Uncategorized

NGOZI NEKUNAMATA . . . ‘Kuigona kuiripa – chete-chete’ . . . ‘Kutizira kuchechi hakubatsire’

26 Jul, 2019 - 00:07 0 Views
NGOZI NEKUNAMATA . . . ‘Kuigona kuiripa – chete-chete’ . . . ‘Kutizira kuchechi hakubatsire’ Pastor Muchefa

Kwayedza

Kingstone Mapupu
KUNE nyaya dzakawanda dzengozi dzagara dzichibuda muZimbabwe —dzimwe mhuri dzichinzi dzinotambudzwa nemweya yevanhu vakafa avo vanenge voda kuripwa.

Kubva nakare, vanotaura vanoti kugona ngozi kuiripa – mweya wacho unenge uchitambudza vanhu wobva wazorora.

Kusati kwava nemutemo unorambidza kushandisa munhu semuripo, vanasikana vairipiswa ngozi apo mhandara dzaipihwa kumhuri inenge yakaparirwa mhosva kuti vanoitwa madzimai ikoko — vachizvida kana dai vasingazvide.

Vamwewo vairipa ngozi nevanakomana, majaya ayo aiendeswa kumhuri dzinenge dzaponderwa hama yadzo — vachizvida kana dai vasingazvide.

Zvino mutemo wenyika ino wakazvimisa. Hazvichatenderwa kuripa ngozi nemunhu.

Asi hazvireve kuti ngozi hadzicharipwa. Vemhuri mbiri vanogona kuwirirana kuti vanoripana sei — ingava pfuma yakaita semombe, mbudzi kana mari, chero chavabvumirana.

Chimwe chinonetsa ndechekuti mweya wengozi unozosara wonetsa vana — pwere dzekumashure —avo vanenge vasingazive mhosva dzakaparwa nevakuru vavo.

Fume mangwana vonzi varipe mhosva yavasingazive nezvayo.

Vamwewo ndivo vanenge vachinyatsoziva mhosva dzavakakoromora, asi vasingangoda kudziripa.

Vamwe vavo vanonzi vanopota vachitandidzira mweya yengozi kuhama dzavo dzisina chadzinoziva. Kana vaona zvavanetsa — vasingade kutandidzira — vamwe vanonzi vanonopotera kumachechi.

Kune vamwewo vanonopika kumajeri kana vapara mhosva sekuponda.

Zvinobva zvaunza mubvunzo unoti ngozi inopera here nekuti nyakuponda munhu aenda kujeri akanopika kana kuti ava kunamata?

Svondo rino Kwayedza yaita ongororo pamusoro penyaya iyi ndokunzwa zvakawanda.

Mambo Nyamweda vekuMhondoro, VaClaudious Mandaza, vanoti ngozi haipere nekunamata asi kuti inotoda bedzi kuripwa.

“Isu semadzimambo, tiripo kuyananisa mhuri mbiri kuti vakaponderwa nevakaponda kuchitsvagwa nzira dzekuripana. Musanyeperane kuti ngozi inotandirwa kana kupera nekunamata kumachechi.

“Vanhu ngavauye tigare pasi, voripa ngozi uye hazvinyadzise kuti kumba kwenyu kune mweya wengozi nekuti hapana dzinza risina ngozi,” vanodaro Mambo Nyamweda.

Mbuya Letwin MaMoyo Manguwo (27) vekuUnit M, kuChitungwiza, vanoti mamwe matambudziko anogona zvawo kupera nekuenda kuchechi kana kunogadzirwa nedzimwe nzira dzechivanhu – asi kwete ngozi.

“Mamwe matambudziko hongu angagone kubatsirwa kumachechi nedzimwewo nzira kana kuchivanhu kwedu. Asi ngozi haipere nekuti waenda kun’anga kunorasirira kana kuti wave kunamata. Mushonga wengozi bedzi kuiripa,” vanodaro.

Vanoti ngozi yemunhurume kare yairipwa nemwanasikana mhandara uyo aiendeswa kumhuri yakaponderwa munhu uyewo yemunhukadzi ichiripwa nemukomana.

“Hongu, mutemo wenyika wava kurambidza kuti ngozi iripwe nemunhu, ndokusaka muri kuona ngozi dzisiri kupera kunyangwe dzikaripwa nemombe dzakawanda zvakadii. Kare, mwanasikana aiendeswa kungozi ainoita mukadzi wengozi obereka vana ikoko vanonzi vana vengozi.

“Kwapondwa mudzimai kwaiendeswa mwanakomana jaya uyo ainosandurwa mutupo wake, oita wekumhuri yemunhu akapondwa uko anoita vana vanotoshevedzwa mutupo wemunhu akapondwa nevemhuri yake ikoko,” vanodaro.

Vanoti kuripwa kwengozi kunofanirwa kutungamirirwa nemweya wengozi uchitaura woga zvaunoda.

Pastor Hazvinei Muchefa vechechi yeRECFEMI Ministries iri kuWaterfalls, muHarare, vanoti ngozi iriko semimwe mweya yose yevakafa, asi inopedzwa nekunamata.

“Bhaibheri mugwaro raIsaiah 1 verse 18 kusvika 20 rinoti kunyangwe zvivi zvenyu zvakatsvuka seropa ndichazvichenesa semakushe emakwai kana semazaya echando. Izvi zvinoreva kuti kunyange wakatadza zvakadii, ukauya kuna Mwari unodzikunurwa. Saka ngozi inopera ukauya kuna Mwari,” vanodaro.

Asi vanotiwo zvakanaka kuti vanenge vaponda vanhu varipe ngozi dzavo vasati vaenda kumachechi.

Vanopa muenzaniso waCain wemuBhaibheri uyo akauraya Abel apo ropa raAbel rakamukira Cain richienda kwaari richichema uye richibvunza kuti akamuuraire chii?

“Vane mweya yengozi vanouya isu tichivabatsira asi tinovati vaende kunoripa kuhama dzevanhu vavakapondera,” vanodaro.

Kuchiti Madzibaba Gamba, VaMartin Madzura (34), vekuBudiriro, muHarare zvakare, vanotiwo ngozi haipedzwe nekunamata asi kuti inofanirwa kuripwa.

“Ukanzwa vanoti ngozi inopedzwa nekunamata kana nekuenda kun’anga hakusi kupera kwayo asi kutsipika kana kutandidzira. Asi painozodzoka inenge yava nesimba kana kuti hasha zvekuti inosvikopedza vanhu,” vanodaro.

“Ipai zvaKesare kuna Kesare, ukadeura ropa unofanirwa kuriripa,” vanodaro.

Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare, avo vanoita zvechivanhu vanoti ngozi inopera nekuripwa chete.

“Ukange wakauraya usambopedza zvako nguva uchitizira kumachechi kana kumaporofita nekun’anga. Huya tikubatsire nenzira dzekuti wosvika sei kune vanhu vane munhu wawakaponda, totaura nemweya uyu wodura zvaunoda,” vanodaro.

Vanoti kutsipika mweya wengozi kana kuutandidzira kureva kuti n’anga, muporofita kana kuti mufundisi wacho anenge atobatsirawo mukuuraya munhu.

“Saka mave kuona ngozi yave kunopedza kumhuri yevamwe ichisiya mumba mevanhu vanenge vakaponda, vanenge vachitandidzira nekutsipika. Izvi zvinokonzera kupesana kwemhuri,” vanodaro.

Sekuru Mutanga vanoti kune maripirwo engozi anofanirwa kutungamirirwa nen’anga kuchitoitwa mabiko nekugashira zvaripwa. Vanoti panotumidzwawo zita remunhu ari kuripwa.

Kuchiti Madzibaba Mateo Mupfumbati (34) vemuHarare zvakare vanoti hakuna chinokona pamberi paMwari nekudaro ngozi inogona kupera nekunamata.

“Ngozi inopera nekunamata, ndokunge munhu akazvipira chaizvo pamberi paMwari. Iyo ngozi tinotoiti mweya yetsvina saka inoenda nekunamata,” vanodaro.

Asi, vanoenderera mberi vachiti kana munhu apara ngozi, anofanirwa kuripa.

“Kana iko kudenga jeri ririko, saka zvirango zvemhosva dzedu zvakatimirira kudenga. Hazvina mhosva kuti wakapika kujeri rehurumende ipi pasi pano kana kuti wakaripa ngozi, mutongo waMwari unokumirira,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>