Uncategorized

‘NDINOPA ANA PAPA MUSORO WEGORA’‘. . . kuti vaite minana nechaunga’

21 Jun, 2019 - 00:06 0 Views
‘NDINOPA ANA PAPA MUSORO WEGORA’‘. . . kuti vaite minana nechaunga’ Dehenya remosoro weGora.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUKADZI n’anga anobva kuChecheche, kuChipinge – asi pari zvino ari kugara kwaZiko, kwaSeke – anoti iye mumwe anoshandira vakuru vemachechi semaporofita, ana “Papa” kana kuti ma “prophet” vakawanda achivapa mishonga inosanganisira musoro weshiri inonzi gora, iyo inozokwezva chaunga chevanhu uye kuti vakwanise kuita minana nekutyiwa.

Shiri yegora (vulture pachiRungu) inonzi ine chipo chekugona “kufembera” kunenge kwaita nyama – zvisinei nekuti mhuka yafarira kure zvakadii. MuZimbabwe gora ishiri inochengetedzwa pasi pemutemo weParks and Wildlife Act zvekuti imhosva kuriuraya – kana dai netsaona.

Gora imwe yeshiri dziri pasi peWorld Conservation Union (IUCN) idzo dzakatarisana nekutsakatika panyika zvachose, kunyanya iya ine musoro muchena (white-headed) zvose neinonzi Hooded vulture.

MuZimbabwe mava nevakuru vemachechi vakawandisa avo vari kuita minana yakawandisa zvichiita kuti vamwe vanhu vavatevere nekutenda zvavanotaura.

Kana n’anga dzirikowo dzakadaro – idzo dzasiya dzimwe mhuri dzapesana kana kurasikirwa nepfuma.

Mbuya Svorai Mugondachako (52) – avo vanova n’anga inozivikanwa nekupa varume nevakadzi mishonga yekusimbisa musana inonzi “mukwapura” – vanoti kune vakuru vemachechi vane mukurumbira avo vavanopa mishonga yavo kuti vaite mbiri nekuunza chaunga chevanhu kunzvimbo dzavanonamatira.

Vanoti vakuru vemachechi vavanobatsira nemishonga ava vanovabhadhara mari yakawanda.

“Izvo zvinotozivikanwa, vakuru vemachechi vanouya vachichema vachiti, ‘Mbuya vanhu vave kutidherera kumachechi, havachakandi zvipo kana kuti vave vashoma’.

Gogo Mukwapura vakabata mimwe yemishonga yavo.

“Ini ndinovapa mishonga yegwezvo kana kuti yekuunza chaunga.

“Vamwe vavo vanouya achida mishonga semusoro wegora iyo inoita kuti vakwanise kuita mapipi ekufembera vachizonyepera vanhu kuti vari kushandisa mweya mutsvene mukuporofita kwavo asi handizvo. Ndinenge ndavapa mishonga nemusoro wegora,” vanodaro.

Kana maporofita vapihwa musoro wegora, vanonzi vanonoucherera pakati pesowe, padare kana pakirawa apo panoshandirwa veruzhinji.

Kana kuri kumachechi uko kunoitwa zvema “one-on-one” musoro wegora unochengeterwa munoshandirwa vanhu “naPapa”, prophet kana naprophetess.

Mbuya Mugondachako vanoti maporofita (mamwe acho mazita tinawo) vanoenda kudare ravo kunoshandirwa nguva dzemambakwedza kana husiku vachida mishonga iyi nekunyara kuzivikanwa kuti vakaromba kana kuti vanozonzi vanodyidzana nen’anga.

“Kana chiremba akashandira munhu husiku, anochajawoka mari refu nekuti inenge iri ‘over time’.

“Asi chinondishamisa ndechekuti kana voparidza kumachechi kwavo, vanotishora isu vanoita zvechivanhu vachiti kuenda kun’anga kwakashata asi vamwe vatungamiriri vemachechi acho vachiuya kwatiri kuzosimbiswa,” vanodaro Mbuya Mugondachako.

Vanokumbirisa kuti Kwayedza isaburitse mazita evakuru vemachechi ava vachiti zvinozovakanganisa mubasa ravo.

Mbuya Mugondachako vanoti vakatotenga motokari yekombi nemari yavari kuwana nehun’anga.

Vanoti mizhinji yemishonga yavo vanonoitora kuChipinge, asi havana kutaura kuti misoro yemagora vanoitorepi.

Votaura pamusoro pezvinorehwa naMbuya Mugondachako, mukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti: “Ichokwadi kuti maporofita nedzimwe n’anga vanoshandisa misoro yemagora kuti vakwanise kufembera. Vanosevenzesa gora nekuti shiri iyi inokwanisa kufembera nzvimbo inenge iine nyama, kunyange iri kure zvakadii, yotoendako.

“Asi gora rinongofembera, zvimwe chetezvo nemaporofita anoshandisa mishonga iyi, vanongofembera asi havakwanise kubatsira padambudziko ravanenge vaona racho.”

Vanoti ndokusaka mamwe maporofita achizonetsana nevanhu, “vanenge vavaudza nhoroondo, asi votadza kuvabatsira”.

“Muporofita anoshandisa musoro wegora anodedemura zita remunhu, dzinza rake rose, nhamba dzenhare dzemunhu, dzechitupa kana zvipfeko zvaanenge akapfeka mukati, asi haagone kuzopedza dambudziko raaona nokuti anenge asina ruzivo rwemberi,” vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoti maporofita vanoita izvi vanenge vachingoda kurozva veruzhinji pfuma yavo nekuti vaite mbiri nekukwezva chaunga.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>