Uncategorized

‘Ndoroyerwa kachasu’

29 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
‘Ndoroyerwa kachasu’ Owen Mlambo

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME anogara mumusha weNew St Mary’s, kuChitungwiza, anoti aoneswa nhamo nekuroyiwa nevanhu vaanoti vane godo avo vaanobika navo doro rekachasu vachiritengesa zvisinei nekuti mhando yehwahwa uhu haibvumidzwe pasi pemutemo.

Owen Mlambo (45) anoti ari kurwiswa nevaroyi vari kuuya kumba kwake husiku uye mazuva adarika akambotumirwa mbada nevaroyi iyo yaiyamwisa vana vayo vashanu pamusha pake.

“Ndine machembere andinobika nawo doro rekachasu muno, rinova basa rinotiraramisa uye ndava nemakore ndichiita izvi. Sezvo basa iri rave kukanganiswa nekudhura kweshuga nezvimwewo zvatinoshandisa, vamwe mbuya vandinoita navo basa vakazondiratidza kunowanikwa manyuchi kana kuti ‘molaces’ iyo yakachipa kubikisa kachasu uko ndakatanga kuenda ndoga ndichinotenga,” anodaro.

Anoti mbuya vakamuratidza kunowanikwa manyuchi vakamutsindidza kuti asazowana vamwe vanhu vaanoratidza mukoto uyu kuitira kuti vasawane vavanokwikwidzana navo mukubika doro rekachasu.

Manyuchi mafufu anosara panogaiwa shuga ayo anonzi anobikiswa kachasu kanodhaka zvikuru uye kanofarirwa nezvidhakwa zvemumusha uyu.

“Ini ndakazotaurira vamwe vanhu nekuda kwekuti ambuya ava vakanga vasisandipe mari yekuvaitira basa sezvo ndirini ndaivabatsira kubika kachasu kavo. Saka ndakazotaurira mamwewo machembere andainotengera manyuchi aya ndichivabikira kachasu vachindibhadhara,” anodaro Mlambo.Anoti vanhu vaakaridza mukoto wemanyuchi vakazoudza mbuya vaye nevamwe vechikwata chavo zvikaita kuti chembere iyi igumbuke zvikuru.

“Imwe yechembere idzi yakazouya kwandiri ichinditi handina kurongeka ndokundivimbisa kuti ndichazvionera pamhuno sefodya nekuda kwenyaya yandainge ndaita. Ndakaudzwa kuti handichada upenyu,” anodaro.

Murume uyu anoti svondo rapera akazobuda mumba achida kuenda kuchimbuzi apo akaona pachivanze pake paine mbada yaiyamwisa vana vashanu.

“Pazvitombo zviri pachivanze changu, ndakanzwa kuhon’a ndokutarisa ndikaona mbada ichiyamwisa vana. Ndakafunga kuti dzimwe nguva ndatadza kuona ndokuvheneka netochi sezvo hwaiva husiku ndikatoona iri mbada iyo isina kunditiza kana kuda kundirwisa. Ndakamutsa vamwe vanhu vakatsinhira kuti imbada.”

Anoti mhuka iyi nevana vayo zvakazongoverera ndokunyangarika murima.

Rechimangwana racho, Mlambo anoti vakazomuka ndokuona matsimba embada neetuvana twayo uye mhuka idzi dzakasiya dzaitira tsvina pamusha pake.

Mushure memazuva mashoma, murume uyu anoti akazoona mukweshwa weshato waiva wakamonerana neimwe nyoka isiri shato pamusha pake.

“Nguva dzimwe chete husiku kuma10, ndakamuka ndokuona mukweshwa weshato yainge yakamonera imwe nyoka dzichiita sedzairwa. Pandakatizira mumba ndichimutsa mudzimai, takadzokera tose tikanoona mashura aya ndokumutsa vamwe vavakidzani. Takazobatidza moto apo nyoka idzi dzakatiza,” anodaro Mlambo.

Mlambo anoti mushure memazuva mashoma, akazomuka pakati pehusiku ndokuona chembere mbiri neharahwa avo anobika navo kachasu vachimuti, ‘muka tipedzerane, wakajaidzwa’.

“Chembere mbiri nemurume ava vaindipopotera vachiti sei ndave kubika doro rinotengwa kudarika ravo uyewo vachindipomera kuti ndakaudza vamwe kunowanikwa manyuchi. Pavaitaura neni kudaro, mamwe mazwi aibva kunze achiti, ‘ngatingomuurayei zvipere mhani’,” anodaro.

Anoti vanhu ava vaiti vaida nyama.

“Vanhu ava vaiva vakagara pamacheya angu mumba matinorara, apo ndakabva ndanzwa chiveve muviri wose. Chinoshamisa ini pandaitaurira mukadzi wangu kuti mune vanhu ava, iye anoti aisavaona.”

Mlambo anoti varoyi ava vakazongonyangarika mumba umu uye havana kuvhura gonhi pakupinda nekubuda.

Anoti varoyi ava vava kuuya kumba kwake mazuva ose huri husiku vachisvikogara pamubhedha nepacheya vachiridza tsamwa.

Mudzimai waMlambo, Tinotenda Chirisa (27), anoti: “Baba vari kumuka mazuva ose vachiona vanhu vavari kurwisana navo vachiti vari kuda kuvauraya avo vanoti vari kuuya nezvidhoma nekatsi, ini ndomuka ndotanga kunamata. Hatisi kurara mazuva ano, inyaya yekachasu yakakonzeresa matambudziko aya.”

 

Share This:

Sponsored Links