Ndasuwa bhora: Figgy

26 Nov, 2020 - 13:11 0 Views
Ndasuwa bhora: Figgy Felistas Muzongo

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI weMighty Warriors neBlack Rhinos Queens, Felistas Muzongondi,  anoti asuwa zvikuru mutambo wenhabvu.

Izvi zvinotevera kumiswa kwakamboitwa mitambo pasi rose nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 kubvira muna Kurume gore rino.

Mitambo yakatanga kuitwa munyika muno nguva yadarika apo maWarriors akasangana neAlgeria mumutambo wekurwira tikiti rekuenda kumakwikwi eAfrica Cup of Nations Cameroon 2021.

Mutambo uyu wakatambwa pasina vatsigiri sezvinodiwa pasi pemitemo yekurwisa Covid-19.

Figgy, sezita remadunhurirwa raMuzongondi, anoti akaita rombo rakanaka rekupinda basa kuZimbabwe National Army (ZNA) pamwe nekuve mutambi wenhabvu.

Muzongondi anoti kuva nerimwe basa kuri kumubatsira zvikuru sezvo ange achikwanisa kuwana raramo panguva yelockdown asi asuwa nhabvu unove mutambo waanodisisa.

“Kubva nyika yakaenda palockdown tange tichienda kumabasa, ndizvo zvange zvichitiraramisa muhupenyu hwedu nemhuri dzedu. Semutambi wenhabvu wemuZimbabwe zvakakosha chaizvo kuita rimwe basa uye mamwe mabhindauko anounza mari nekuti anokubatsira muhupenyu hwako pane dzimwe dzenguva. Kana usina zvimwe zvekuita ndipo paye zvinhu zvinooma,” anodaro.

Muzongondi anoenderera mberi achiti, “Chokwadi ndechekuti nhabvu ndaisuwa zvikuru, ndinonzwa manyukunyuku ndichitamba ndiri munhandare asi iye zvino chakakosha hupenyu hwevanhu uye hwedu tose pamberi.”

Figgy achagara ari munhorowondo yenhabvu yemaMighty Warriors sezvo ndiye ane chiremerera chekuva kaputeni wekutanga wechikwata chenyika kuchitungamirira kuenda kumakwikwi eRio de Janeiro Brazil 2016 Olympics.

Pari zvino zvikwata zvizhinji zvevarume zvakapihwa mvumo yekutanga kuita gadziriro dzavo asi hunge kana vatambi vacho uye hutungamiri hwaongororwa denda reCovid-19.

Share This:

Sponsored Links