai Zvidzayi.

Vanoti dumbu ravo rakatanga kuzvimba zvishoma nezvishoma vachigara kuBanket.

“Hurwere uhwu hwatanga, ndakaenda kumaporofita ndikanzi ndakaroiwa. Inyaya yandinotenda nekuti matangiro azvakaita anoshamisa.

“Maporofita aya akazvitadza kunyangwe ndakapihwa miteuro isingaperi. Ndakazotanga kuenda kuchipatara kuChinhoyi, kuChitungwiza nekuParirenyatwa uko ndakanzi ndine mafibroids.”

Mudzimai uyu, uyo asina murume uye ane mwana wemakore 34 okuberekwa, anoti akambosvetwa mvura mudumbu yainzi yaiva ma”acids” anonzi ndiwo aikonzera kuzvimba kwedumbu iri.

“Ndakanzi nditorwe scan nezvimwe zvinoda kuongororwa zviri kuda mari inoita US$1 000 iyo semhuri tatadza kuunganidza. Ini handishande nevamwewo vemhuri yangu tinorarama zvekutamburira,” vanodaro.

Mai Zvidzayi vanoti vari kunzi vanofanirwa kuvhiiwa chinyama chiri mudumbu mavo chibviswe kuti rigoserera.

“Machiremba vari kuti muviri wangu wanyanya kuperezeka uyewo ndinoda kuwedzerwa ropa. Handigone kudya zvakanaka kunyangwe ndichinzwa nzara. Rimwe dambudziko riripo nderekuti ndinogona kuita mazuva matatu ndisina kuzvibatsira. Ndakanzi ndisadye kudya kune maacids kwakaita sebeans, madomasi, matemba nezvimwe.”

Vanoti kuchipatara cheChitungwiza Central Hospital vakambonzi vanoda mapaindi matatu eropa asi vakatadza kuawana nekuda kwekushaya mari.

Mai Ruth Krismas

Mai Ruth Krismas (45) vanove munin’ina waMai Zvidzayi vanoti hurwere uhu hwavakunda.

“Tinomboedza kuunganidza mari asi haikwane, tinogumisira taiparadza. Tinokumbira rubatsiro kuruzhinji,” vanodaro Mai Ruth Krismas.

Mai Faresi Krismas (64) vanove amai vaMai Zvidzayi vanoti vatambura nehurwere hwemwana wavo.

“Mwana wangu aigara kuBanket isu tichigara kumusha kuMuzarabani, takazongonzwa kuti arwara tikamboendako kusvikira akazotama ava kugara kuno kuMt Hampden achingorwara. Hatisisina zano, kungomirira ivo Mwari,” vanodaro Mai Faresi Krismas.

“Kune vanogona kutibatsira vano kuridza nhare panhamba dzinoti 0773 685 087 kana 0774 575 200. Chinhu chinorwadza kugara makatarisana nemurwere pasina rubatsiro rwamunomupa.”

Share This:

Sponsored Links