Uncategorized

Ndipo paperera rwendo pano!

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Ndipo paperera rwendo pano! Mabhazi aya aive akany’ura mumugwagwa unobatanidza Skyline, Mubayira neChegutu nguva pfupi yadarika.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUGWAGWA weSkyline-Mubayira-Chegutu wava wemazuvandadzoka nekuda kwekuipa uko waita zvichikonzera mabhazi nedzimotokari kugara zvichiny’ura nekutadza kuyambuka mazambuko kuburikidza nekunaya kwemvura.

Vagari vekuMhondoro vari kuchema-chema nekuda kwekuipa kwemugwagwa uyu vachiti hauchakodzera kufambwa nemotokari.

VaTito Nyamweda (45), avo vanova mukuru wemainspector emabhazi ekwaNyamweda ayo anoshandisa mugwagwa uyu kubva muHarare kuenda kuChegutu vanoti “pazvasvika pakashata”.

“Mugwagwa uyu wakareba makiromita 127, uye wakatanga kushandiswa nemabhazi edu makore ekuma1960 apo unonzi wakamboedza kugadzirwa kuma1970.

‘‘Kubva 1980 kusvika izvozvi, taita maMP anodarika 7 asi hapana zvavakaita nekuda kwemugwagwa uyu,” anodaro Tito.

Mugwagwa uyu unodarika nekunzvimbo dzinoti Marirangwe, Dzumbunu, Monera, Nyamweda, Kagoro, Madzongwe, Mubayira, Chirundazi, Chindiya uchinosvika kuChegutu.

“Mabhazi kana any’ura, vanhu vanofamba mitunhu mirefu kuti vanosvika kumisha yavo nekumwewo kwavanenge vachienda,” anodaro Tito.

VaBothwell Nyamadzawo (35) mumwe wevaridzi vemabhazi anoshandisa mugwagwa uyu, vanoti mabhazi avo anogara achifa nekuny’ura nekuda kwekuipa kwawakaita.

“Ndine mabhazi 4 anofamba mumugwagwa uyu, kushinga chaiko nekuti hapana chandiri kushandira. Masimbi ebhazi anotyoka zuva nezuva matayi achiponja, mabhazi achiny’ura. Kakawanda mabhazi edu anorara mumigwagwa kana kuita mazuva akany’ura tozotsvaga matirakita ekutidhonza ayo anotichaja mari yakawanda,” vanodaro.

Dambudziko iri vanoti rawedzerwa nekunaya kwemvura sezvo mugwagwa wacho wagara wakaipa.

VaGuinea Mhariwa (45) vane mabhizinesi avo paDzumbunu, kuMhondoro, vanovawo sachigaro weDzumbunu Business Association vanoti kuipa kwemugwagwa uyu kwadzosera shure kufambira mberi kwemabhizinesi avo.

“Tiri kuenda kwese tichida kuti mugwagwa uyu ugadzirwe asi hapana chiri kufamba. Takaenda kukanzuru yeChegutu tikanzi hausi wavo, vanoti ndeweHurumende. MP wedu Cde George Gangarahwe vanoti vaendesa chichemo ichi nguva nenguva vachivimbiswa kuti unogadzirwa, magiredha anounzwa achidzokera pasina chaitwa. Akatombomiswa pano paDzumbunu akazongobviswa pasina chikonzero,” vanodaro.

VaAlfreddy Mungate (65) mumwewo wanamuzvinabhizinesi munzvimbo iyi vanotsutsumwawo nekuda kwemugwagwa uyu.

Dee Manhanzva (30) anova sachigaro wevemakombi anoshandisa mugwagwa uyu anoti kudai wagadzirwa sezvo uri iwo unodimbudzira kuenda kuChegutu zvichizovarerukira. Mambo Nyamweda, VaClaudious Mandaza, vanotiwo vanotarisira kuti mugwagwa uyu ugadziriswe nekukasika sezvo uri iwo musimboti webudiriro yedunhu reMhondoro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMambo Chivero, VaBrown Shopo vachiti, “Mugwagwa uyu ndiwo unogona kuita kuti tibudirire kana kusabudirira kuno kuMhondoro. Hakuna bhizimisi ratinoita kana wakaipa kudai, hongu wawedzerwa nemvura iri kunaya asi wagara wakashata.”

Cde Gangarahwe avo vanomirira Mhondoro-Mubaira mudare reNational Assembly vanoti mugwagwa uyu waipisisa.

“SaMP, chichemo ichi ndiri kuendesa ndichinzi uchagadzirwa sezvo uri wenyika, hausi pasi pekanzuru unogadzirwa neHurumende. Mari yekuvandudza zambuko repanaMupfure yavapo uyewo migwagwa iri pasi pekanzuru yedu yeChegutu iri kugadzirwa izvozvi. Zvinoda kuva nemoyo murefu nekuti Hurumende inowandirwa, unogadzirwa mugwagwa uyu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>