‘Ngatikoshesei kuzvidzivirira’

14 Dec, 2021 - 09:12 0 Views
‘Ngatikoshesei  kuzvidzivirira’

Kwayedza

Leonard Ncube ari kuVICTORIA FALLS

VERUZHINJI vanokurudzirwa kuti varambe vachitevedzera zvizere matanho akatarwa neHurumende uye nesangano reWorld Health Organisation (WHO) ekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Izvi zvinotevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nedenda iri.

Kubvira musi wa1 Zvita, Zimbabwe iri kuona kukwira kwakanyanya kwehuwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenekwa.

Vachitaura vari kuVictoria Falls padivi pemusangano weTripartite Negotiating Forum (TNF), gurukota rezvekuburitswa kwemashoko – Senator Monica Mutsvangwa – vanoti kutevedzwa kwematanho aya kwakakosha zvikuru panyaya yekurwisa Covid-19.

TNF, iyo yakavambwa muna1998 uye ndokuzokumikidzwa zviri pamutemo mugore ra2019, inopa mukana pakati peHurumende, vemabhizimisi nevamiririri vevashandi kuti vakurukure nekugadzirisa zvinonetsa mapoka ose aya.

“Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, avo vanova Vice President Dr Constantino Chiwenga, vagara vachikurudzira vanhu kuti vatevedze matanho aya uye neChipiri chadarika mudare reCabinet takawirirana kuti pave nekukosheswa kwekutevedzwa kwematanho akatarwa neWorld Health Organisation nekuti chirwere ichi tichinacho,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanokurudzira veruzhinji kuti vapfeke mamasiki nenzira kwayo, kushambidza maoko nemvura ine sipo kana kushandisa sanitizer uye kusaita chitsokotsoko.

Panguva yelockdown, parufu uye mumabhawa makaonekwa senzvimbo dzinokonzera kupararira kwakanyanya kweCovid-19 uyewo nemamwe makungano anosanganisira mabiko nemichato ayo anoitwa panguva yezororo reKirisimasi.

Sen Mutsvangwa vanoti zvakakosha kuti vanhu vasati vabaiwa nhomba dzekudzivirira denda iri vabaiwe.

Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 3 956 020 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira Covid-19 apo vamwe 2 976 972 vange vabaiwa ose ari maviri – ekutanga neechipiri (2nd dose).

“Tinofanirwa kutevedzera dziviriro inodiwa zvichitevera kunyuka kechina (4th wave) kwedenda uko kwave pakati pedu. Tinoramba tichiti vanhu vemuZimbabwe, tapota, zvakakosha kutevedzera dziviriro yeutano iyi.

“Ngatipfeki mamasiki edu nguva dzose, kusaita chitsokotsoko kwakakosha zvikuru, tinoda kuramba tichashambidza maoko edu nesanitizer uye pamusoro pezvose, tose ngatibaiwei nhomba,” vanodaro Sen Mutsvangwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “President neWHO vari kugara vachitaura pamusoro pekukosha kwekubaiwa nhomba senzira chete inoita kuti tikwanise kudzivirira kupararira kwedenda iri. Tinoda kuonekwa senyika inosimudzira upfumi hwayo panguva yekuomarara kwemamiriro ezvinhu uye nzira chete yekuita izvi kuona kuti tabaya majekiseni chikamu chinodarika 60 percent chevanhu vose vari munyika kuti tichengetedzeke.”

Sen Mutsvangwa vanoti Zimbabwe ine mishonga yenhomba inokwanirana sezvo President Mnangagwa vari kushanda nesimba nechinangwa chekuona kuti nyika ino yatungamirira mudunhu reSadc panyaya yekuwana mishonga nekufambisa chirongwa chekubaya nhomba.

Share This:

Sponsored Links