Ndiri Chihera akakwana: Chiwandire

04 Oct, 2022 - 16:10 0 Views
Ndiri Chihera akakwana: Chiwandire Kudakwashe Chiwandire

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yetsiva yeWorld Boxing Council (WBC) Female Interim Super-bantamweight, Kudakwashe Memory Chiwandire, anoti shuviro yake kuti agosvika padanho raClaressa Shields chizvarwa chekuAmerica icho chine mukurumbira mumutambo uyu pamwe nemixed martial arts.

Chiwandire kana kuti “Take Money” asati atanga kutamba tsiva aive shasha yekarate, zvimwe chetezvo naShields.

Take Money anoti akakura achitambura zvikuru asi kubva zvaakapinda mune zvetsiva, upenyu hwake hwave kushanduka zvakanyanya.

Anoti anoda kuti agokwanisa kuchengeta vana vake vatatu zvichibva nemutambo uyu.

“Semutambi wetsiva, ndinoshuvirawo kuzosvika pakasvika Claressa Shields nekutopfuura. Ndinodawo kuti ndigorarama upenyu hwakanaka nevana vangu zvichibva mutsiva,” anodaro Take Money.

Vazhinji vanongoziva Chiwandire ari mutsiva achizvambaradza vamwe vatambi, asi vasina ruzivo rwekuti akabva nekupi.

Kudakwashe Chiwandire nemurairidzi wake anove maneja wake Clyde Musonda

Take Money anoti anobva kuManyene, kuChivhu uye anoyera Mhofu yemukono vari vanaMuseyemwa kureva kuti iye ndiChihera.

Haana kuroorwa uye panguva yaanenge achiita zvetsiva, vana vake vanosara vachichengetwa nevabereki vake.

Take Money nguva pfupi yadarika akati anoda kuvakira vabereki vake imba senzira yekuvatenda nekuchengeta kwavanoita vana vake apo paanoenda kunotamba tsiva.

Kudakwashe ‘Take Money’ Chiwandire

“Ini ndiri Chihera chaiye, kumhuri kwedu tinobva kuManyene kuChivhu, tichiyera Mhofu yemukono anaMuseyamwa. Isu sevanhukadzi tinozongonzi anaChihera chete,” anodaro Chiwandire.

Iye zvino shasha yeWBC iyi iri mushishi kuita gadziriro dzekusangana naZulina Munoz nemusi wa15 Gumiguru kuHarare International Conference Centre (HICC).

Mutambo uyu wakambomiswa kaviri uchipfuudzwa kumberi sezvo puromota wacho – Clyde Musonda – uyo anove murairidzi pamwe namaneja waChiwandire, asiri kunzwisisana nebhodhi reZimbabwe National Boxing and Wrestling Control Board maringe nemarongerwe emutambo uyu.

Share This:

Sponsored Links