Uncategorized

Ngirozi hadzifarire mask: Mapositori

12 Feb, 2021 - 14:02 0 Views
Ngirozi hadzifarire  mask: Mapositori Mapositori pamasowe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

PANGUVA iyo Hurumende iri kukurudzira veruzhinji kuti vatevedzera matanho ose ekuedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, kune vamwe vanamati vechipositori vari kuungana zvekupotsa vasvika zana, izvo zvisiri kutenderwa nemutemo, uye vasina kupfeka mamasiki.

Kwayedza svondo rapera yakaona vanamati vechechi yeJohane Masowe weChishanu mumusha weGlen View 7, muguta reHarare, vakaungana uye pasina kana mumwe ainge akapfeka masiki.

Chechi iyi inonamatira pedyo nerwizi rwaMukuvisi mumugwagwa Amalinda pakati peGlen View 1 neGlen View 7.

Madzibaba John Mutize, mumwe wevanamati vakawanikwa varipo, vakaramba kutaura kuti sowe iri rinotungamirirwa nani.

Vanoti havapfeke mamasiki semurairo wavanoti vakapihwa nemweya mutsvene.

“Ichokwadi, matiwana takaungana pano takawanda zvekupotsa tasvika 100 kana kudarika. Pangoita zvinhu zvinoda kugadziriswa nemweya isu tikashevedzwa kuti kuuye vakuru chete.

“Kwaita chiporofita chekudzimura tsaona iyo yakanzi inogona kuwira vamwe vedu tiri palockdown kudai. Neshungu dzine vanhu dzekunamata tiri pamwe chete, pavakangonzwa kuti tiri kuuya vabva vauya nevamwe vatisina kushevedza,” vanodaro Madzibaba Mutize.

Vanoenderera mberi: “Mweya wakataura kuti panguva yekunamata tiri pano pamasowe hatibvumidzwe kupfeka mamasiki, zvinotadzisa mweya kufamba zvakanaka. Isu tinotungamirirwa nemweya kwete vanhu saka muri kuona takadai. Handikuda kwedu, zvinhu zvakataurwa nemweya saka hatigone kupikisana nazvo.”

Mashoko avo anotsinhirwa naMadzibaba Tazorodzwa Muungwa vachiti kuungana kwavo kune chekuita nechiporofita chakanga chapihwa kumukuru wesowe ravo.

“Kuungana kwedu hakuna chakaipa, hongu nyika iri kurambidza kuita izvi asi taunganidzwa pano nemweya mutsvene kuti utaure nesu tikunde tsaona yatakaziviswa nezvayo iyi. Panyaya yekuti maona vanhu vose vasina kupfeka mamasiki ikurudziro zvakare yakataurwa nemweya mutsvene kuti zvinotadzisa mweya kufamba zvakanaka mukati medu nekupinda matiri uchitaura nesu,” vanodaro Madzibaba Muungwa.

Vanoti vanotevedza mitemo yose yenyika, asi havagone kupikisana nemweya mutsvene.

“Hatigone kupikisa ngirozi yaMwari, tinoita mhemherere nekutukwa pamberi paMwari,” vanodaro Madzibaba Muungwa.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoyambira vanamati vari kutyora mutemo wekuti vanhu vasaungane nekurega kupfeka mamasiki kuti vanosungwa.

“Vanamati vakadai vanosungwa vozoti mavara azarevhu. Covid-19 iriko uyewo iri kuuraya pasina kusarudza vanhu,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>