Uncategorized

‘Ndauraya vanhu 50’‘. . . ndikapengesa vamwe 100’

28 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
‘Ndauraya vanhu 50’‘. . . ndikapengesa vamwe 100’ Gombwe akabata tsono yaanoti anoshandisa mukuuraya vanhu

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wechidiki wekuEpworth — uyo anoita zvehun’anga — ari kudura kuti auraya vanhu vanodarika 50 nemishonga uye atumira mweya yemamhepo ekupengesa kuvamwe vanodarika 100.

Anoti izvi ari kuzviita kuburikidza nezvaanenge akumbirwa kuti aite nevanhu vanoenda kwairi vachinoshandirwa.

Clifford Gombwe (23) — uyo anozivikanwa saSekuru Mukanya Gombwe, uye kumusha achibva kuMozambique — anoti akatanga kuita izvi makore 10 adarika achiti kuuraya kwaanoita vanhu nemishonga uku hakusi kuroya.

Gombwe anoti muzukuru wemuimbi ane mukurumbira Freddy “Kapfupi” Manjalima.

“Freddy Manjalima ndisekuru vangu chaivo, tinobva tose kumusha kuMozambique, kuMagobo kwakadziva kuChidodo kana tiri muno muZimbabwe.

“Ini ndinonyanya kuzivikanwa nekuuraya nekupengesa vanhu,” anodaro.

Gombwe anoenderera mberi: “Ndine tsono yandinodaidza kuti bhazooka iyo tinoisa mishonga yedu mumvura tobaya munhu wauri kuda tichitaura zita rake nemutupo. Ipapo ukangoona ropa mumvura, woziva kuti riva redu rabata, zvedu zvaita, dhiri rafamba uye muvengi wako aenda.

“Vanhu vandauraya kusvika pari zvino vanogona kudarika 50, kuchiti vamwe vandapengesa vanopfuura 100.

“Asi handiuraye vanhu vasina mhosva, ukauya uchida kuuraya munhu asina mhosva tikazviona mumatare edu, mishonga iyi inoguma yakudzokera iwe wacho wauya kwandiri.”

N’anga iyi inoti inopota ichinosimbiswa nedzimwe n’anga dziri kuMozambique.

Inoti kuuraya munhu anenge achitambudza mumwe haisi mhosva, ichiti kana munhoroondo yemuBhaibheri zvinotaurwa kuti vanhu vaiuraya vavengi vavo.

Asi, Bhaibheri rinoti zvakare munhu anofanirwa kuregerera anomutadzira uye kutsiva ndekwaMwari.

“Ndikaona mhosva yako yawakatadzirana nemunhu isingaite kuti ndikuuraye, ndinongokupengesa wofamba uchitaura kukanganisa kwawakaitira munhu. Kana wakatora mukadzi wemunhu, unofamba uchitaura kuti ndakatora mukadzi wangana,” anodaro Sekuru Gombwe.

N’anga iyi inoti zvakare ine jira jena iro inorembedza kumadziro rinonzi rinoita kuti vanhu vaone vavengi vavo.

“Ndinoshandisa simba revadzimu vangu naMwari nekuti iye Mwari pachake anoranga. Kana ndichishandisa simba revadzimu vangu naMwari hapana chakamboipa apa, anoroya vamwe kana kukanganisira vamwe ngaafewo kana kupengeswa,” anodaro.

Kwayedza payakashanyira n’anga iyi svondo rapera, yakawana pamba payo paine vamwe vanhu vaishandirwa, vamwe vacho vanoti vaiona vavengi vavo pajira iri. Sekuru Gombwe anoti anoshanda ari pasi pesangano reZinatha.

VaGeorge Kandiyero — avo vanova mukuru weZinatha – vanoti sangano ravo rinopa matsamba ekurapa kun’anga nemaporofita nevamwe asi zvavanozoita kuburikidza nemashavi ari pavari zvinonetsa kutevedza nekuvadzivisa.

Madzibaba Gamba, VaMartin Madzura (35), vechechi yeKundiso yaVapositori yekuBudiriro, muHarare, vanoti hakuna kubatsira kunotendera kuti munhu auraye mumwe munhu. “Zviri kuitwa nemunhu uyu handizvo nekuti tiripo pakuponesa vanhu kwete kuuraya. Kuranga ndekwaMwari kwete kwedu isu vanhu,” vanodaro.

Kapfupi anotsinhira kuti Sekuru Gombwe muzukuru wake chaiye.

“Sekuru Gombwe muzukuru wangu chaiye, tinobva tose kumusha kuMozambique. Zvino ndingarambe here muzukuru wangu nekuti ava n’anga, hazviiteka. Kana mwana akaita pfambi kana mbavha ndewako chete.

“Hamheno kana achiti shavi rake rinouraya vanhu, ndezvakewo izvo. Ini changu kuridza magitare nekuimba ‘plus’ nekajive,” anodaro Kapfupi.

Masvondo maviri adarika, Kwayedza yakaburitsa nyaya yeimwezve n’anga yechidiki yekuMufakose, muHarare, iyo inoti inobva kuMozambique uye inochengetera mweya yevanhu — vapenyu nevakafa — muchidende icho inoshandisa mumabasa ayo.

Rayton Munonoki (31) — uyo anozviti Sekuru Shumba — anoti vamwe vevanhu vane mweya iri muchidende ichi havatomboziva nezvazvo, asi mweya yavo achiisevenzesa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>