Uncategorized

Ndatadza kuita mwana

22 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:

Sekuru, ndine dambudziko rekushaya mwana. Ndiri murume ane makore 30, ndakaroora kaviri asi vakadzi vachingozoenda pasina mwana aitwa. Iko zvino ndakaroora zvekare asi hapana kana shanduko — mwana handina. Ndoita sei Sekuru?

 

Mhinduro:

Iwe muzukuru pamwe chete nevamwe vangava nematambudziko akafanana nerako, ndinoti hauna kunyatsotiudza nyaya yako zvizere. Hauna kutaura kuti wakamboenda kumakiriniki kana kuchipatara here uye kuti wakanzi kudii? Ndinodaro nekuti zvimwe zvacho zvinogona kugadzirika kumachiremba anoita zvechirunga kuzvipatara.

Iwewe hauna kumborwara nezvirwere zvenjovhera here, zvirwere zvepabonde? Nekuti zvimwe zvacho zvinokanganisa.

Naizvozvo ndinoti kana usina kuita izvi, imboenda kuchipatara unovhenekwa kuti chingava chii chiri kukushaisa mbereko. Ikoko unogona kubatsirwa dambudziko rako rikatopera.

Asiwo zvimwe zvinogona kunge kuri kushandiswa nemweya yakaipa inosanganisira yezvikwambo kana yengozi. Iyi mweya inogona kuita zvekusundudzirwa nehama, vavengi kana nemadzitateguru avo vanenge vachikushandisa vachikutorera simba rako, ivo vachiita upfumi naro. Kumwe kunogona kunge kuri kuchekeresa.

Asi zvimwe zvatinomboona ndezvekuti, vechidiki sewe, vava kuromba kuti vaite upenyu hwakanaka.

Chinodiwa kuti uzive kuti pane zvechivanhu zviri kukonzera dambudziko rako kuzvitsvaga kuvanhu vanonyatsoziva, kwete vemanyepo avo vanongokurozva pfuma yako. Saka iwe, uchitsigirwa nevakuru mumhuri – ndokunge uchivimba navo – fambai muzvitsvage muchivanhu. Ndinoda kukuudza kuti dambudziko rako kana riri rechivanhu, rinogadziriswa rikapera, iwe wotoita vana vauri kuchemera.

Kana usingazive kwekuenda, svika kumahofisi emasangano anoita nezvechivanhu avo vachakutsvagira vanhu vanokubatsira. Usangoenda kuvanhu vausingazive nekuti vamwe vacho matsotsi.

Zvinopera muzukuru, iwe shinga.

 

Bvunza Kwayedza pa:

Nhare: 0775 421 949 kana 0715 942 183.

Facebook: Sekuru Elisha Mutanga

Twitter: @sekuruelishamutanga

Instagram: @sekuruelishamutanga_official

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>