Uncategorized

‘Ndotorerwa mudzimai nechikomba’

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu—

MUMWE mudzimai anoti ari kuoneswa ndondo nemurume wake uyo anoenda kubasa kwake achinotuka nekutyisidzira vamwe vaanoshanda navo.

Loveness Vize akaendesa Sylous Chinyaona kudare reHarare Civil Court achida kuti amiswe maitiro aya sezvo zvava kumutadzisa kushanda zvakanaka.

“Anouya kubasa kwangu achida kuona vakuru vangu achituka nekutyisidzira vamwe vandinoshanda navo izvo zvakaita kuti ndimbomiswa basa,” anodaro Vize.

Anoti haachada Chinyaona nekuti haasi kugona kumuchengeta nevana.

“Handichamuda nekuti haasi kugona kundichengeta nevana. Ndakamutaurira asi ari kuramba achiuya kubasa kwangu achida kuti vandidzingezve basa nekuti vakandiregerera ndikadzoserwa kubasa saka iye ava kuita godo,” anodaro.

Chinyaona anoti akaenda kubasa kwemudzimai wake kamwe chete nekuti akanga aona kuti mukadzi wake ava nechikomba kubasa uku.

“Ndakaenda kubasa kwake zvine runyararo ndichida kuona murume akanga ava kufambidzana naye, saka ndaiendeswa mumahofisi akawanda kusvikira ndazomuwana zvinova zvavasina kuramba vose kuti vanofambidzana,” anodaro.

Anoti Vize akange ava kuda zvekuroorwa nechikomba chake akatomboenda kunogara nacho, asi akazodzoka achikumbira ruregerero vaviri ava ndokuzodzokerana, asi anoita seachiri kuda chikomba ichi.

“Chikomba chaitoda kumuroora iye akatombonogara ikoko, akazofona achikumbira ruregerero ini ndikamuregerera akadzoka kumba. Asi zviri kuratidza kuti achiri kumuda nekuti akandiramba zvakare uye akadzokera kubasa kwake kunoshandawo chikomba ichi,” anodaro Chinyaona.

Anoti Vize ngaadzokere hake kuchikomba chake pane kuti amunyepere.

“Ngaadzokere hake kuchikomba chake pane kuti andiunze kuno kudare achitaura zvekunyepa,” anodaro Chinyaona.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaVize achiti haana kupa umboo hunoratidza kuti ari kushungurudzwa naChinyaona.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>