Ndiri chigure: Kapfupi -‘Handina zvidhoma ini’

15 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Ndiri chigure: Kapfupi  -‘Handina zvidhoma ini’ Kapfupi

Kwayedza

Kingstone Mapupu
FREDDY Manjalima — uyo anozivikanwa saKapfupi pakuimba nemumitambo yemadhirama — anoti ishasha yezvigure uye achakangobatikana nekunangwa huroyi uko akaitwa nemumwe wake, Charles “Marabha” Milisi. Kapfupi, uyo anoimba nechikwata cheExtra Ndozvo, anoti pari zvino ari kukwenenzvera dambarefu rake idzva rinonzi Tiri Kufambira Nyaya Dzacho, iro rakadengezera dzimwe nziyo dzezvigure.

Kapfupi anotaura izvi panguva iyo vamwe vanhu vari kuti apera.

“Ndine dambarefu idzva rine nziyo pfumbamwe rinonzi Tiri Kufambira Nyaya Dzacho. Pane basa ipapa, vanhu vachatapiririrwa zvavo. Vane godo vachaputika neshungu, ini handidzore tsvimbo,” anodaro.

Anoti mudzimai wake Precious ‘‘Mai Nga’’ Kabriti ane kambo kake kaakanyorawo kari padambarefu iri.

“Ini kandinofarira ndekanonzi Godo kanoburitsa utsinye hune vanhu nekupembedza mashavi angu ekudzinza kwangu kuMalawi. Ndine nziyo dzechigure nhatu dzinoti Mankwara kuLilongwe, Egeshuwa naAnopenga padambarefu irori apo panorohwa mbarure chaiyo yegule wamukulu,” anodaro.

Gore rapera, Marabha akati Kapfupi ari kumuroya kuti atadze kubudirira mubasa rake rekuita madhirama izvo zviri kurambwa nemuimbi uyu achiti chake chaanoziva kutamba zvigure, kuimba nekuita madhirama.

“Handizive kuti akanga azviwana kupi iye Marabha. Kuti ini ndiri muroyi? Ini handiroye, kana mushonga chaiwo hapana wandinoziva.

“Asi, ndiri chigure zvangu, chinyahwe chaicho. Kutamba zvigure chivanhu chekumusha kwangu. Ndingaroye iye? Ko ndinodii kuroya vana vangu vari mumba umu?

“Iye ndiye anozvikwidza BP mahara. Inga wani ndakaita kuti akwire ndege ndini. Ndakadii kumurambidza kukwira ndege kuenda kuUK kwaaisaziva, asingagone kuridza kana gitare hwani zvaro? Handina zvidhoma ini zvaanoti ndakamutumira.”

Kapfupi anoti Marabha akarohwa nechidhinha nemumwe munhu kuMt Hampden anwa musombodhiya izvo zvakaita kuti pfungwa dzake neropa zvisangane nekukuvadzwa uko akanga aitwa, ndokurasika njere.

Mugore ra2017, Marabha akarwara apo anoti aimera nzara dzaireba sedzegudo ndokutaura kuti aitumirwa zvidhoma naKapfupi.

“Hongu zvinorwadza, asi inyaya yakadarika. Marabha munin’ina wangu, tinodyidzana kana nhasi achida kudzoka kuchikwata changu ngaauye. Nezuro chaiye (svondo rapera) akandifonera, vese naAphiri wacho vakasununguka kudzoka.

“Ndinoona sekunge Marabha akashandiswa nemaporofita aida mbiri kuti machechi avo azivikanwe vachitirwisanisa nekuti nyaya yekunzi ndiri muroyi iyi yaibva kumaporofita,” anodaro Kapfupi.

Anoenderera mberi: “Hazvinei, inga mwana waamai vako chaiye anogona kukunanga huroyi wani.”

Marabha, achitaurwa naye neKwayedza svondo rapera, anoti iyi inyaya yakadarika uye ave kuwirirana naKapfupi.

“Inguva yacho, zvinhu zvakadarika. NaKapfupi tava kuwirirana zvikuru.

‘‘Tine hurongwa hwekutoita rimwe basa tose sekutanga uko takaita zvipo zvatiinazvo,” anodaro Marabha.

Kapfupi akatanga kuimba mugore ra2001 uye akagumisira kutsikisa dambarefu muna 2017 rinonzi Toothbrush iro rine nziyo nhanhatu.

“Ndinovimba zvikuru nebasa rangu, zveavo vari kuti ndapera izvo hazviko. Kupera mweya here kwavanotaura ndiko kunotyisa?” anodaro Kapfupi.

Kapfupi anoti ava mumiriri (ambassador) wekambani yeEthical Leaf Tobacco apo anofamba achiishambadza izvo zvinotsinhirwa nekambani iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>