Uncategorized

‘Ngatisafarise paGoredzva’

28 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
‘Ngatisafarise  paGoredzva’ Tapiwa 'Sekuru Taps' Chiradza

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weSungura, Tapiwa “Sekuru Taps” Chiradza, ari kukurudzira veruzhinji kuti vasafarise apo nyika yatarisana nekupinda mugore idzva achiti kana vanhu vakasazvidzora, zvinoita kuti pave nenjodzi huru yekutapurirana Covid-19.

Tapiwa, uyo anotungamira chikwata cheGolden City Band, anoti kazhinji vanhu vanofarisa kana vave kupinda muGoredzva nekudaro zvakakosha kuti vatevedzere matanho ose aripo ekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

“Tinoziva kuti patinopinda muGoredzva, vanhu vanoda kufara chaizvo, asi ngatifare zvakadzikama tisarase muswe. Ngatifare nemhuri dzedu tiri mudzimba dzedu nekuti zvichatibatsira.

“Tikafarisa zvichatikanganisa zvakawanda uye tinogona kuchema mune remangwana. Ngatiyeukei kuti Covid-19 ichiriko uye iri kuuraya vanhu, saka ngatikoshese upenyu hwedu nehwehama dzedu tigare takazvichengetedza.

“Hatidi kuti gore idzva richitanga tinge tichichema nekuda kweCovid-19,” anodaro Tapiwa.

Anoti mumazuva anotevera, vaimbi vane chitsama vachange vachiita mashoo kunzvimbo dzakasiyana dzemafaro nekudaro zvakakoshawo kuti vatevedzere matanho ekumisa kutapurirana denda iri.

“Isu sevaimbi ibasa redu rekuona kuti takoshesa matanho akaiswa kuitira kuti upenyu hwevatsigiri vedu husaiswe panjodzi. Ngative mucherechedzo wakanaka uye tichitevedza matanho aripo.

“Isu tikatungamira pakutevedza mitemo, vatsigiri vedu vanotevedzerawo,” anodaro.

Tapiwa anozivikanwa nenziyo dzakaita mukurumbira dzinosanganisira Havana Rudo, Sandie uye naMusoro Wechitima iyo yakanetsa gore rino.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>