Ngatinamatirei nyika: First Lady

21 Jan, 2021 - 10:01 0 Views
Ngatinamatirei nyika: First Lady First Lady Amai Mnangagwa

Kwayedza

Tandayi Motsi

MUDZIMAI wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa vari kukurudzira vanhukadzi vari muZimbabwe nevamwe vari kunze kwenyika avo vanokwanisa kuti vabatane navo muchirongwa chekutsanya nekunamata kutanga nemusi wa21 Ndira kusvika 23 Ndira vachikumbira kuna Mwari kuti adzikinure nyika kubva kuchirwere cheCovid-19.

Izvi zvinotevera kuwanda kuri kuita vanhu vari kubatwa nedenda iri pamwe chete nevari kufa.

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, vanhu 28 675 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 mushure mekunge vavhenekwa muZimbabwe.

Pavarwere ava, 18 110 vakatopona asi vamwe 825 vakafa.

“SaAmai venyika, ndinokurudzira vanhukadzi vari muZimbabwe nevose vari kunze vanoda kubatana neni muchirongwa chekutsanya nekunamata kuna Mwari kubva mangwana (21 Ndira) kusvika neMugovera 23 Ndira 2021 kuti nyika yedu inunurwe kubva mumatambudziko ari kukonzerwa nechirwere ichi. Nyika yedu iri kuona vanhu vakawanda vari kufa mukati memasvondo maviri adarika. Rufu rwuri munharaunda dzedu, pamisuwo yedu. Hapanai mhuri isina kumborasikirwa nemudikani wayo nekuda kwechirwere ichi,” vanodaro Amai Mnangagwa.

Vanoenderera mberi vachiti, “Zuva roga-roga tinonzwa mazita evanhu vari kufa nedenda iri. Nekudaro ndinozvininipisa ndichikumbira kuvanhukadzi vose kuti vazvipire kwemazuva matatu kutanga mangwana (China) vachitsanya nekunamata kuti Mwari vapindire vadzikinure nyika yedu nevanhu vayo.

“Sevanhukadzi, tine basa guru ratinoita mukugarisana kwevanhu. Tinobatanidza mhuri pamwe chete uye toita kuti zvifambe zuva nezuva.”

Vanoti zvakakosha kuve nehurongwa pamhuri yoga-yoga hwekushandisa zvinhu zvinenge zviripo pakushambidza dzimba uye kuti munhu wose azive kukosha kwekupfeka masiki nenzira kwayo.

“Apo tinonamatira kuti nyika yedu idzikunurwe, tinofanirwa kuona kuti tatora matanho ekunamata tichichengetedza utano hwedu. Nzira yakanaka kutsanya nekunamata tiri kudzimba dzedu,” vanodaro Amai Mnangagwa.

Vanotenda vashandi veutano avo vari pamberi panyaya yekurwisa chirwere cheCovid-19 nekuzvipira mubasa ravo pamwe chete nemamwe mapoka akasiyana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>