Uncategorized

‘Ndinonhuwira vanhu’

16 Mar, 2022 - 08:03 0 Views
‘Ndinonhuwira vanhu’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKOMANA anobva mubhuku raMandaza, pedyo neChishawasha Mission, kuGoromonzi anoti aona nhamo nekunhuwa muviri wake izvo zvave kuita kuti atizwe nevamwe vanhu pose paanenge ari.

Anotiwo izvi zvamushaisa mabasa uye akatopihwa zita remadunhurirwa rekuti “Chimbuzi”.

Damison Munashe (20) anoti pane mudzimai zvakare waanoona achiuya kuhope kwake uyo anoshinha naye.

Anoti sekuru vake vakabva kunyika yeMalawi vachizotanga kushanda munzvimbo iyi, iyo yakazoberekerwawo baba vake.

“Ndatambura nedambudziko rekuti muviri wangu unobuda mweya unonhuwa kuita setsvina chaiyo zvekuti vamwe vava kutondipa zita remadunhurirwa rekunditi ‘Chimbuzi.’ Mweya uyu unobuda mutumhezi tudiki tunomera muviri wangu tuchisinina mvura nehurwa.

“Ndaimboenda kuchipatara ndichinzi chirwere ichi hachipere zvekuti ndapedza mari ndichishanyira n’anga nemaporofita asi pasina chiri kubatsira,” anodaro Munashe.

Anoti dambudziko iri rakatanga achiri mudiki achigara nevabereki vake avo vakazorambana uye vose vave kugara kunyika yeSouth Africa.

“Dambudziko iri rakatanga ndichigara nababa vangu VaAlouis Damison naamai vangu Junior Tafadzwa Tayerwa. Vaimboedza kundibatsira.

“Pari zvino ndinogara nagogo amai vaamai asi havanawo kwavanowana mari yekuti ndibatsirwe. Ini ndinoita basa rekuisa maceiling mudzimba nekuveza. Asi dambudziko ravepo nderekuti ndava kutizwa nevanhu nenyaya dzekunhuwa uye handichawana mabasa,” anodaro Munashe.

Anoti panguva yaaigara nevabereki vake, zvaisamunetsa nekuti airapwa nemedical aid yevabereki sezvo vaishanda pachikoro cheChishawasha Mission.

“Ndakangotanga ndichibuda tumhezi twakaomarara twukaguma twakura twava kubuda hurwa nemvura muviri wangu uchinhuhwa kunonzi nevamwe ihudzi. Ndinokwenya kusvikira ganda rava kuda kukwatuka richiomarara.

“Dambudziko iri rakatanga mugore ra2016 kusvikira nanhasi, ndatambura ndinodawo kubatsirwa,” anodaro.

Munashe anoti nekuda kwedambudziko iri, anogeza katatu kana kana (4) pazuva kuti kunhuhwa uku kuderere.

Anotiwo anoshandisa sipo dzinonhuwirira nemafuta acho kudzinga kamweya kanobuda paari asi zvinoshaya basa.

“Izvozvi handina musikana, vanondiramba nekuda kwekunhuwa ikoku. Kwandinofamba – kungava kudzin’anga kana kumaporofita – ndinonzi ndakaiswa mweya wemunyama unoita kuti ndinhuwe.

“Paruzhinji ndinogara kwangu ndoga nekutya kunhuwira vanhu. Musikana wose wandinodanana naye anondiramba mushure memazuva mashoma.”

Pamusoro pedambudziko iri, mukomana uyu anoti pane mudzimai anouya kwaari achiita bonde naye.

“Ndinotanga nekuita madzikirira angava masikati kana husiku, ndobva ndazoona mudzimai anouya achiita bonde neni. Izvi zvinoitika zuva roga-roga.”

Anoti anodemba kuti dai vabereki vake, avo vakasiyana mugore ra2019, vasina kurambana dzimwe nguva vaimubatsira.

“Sikarudzi yangu inogara ichirwadza, ganda rangu riri kukwatuka nekutsemuka nekuda kwemhezi dzandinadzo dzisingaperi.

Hama dzangu chaidzo dzinondisema nekuda kwekunhuwa uku,” anodaro Munashe.

Sekuru Chirume Chirume vemuHarare vanoti mukomana uyu akaiswa jambwa rechidembo zvinoita kuti agare achinhuwa kuti asemwe nevanhu.

“Panyaya yemukadzi anouya, ichi chikwambo chechidzimai chakaiswa paari kuti asaroore saka anoda kubatsirwa,” vanodaro Sekuru Chirume.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>