Uncategorized

‘Ndiri wemusombodhiya bedziii . . .’

28 Jul, 2021 - 11:07 0 Views
‘Ndiri wemusombodhiya bedziii . . .’ Alec Kapfunde

Kwayedza

Kingstone Mapupu 

MURUME anobva kwaMurehwa, kuMashonaland East – uyo agara pamusika weMbare, muguta reHarare kwemakore 17 – anoti aitwa muranda nezvinodhaka izvo zvakonzera kuti apedze makore ose aya asina kumbobvira arara mumba asi pamhene.

Alec Kapfunde (33), uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Ndebvu, anoti haana kumbobvira akaroora uye haana mwana – kana “wemusango” zvake.

Anoti waanoti musha wake pamusika weMbare panokwirirwa mota dzemshika-shika dzinoenda kuMhondoro apo paanowanikwa nevamwe vake vaanogara navo pedyo nepaCarter House.

“Upenyu hwangu hwakasanduka pakangoshaika amai vangu ndichibva ndangobva kumusha kwaMurehwa ndokuuya kuno kuHarare kwandakatanga kuita basa rekusandudzira zvingoro ndichitakurira vanhu zvinhu ndichiwanawo mari shoma yandinotengesa doro nezvekudya zvishoma,” anodaro Kapfunde.

Murume uyu anoti dambudziko rake guru nderekuti amai vake havana kumbobvira vamuudza baba vake sezvo achiti akakura ava kuchengetwa nemurume akanga aroora amai ava apo vakazoita hanzvadzi yake imwe chete.

“Ini baba vangu handivazive, ndakazongoziva murume waamai akandichengeta akazofawo pamwe chete naivo amai. Saka handina hama kunze kwehanzvadzi yangu yekwaamai iyo yakaroorwa kumaruwa.

“Pano pamusika weMbare ndipo pamba pangu, vandinonwa navo doro remusombodhiya ava nekuputa zvinodhaka nezvimwe ndivo hama dzangu. Ndikafa ndinoraswa zvangu sembwa kana kuvigwa neHurumende,” anodaro.

Kapfunde anoti mari yedoro nekutenga zvinodhaka havaishaye kubva mukupemha nekutakura zvinhu zvevanhu.

“Ndinonwa kadoro kemusombo aka kandakabata asi mutoriro handipute, hamheno vanoputa vacho vanoti unoita kuti vasarare.”

Kapfunde anoenderera mberi achiti, “Ndinobirwa zvinhu zvangu kana ndapihwa nevanondida. Izvozvi handina magumbeze nechikafu, ndinoenda mudzimba dzevanhu ndichikumbira uye ndinofuga mapurasitiki chaiwo muchando muno nekudziya matayi.”

Murume uyu anoti kana afa anoda kuti madzisahwira ake vazopupura kutambura uko vaiita pamwe chete.

VaTito Mandaza (48) vekuGlen View muguta reHarare, avo vanoshandira paMbare Msika, vanoti vari kubatsira Kapfunde panyaya yekuti asiye zvinodhaka.

“Murume uyu anozivikanwa kuno kuMbare semumwe anoputa mutoriro nekunwa doro risingabvumidzwe riya asi anonyara kuzvitaura. Ini semunhu aiva nemwana aitambudzwa nekutora zvinodhaka akazobatsirwa, ndakazvipira kubatsira murume uyu nevamwe vake,” vanodaro VaMandaza.

Vanoti vari kushanda nebazi rezveutano nekurerwa kwevana kuti Kapfunde nevamwe vake vabatsirwe.

Kune vanoda kubatsira murume uyu vanomubata panhamba dzaVaMandaza dzinoti 0774 740 500 kana 0719 740 500.

VaMandaza vanotiwo vari kushanda nemasangano akasiyana kurwisa kutorwa kwezvinodhaka zvinosanganisira mutoriro muMbare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>