Uncategorized

Ngozi haipedzwe nekutsipikwa

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Wedzerai Nhemachena
MUCHIKAMU chekutanga svondo rakapera pachikuva vhino Bembera Padare, takaonesana nyaya dzinenge nhatu dzakasimba panhanga nyaya yedu. Takabata zvekuchengetedza zita rakanaka mumusha, mukambani kana munyika.

Tikataura zvakare nezvehutungamiri mudzimba, mukambani kana munyika. Chekupedzisira chatakabata ndechengozi inouya mushure mekunge makundikana kubata basa sezvinotarisirwa.

Ngozi
Vazhinji vanonzwisisa ngozi sekurwiswa kwemhondi nemweya wekutsiva – kupfukirwa – kana pane anenge afa nekupondwa. Pano tichatora ngozi semweya weruenzaniso unosanganisira kupondwa kwemunhu, asi ngozi haigumire ipapo chete. Ngozi inogona kusanganisira kubata kwakaipa mumhuri, mukambani kana munyika uko kunoita kuti vana mumhuri, vashandi mudzimba, kana ruzhinji rwutambudzike nekuda kwemhosho nokuti maitiro akaipa anopfukira mhuri, kambani kana nyika. Izvi zvinoreva kuti kana munhu akaita hunhu hwakaipa, hunopfuka nekuvana nokuti arera chakaipa. Chakaipa ichocho chinogona kumumukira iye pachake. Chakaipa chakafanana nekudyara mbewu, hachirove, asi chinotoramba chichitenderera mumhuri, mukambani kana kana munyika ndokunge vanhu vakaramba vachichipembedza.

Yeukai zvatakakurukura, tichiti vana vanotarisira nekutora nhodzera dzevabereki muzvizhinji zvavanobata muupenyu hwavo. Kazhinzji, kana baba vachirova amai mumba, vanakomana vanozviona, vopedzisira vachirovawo madzimai avo kana vave nedzimba dzavowo. Izvi zvimwe chete kana mukambani. Ngozi yakadai inosvika pakuparadza dzimba, kambani kana nyika kana pasina kutorwa matanho ekugadzirisa ngozi yerudzi irworwu.

Ngozi yakadai inotopera nekuripwa nezvakaitangisa. Kana ari munhu adeurwa ropa rake, vazhinji verudzi rwedu vaShona vanowirirana kuti ropa ndirowo richaripa rimwe ropa. Murume anogona kutizwa nemudzimai nevana vake osara ari oga achiita zvehurombe nokuti musha mukadzi. Pamufananidzo wesvondo rapera, imbwa ikadya mazai, ichadyiswawo mazai anopisa akavharirwa mukanwa mayo kuti isazvipamhe ramangwana. Kana zvadaro, mazai anochengeteka.

Kana iri kambani yaipiswa nevakuru vayo, kambani inogona kuvhara kana vakuru ava vakaregwa vari panzvimbo. Vakasadaro, vashandi vanogonawo kutiza kambani iyoyo. Vashandi vanopedzisira vave kudzimba vakatadza kuchengeta mhuri dzavo.

Chenjedzo
Chikuva chino chinoda kutora mukana uno kupa chenjedzo kuti zvatinobata muchivande, zvichabuda pachena chete nokuti rine manyanga hariputirwe, nokudaro ingozi nokuti ngozi haitsipikwe. Ngozi inoparwa nevashoma asi yozorwadza vazhinzi.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Nhare: 0772 428 809; Email: [email protected] <mailto:[email protected]>

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>