Uncategorized

Ngozi yatsano yoda ‘Top-up’ yemombe 2 . . . pakamboripwa dzimwe 26

18 Mar, 2021 - 13:03 0 Views
Ngozi yatsano yoda ‘Top-up’ yemombe 2 . . . pakamboripwa dzimwe 26

Kwayedza

Tendai Gukutikwa ari kuCHIMANIMANI

MWEYA wengozi yemurume anonzi akapondwa nehanzvadzi yemukadzi waaidanana naye makore 50 apfuura unonzi uri kutambudza vemhuri yanyakuponda uchiti unoda kututsirwa dzimwe mombe mbiri pamusoro pedzimwe 26 dzakabviswa semuripo kare.

Mweya waChizemo unonzi uri kupfukira mhuri yekwaMashairenyi iri kwaMutambara, kuChimanimani, zvichitevera kupondwa kwake naErick Mashairenyi.

Paakamiswa pamberi pedare raMambo Mutambara svondo rapera, Mashairenyi anobvuma kuti iye neshamwari yake iyo akati inonzi Musoni ndivo vakaponda Chizemo muna1974 mushure mekunge vaziva kuti aidanana nehanzvadzi yake.

Sekutaura kwaMashairenyi, ngozi iyi yakaripwa makore ekuma1980 apo vakabvisa mombe 26 vakapa mhuri yekwaChizemo. Izvi zvakaitika panguva iyo vaive Mambo Mutambara – VaSam Mutambara, avo vava mushakabvu – vakatonga nyaya iyi.

“Mambo aivapo nguva yacho akandiudza kuti ndiripe ngozi nemombe gumi nesere. Kare ikako ngozi iyi yakanga isati yave kutambudza mhuri yedu.

“Ndakatevedzera zvakataurwa namambo ndichifunga kuti mweya wemufi hawaizonditambudza, asi ndanga ndakarasika,” anodaro Mashairenyi.

Tapuwa, uyo anove mwana waMashairenyi, anoti ngozi iyi yakatanga kubuda kumakore ekuma1990 apo baba vake vakatanga kurasika njere zvekuti vakabva pamba ndokutanga kugara mumigwagwa.

“Hatina kufunga kuti mweya waChizemo waivakanganisa sezvo takanga taripa ngozi yacho. Takazozviziva kuti mweya waChizemo ndiwo waiita kuti varasike njere muna2009 apo mweya uyu wakatanga kutaura kuti unoda dzimwe mombe sere. Pakabhadharwa mombe idzi, zvinonzi Mashairenyi akabva amira kurasa njere. Asi makore gumi nemaviri akatevera, ngozi iyi inonzi yatanga kutaura zvakare kuti inoda mombe mbiri pamusoro pe26 dzakabviswa.

Ngozi iyi inonzi inoti kune hembe dzechivanhu dzinofanira kuendeswa kumhuri yekwaChizemo. Zvisinei nekuti vekwaMusoni havasati vaoneswa ndondo nengozi iyi, Tapuwa akapa chikumbiro kunaMambo Mutambara kuti vadaidze vekwaMusoni kuti vabhadhare imwe mombe kwaChizemo achiti vekwaMashairenyi ndivo vakabhadhara zvakawanda pakuripa nengozi iyi.

“Musoni akafa kare kare asi vana vake havasi kunetswa nengozi yaChizemo. Yakangonangana nesu chete. VekwaMusoni vane mhirizhonga yakanyanya saka tinotya kuvatanga. Takarasikirwa nemombe dzose tichiripa ngozi yaChizemo,” anodaro Tapuwa.

Zvisinei, Mambo Mutambara vakaudza vekwaMashairenyi kuti vataurirane nevekwaMusoni vaone nzira yekuti varipe ngozi iyi. Tapuwa anoti vekwaChizemo havana kuita chivanhu pakuripwa kwengozi zvinova zvave kuita kuti irambe ichinetsa.

Anoti wanano dzake hadzisi kugara nekuda kwengozi iyi.

Zvisinei, mwana wemufi, Sarah Chizemo, anoti wanano dzaTapuwa hadzikanganiswe nemweya wababa vake.
“Akaita vakadzi vatanhatu vose vakaenda nekuda kwekuda madzimai kwake. Vanofanira kungobhadhara zvakasara kumhuri yekwedu kwete kusweropoterera.”

“Tinogamuchira sei mweya wababa vedu mumusha kana vasati vabhadhara zvose kwatiri? Tinoda zvedu zvose zvavainazvo ndokuti paitwe chivanhu.

“Mashairenyi neshamwari yake vakauraya baba vangu zvakazoita kuti ndikure ndisina baba. Ndaifanira kudzidza kuti ndiite mudzidzisi ndichigara upenyu hwakanaka asi ndakazvitadza nekuti ndakashaya akandipa rutsigiro,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>