Ndicharamba ndiri kuPSG: Mbappe

16 Jun, 2023 - 09:06 0 Views
Ndicharamba ndiri kuPSG: Mbappe Klyian Mbappe

Kwayedza

Kylian Mbappe anoti acharamba ari kuParis Saint-Germain (PSG) uye izvi zvinotevera mashoko ari kutenderera pamadandemutande ekuti anonzi akati anoda kuenda kuReal Madrid.

Kondirakiti yaMbappe kuPSG inopera gore rinotevera asi pane chimwe chibvumirano chiripo chinomupa mukana wekusaina imwe kondirakiti yekuiwedzera kusvika gore ra2025.

Asi chizvarwa chekuFrance ichi chinonzi chakanyorera chikwata chake achichiudza kuti haadi kuwedzera kondirakiti yake.

PSG haisi kuda kutengesa mutambi wayo uyu uyo vanokoshesa zvikuru asi pfungwa yekuti anogona kuzoenda mahara gore rinotevera uye mashoko anonzi Mbappe akataura, anogona kuvatuma kuti vamutengesa izvezvi. Mbappe anoti PSG yaizviziva paakasaina kondirakiti itsva gore radarika kuti aida kusvika mugore ra2024.

Zvisinei, chikwata ichi chakazviramba ndokuti vamiriri vake vange vari muhurukuro yekuwedzera imwe kondirakiti yake ndokuti paakapedzisira kusaina kondirakiti iyi, akabuda akabata hembe yakanyorwa kunzi “Mbappe 2025”.

Asi kusaina kwakaita Mbappe kuPSG muna2022 kwakashamisa vakawanda sezvo vazhinji vaitarisira kumuona achienda kuReal Madrid panguva iyi.

Akazokumbira ruregerero kumutungamiri weMadrid, Florentino Perez, uyo ange achida kuedza kumutenga zvekare gore rinotevera.

Bepanhau rekuFrance Le Parisien svondo rino rakanyora kuti mutambi uyu anoda kuenda kuMadrid izvezvi izvo zvakatuma Mbappe kunyora kuti: “MANYEPO. Ndakazvitaura kare kuti ndicharamba ndiri kuPSG uko kwandine mufaro chaizvo.” — SportsMail Football

Share This:

Sponsored Links