Ndiri kudzoka: Samaita

18 Jan, 2024 - 13:01 0 Views
Ndiri kudzoka: Samaita Lloyd ‘Samaita’ Mutasa (kuruboshwe) aine vatambi vechikwata chake cheMoors World of Sport (MWOS) Football Club

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weMoors World of Sport (MWOS) Football Club iyo inotambira muNorthern Region Division One — Lloyd “Samaita” Mutasa — anoti chikwata chake chicharwa semvumba kuti chigopinda muCastle Lager Premier Soccer League gore rinotevera.

Samaita akaenda kumaPunters kuMWOS inotambira kuNgoni Stadium kuNorton mwaka wadarika mushure mekudzingwa basa kuGreen Fuel iyo yaakange apinza muPSL angoirairidza mutambo mumwechete.

Paakaenda kuMWOS, akasvika achitsiva Wonder Ngoko uyo akazotanga kushanda ari mutevedzeri wake kuchikwata ichi.

Mumwaka wake wekutanga ari kuMWOS, iyo yaikwikwidza muNorthern Region Division One, akaibatsira kuti ipedze iri muTop 4 izvo zvakayemurwa zvikuru nevatsigiri vechikwata ichi vachitarisa kuti uyu waive mwaka wacho wekutanga chichikwikwidza muligi iri.

Mwaka wadarika, tikiti rekupinda muPSL reNorthen Region rakazotorwa neChegutu Pirates iyo yakapedza iri pamusoro pezvimwe zvikwata zvese. Muhurukuro neKwayedza, Samaita anoti chikwata chake chicharwira kupinda muCastle Premiership mwaka unotevera.

Rwendo urwu rwekurwira kupinda muPSL ruchange rusiri nyore nekuti muNorthern Region Division One chikwata chake chichakwikwidza nezvimwe zvinosanganisira Black Mambas, Harare City, Golden Eagles neTrojan Stars izvo zvinodawo kupinda muPSL gore rinotevera.

“Mwaka uno tine chinhu chimwechete, kurwira kupinda muPremier Soccer League, ndizvo zvatichange tichirwira.

“Tinoziva kuti rwendo rwacho ruchange rusiri nyore, asi tichashanda zvakasimba kuti tihwine mitambo yedu zvitibatsire kupinda muPSL gore rinotevera,” anodaro. Sezvo mwaka uno Samaita ariye ari kutanga nechikwata chake uye achiona kutengwa kwevatambi vakasiyana, anoti ari kuongorora vatambi vaanoda kuunza kuMWOS.

“Basa ratichabata mwaka uno rinoda kuti tinge takagadzirira zvakasimba naizvozvo tiri kutanga gadziriro dzedu nekukasika uye tiri kuongorora vatambi vatinoda kuunza kuchikwata chedu avo tinovimba kuti vachatibatsira.

“Sezvo mwaka uyu ndini ndiri kutanga nechikwata ichi, ndinoda kunyatsochiumba ndoshanda nacho ndichichirakidza matambiro andinoda izvo ndinovimba kuti zvichabatsira kuti tirwire tikiti rekupinda muPSL gore rinotevera,” anodaro Samaita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey