Uncategorized

Ndirwo rudo . . . ‘ndakakambura tsvina yakaitwa namadhamu’

27 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Ndirwo rudo . . . ‘ndakakambura  tsvina yakaitwa  namadhamu’ GIBBON

Kwayedza

‘. . . ndiko kuti asaite zvikomba’

Kingstone Mapupu —
MURUME wekwaSeke ari kudura pasina kana kunyara kuti svondo rapera akasvika pakukambura kudya tsvina yakaitwa nemudzimai wake iye achiona semhiko yerudo uye kuti mukadzi uyu asaita chipfambi zvachose, asi kuda iye bedzi.

Iyi mhiko anoti akaiwana kubva kuimwe n’anga izvo zvakapindirana nezvaainge audzwa kuti aite nemumwe muporofita.

Gibbon Muzemba (47) wemubhuku raTapera, kwaSadunhu Mazhindu — uyo anobheja kuti pfungwa dzake dzakakwana — anoti akadya tsvina yakange ichangobva mukuitwa nemudzimai wake Elizabeth Mubvindi (37) nemusi weChishanu chadarika.

Kuti awane tsvina yaaida, murume uyu anoti akarambidza mudzimai wake kuenda kunozvibatsira kuchimbuzi ndokumuvharira mumba achida kuti aitire tsvina yake mu‘‘bucket”, inova yaakazokambura kudya.
ONAI VHIDHIYO

“Nyaya yamavinga iyi ichokwadi, ndakadya dho*** remukadzi wangu iye akatarisa. Kuririkita chaiko rikapera kuti fuu. Ndakarikambura kwete kuti ndinopenga asi kuti imhiko dzandakanopihwa kun’anga nekumuporofita nekuda kwechipfambi chake icho ndinotoziva chaari kuita. Ndakazviita nekuti ndinomuda, iye ngaade inini bedzi — ndirwo rudo.

“Ndakaridya ariita mubhaketi, ndakanzi kudya kwandichaita dho*** rake akangopoya chete mumba anozopenga achidya tsvina sezvandakaita ini.

ELIZABETH MUBVIMBI AKABATA BHAKETI RAAKAITIRA SVINA

“Mukadzi wangu kwaanoenda kunotengesa muriwo kwaMakoni, kuSt Mary’s nekumwe anoita zvikomba ndinotozviziva. Ndokusaka ndakamufambira kun’anga nekumaporofita,” anodaro Muzemba.

Murume uyu anoti nyaya yekuti iye azodya tsvina yakatangira panharembozha itsva iyo yakauya nemudzimai wake kumba rimwe zuva ndokubva asvikoiviga. Anoti iye akazogumisira aiona zvikamupa pfungwa dzekuti yainge yatengwa nechikomba.

“Mukadzi wangu anoita zvekutengesa muriwo kwaChikwanha, kwaMakoni, kuSt Mary’s kana kuMbare. Ndinonzwa kuti anoita zvechipfambi, pane vakatombomuwanikidza aine chikomba mumukoto kuSt Mary’s asi ini ndikazvinyarara hangu. Ndakaona kuti ndikada kumurova ndinomuuraya saka ndakazoita zvangu mhiko dzekudya tsvina yake.

“Ndasarirwa nezvikamu zviviri zvinoti chechipiri nechechitatu zvandinoda kuita kwaari, izvo ndisingagone kukutaurirai, zvekudya tsvina ndakatopedza naye kare.”

Muzemba anoti haana kumbosema kudya tsvina yemudzimai wake nekuti aiva nechinangwa uye achida kuzadzikisa mhiko dzaakabvuma kun’anga nekumuporofita.

“Ndakaroorana nemukadzi uyu mugore ra2008 apo ndakatanga kudanana naye ndiine mudzimai wangu mukuru — Alice Gurure — uyo akazoshaya. Aiva shamwari yake yepadyo tichigara tose kuSt Mary’s. Ndakanoviga mudzimai wangu kwaGurure, kwaMutoko ndikapihwa chigadzamapfihwa asi ndikaramba nekuti ndaidanana naElizabeth,” anodaro.

Anoti chipfambi chaMubvindi akachiona kubva apo akatanga kudanana naye mudzimai wake mukuru achiri mupenyu, asi akafunga kuti aizosandura tsika dzake dzehunzenza kana varoorana.

“Tagara tose asi kusvika izvozvi handina mwana naye, iye ane mwana wake. Kunyange nemudzimai wangu akashaika hatina mwana asi akafa aine pamuviri,” anodaro.

Muzemba anoenderera mberi: “Handina kumbobvira ndakadya dho*** remunhu kana rangu chairo, remukadzi wangu ndekekutanga nekuti ndinomuda. N’anga yandakaenda ishangwiti nechitopota chemuporofita wekuJambanja (kwakare kwaSeke). Vaviri ava vakawirirana kuti ini ndidye tsvina yemukadzi wangu.

GIBBON

“Aida kubuda panze kuenda kuchimbuzi ndikamuti aitire mumba apo ndaiziva kuti ndaida kuti musungo wangu ubate. Aita, ndakaritora mubhaketi ndikaridya rese, kutorikokota nemawoko ndokunwira mvura sekutaurirwa kwandakanga ndaitwa.

“Ipapo ndainge ndatanga ndamuti anyore mazita ezvikomba zvake zvose pasi asi iye akaramba achiti hapana chaanoziva.”

Obvunzwa nenyaya yeutano hwake zvichitevera kudya kwaakaita tsvina iyi, Muzemba anoti haana kurwara asi kuti akatonzwa muviri wake kusimba. Mubvindi anotsinhira kuti murume wake akamumanikidza kuti aitire tsvina mubhaketi iyo akazodya akaipedza.

“Akatanga kupopota mumba nekuda kwefoni nyowani yandakatenga yemhando yeSamsung, iyo ndaiviga ndichiziva kuti aizoda kundirova achiti ndaiwana kupi. Ndakambomunyepera kuti yaiva yevamwe vanhu uye nekutya, ndakatanga kunzwa mudumbu ndokuda kubuda panze kunozvibatsira kuchimbuzi asi akandirambidza achiti ndiitire mubhaketi raive mumba. Ndizvo zvandakaita.

“Ndakazoona ave kutora bhaketi riya ndokutanga kudya tsvina yangu ndichitoona, ichinhuwa zvekuti mumba macho maisatogarika. Akadya akapedza, ndokubva atonwa mvura.

“Ini ndakatya nazvo nekuti handina kumbobvira ndakazviona,” anodaro Mubvindi.

Anoenderera mberi achiti: “Takarara husiku hwose achingodzvova semunhu asvikirwa apo aidikitira muviri wose asi achiti aitonhorwa. Mangwanani acho ndakazotiza ndokunopotera kwasadunhu vedu VaMazhindu ndichitya kuti anogona kundiuraya nekuti kudya madho*** hachisi chinhu chekutamba nacho. Izvozvi ndiko kwandichiri kwaVaMazhindu.”

Mubvindi — uyo kumusha anobva mubhuku raKurida, kuMuchinjike kwaMurehwa — anoti akazoridzira nhare kuhama dzake achidziudza zvainge zvaitwa nemurume wake.

“Hanzvadzi yangu akati ari kuuya asi haana kumbouya kusvika izvozvi. Ndiri kugara kumba kwasadunhu sezvo ndiri kutya kudzokera kumba. Foni ndakaitenga $10 kuSt Mary’s uye ndaitya kumuratidza.

“Izvo zvekuti ndinoita chipfambi handizvo, kunyange mukadzi wake wekutanga ndaisava shamwari yake uye ndakazodanana naye mudzimai wake atofa,” anodaro Mubvindi.

Anoti ave kutyira upenyu hwake zvichitevera mashura akaitwa nemurume wake.

“Hamheno, pamwe yave nyaya yeSatanism. Ndichazongonzwa ndave kudyiwa hura mudumbu. Murume uyu haana kundibvisira kana sendi kumba kwedu, kungogara zvangu.”

Mubvindi anoti murume wake akambotora chipfeko chake chemukati apo aiva kunguva yake yekutevera achibva aenda nacho kun’anga nenyaya imwe chete yekuti anomufungira kuti anoita zvechipfambi.

“Kusvika nhasi uno chipfeko ichi handina kuchiwana. Ndakambopotsa ndanwa muchetura kuti ndizorore zvangu,” anodaro Mubvindi.

Mudzimai uyu anoti musi wazodyiwa tsvina yake nemurume wake, akanga apihwa bepa nechinyoreso kuti anyore mazita ezvikomba zvake zvose pasi, izvo anoti haana kuita sezvo asina zvikomba zvacho.

“Ipapo ndipo paakazonditi ndiitire tsvina mumba, hamheno kuti aifunga here kuti ndikabuda ndaizotiza.”

Mubvindi anotizve haachada murume asi ari kushaya kuti oenda sei kumusha kwake sezvo Muzemba asina kumuroora.

“Hama dzake ndakadzitaurira nyaya iyi asi hapana danho ravari kutora. Pamba patinogara tinochengeta iye achiita basa rekukanya zvidhinha achitengesa,” anodaro Mubvindi.

KENNETH MAZHINDU

Sadunhu Mazhindu VaKenneth Mazhindu (77) vanoti nyaya iyi yakavashamisa zvikuru uye vanoda kuipfuudza kudare raMambo Seke.

“Handina kumbobvira ndakanzwa nyaya yemunhu anonzi anodya tsvina yake kana yemumwe munhu. Uhu huroyi huri pachena, kuti munhu anodya tsvina yemumwe munhu semhiko,” vanodaro Sadunhu Mazhindu.

Vanoti pavakaenda kumba kwaMuzemba vachida kunzwa zvizere pamusoro penyaya iyi murume uyu akavati anoda kuti mukadzi wake adzoke kumba.

“Ndakaenda kumba kwaMuzemba akanditi nditange ndadzosa mukadzi wake. Ndamirira kuti nyaya iyi isvike kumapurisa chete nekuti vanhu ava vanogona kuurayana. Muzemba akataurira vadzimai vangu kuti akanzi nen’anga adye dho*** remudzimai wake katatu zvinoreva kuti kwasara kaviri,” vanodaro.

Mbuya Mildred Mazhindu (60), avo vanova mudzimai waSadunhu Mazhindu, vanoti kubva vachikura, havana kumbobvira vakaona zvakadai. “Handina kumbobvira ndakaona munhu anodya matu*** kudai, aya mashura. Pane chivanhu chakaitwa apa,” vanodaro.

Ukuwo Sekuru Friday Chisanyu — avo vanova mukuru wesangano rinomirira n’anga nemaporofita reZimbabwe National Practitioners’ Association (ZINPA) — vanoti murume uyu akashandisira mudzimai wake mishonga yakaipa zvikuru iyo inotoda kuti abatsirwe nguva ichiripo.

Share This:

Sponsored Links