Uncategorized

Ngozi yemwana Yopedza dzinza

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Ngozi yemwana  Yopedza dzinza

Kwayedza

— ‘Makandiponda mukandiisa muhozi’
—‘Zvino rwendo rwuno tinopedzerana’

Kingstone Mapupu —
NGOZI yekamwana kekwaMurehwa kaive nemakore matatu okuberekwa — ako kanonzi kakapondwa, mutumbi wako ndokuchekereswa semushonga wedivisi rekurima mugore ra1960 – yava kubvira moto zvekupotsa yatsvaira rudzi rwevemhuri yekumuuraya.

Mweya wemwana uyu wava kubuda uchitsanangura maponderwo aakaitwa nezvimwe zvose zvange zvakavanzika.

Paunobuda unoti akatorwa nemhondi dzekuzomuchekeresa, ndokumbochengetwa akavigwa mudura pashure ndokuzonourairwa kuimwe n’anga. Mutumbi wake wakazoshandisirwa mishonga uchibva wachengetwa mudura mune zviyo. Nekupindana kwemakore, sekutaura kwemweya uyu, mutumbi wemwana uyu wakazonokandwa murwuzi Shavanhowe umo wakayeredzwa nemvura.

Kwayedza iripo, mhuri yekunzi yakaponda mwana uyu yakatoripa mombe 14 nembudzi pamusoro. Imwe yemombe idzi yakazouraiwa neMugovera svondo rapera pamabiko ekuedza kutonhodza mweya wemwana uyu negashira huripwa hwacho.


Bezel Chakanyuka Chiunya (3) wemubhuku raMakuvaza, kwaMambo Mangwende uyo akaberekwa mugore ra1957 ndiye ari kunzi akapondwa nevanhu vakamuchekeresa.

Mumwe wemadzimai ane varume vari kunzi ndivo vakapara mhosva iyi ari kubvuma achiti: “Ichokwadi, murume wangu nasahwira wake ndivo vakaponda mwana uyu. Wangu murume akatopinda mumba richingova ropa hembe nemuviri wake wose uye akandiudza kuti aponda Chakanyuka kuti tipfume.”

Pakaparwa mhosva iyi, zvinonzi Chakanyuka ainge asiiwa achitamba nevamwe vana pamusha apo vabereki vake nevamwe vainge vaenda kunhamo pane mumwe musha uri padyo.

Pavakazodzoka kurufu, vabereki ava vanonzi vakasvikoshaya mwana wavo uye vakaedza kumustvaga vachibatsirana nevemunharaunda asi vakamushaya. Nyaya yekutsakatika kwemwana uyu yakazokwidzwa kumapurisa eko.

Kwemakore anosvika 57, nyaya yekutsakatika kwemwana uye yange ichingotemesa vemhuri yake misoro dakara mweya wengozi wazotanga kupfuka kune vemhuri yekwaCheza, uko kunonzi ndiko kune vanhu vakamuponda.

INNOCENT CHEZA ACHINONGEDZERA AKAPONDA

Ngozi iyi inonzi yava nemwedzi mitatu yatanga kubuda pamurume anonzi Innocent Cheza (27), mweya waChakanyuka uchitaura kuti akapondwa nemushakabvu Solomon Cheza — uyo anova sekuru kuna Innocent.

Mweya wengozi uri kutaurawo kuti Solomon akabatsirana nasahwira wake ainzi Simon Gotora Chiunya — uyo akashaikawo zvakare — kuuraya nekuchekeresa Chakanyuka.

Simon aive babamukuru vemwana wekupondwa uyu.

ONAI VHIDHIYO PAZASI:

VaLloyd Chiunya (65), avo vanova mukoma waChakanyuka, vanoti kwemakore akawanda vange vachishushikana kuti vazive kuti munin’ina wavo akatsakatika akaendepi kudzimara mweya wengozi yake wazopfuka.

“Chakanyuka akangoshaika pano pamusha apo aitamba nevamwe vana mugore ra1960 aine makore matatu ekuberekwa. Mweya wengozi uri kutaura kuti akapondwa naSolomon Cheza naMutandwa Gotora, avo vose vakashaika.

“Zvino mweya uyu uri kuti paakatorwa, akanochengetwa muhozi ndokuzoponderwa kuimwe n’anga mushure memazuva. Mutumbi wake wakazochengetwa mudura raigara riine zviyo nguva dzose uye zvinonzi waishandiswa sedivisi rekurima,” vanodaro VaLloyd Chiunya.

Vanoti mweya wengozi uri kutaura kuti mutumbi waChakanyuka wakazotakurwa ukanokandwa murwizi rwaShavanhowe, kwakare kwaMurehwa, umo wakayeredzwa zvekuti hauchakwaniswa kuwanikwa.

Mbuya Rossy Cheza (70) — avo vanova mudzimai waSolomon Cheza — vanotsinhira kuti ichokwadi kuti murume wavo ndiye akaponda Chakanyuka.

“Handina chandinoramba ini, izvozvi vana vangu vose vapera kufa nekuda kwengozi iyi ndangosara ini. Makorokoto kuti mweya waChakanyuka wabuda, wave kutaura zvaunoda.

“Murume wangu akauya kumba akazara ropa ndokumubvunza kuti akanga aita sei akanditaurira kuti aiva auraya Chakanyuka kuti tiite mari nedivisi rekurima. Chitunha chemwana uyu ndakachiona icho taigara nacho muhozi medu. Murume wangu akaponda mwana uyu nasahwira wake, Mutandwa Gotora,” vanodaro.

Zvisinei, mudzimai waMutandwa Gotora —Mbuya Felistous Chiunya Gotora (82) — vanoramba nyaya yekuti murume wavo akabatsira pakuuraiwa kwaChakanyuka.

FELISTUS CHIWUNYA

“Pakashaika mwana taiva pano pamusha, tose taenda kunhamo naamai vemwana uyu nevamwe. Murume wangu aisavapo, aiva kubasa akatozouya mushure memazuva mana anzwa kuti mwana aiva ashaika kuno,” vanodaro.

Koga Chiunya (51), anova mwana waMutandwa Gotora, anorambawo kuti baba vake vane chekuita nekupondwa kwaChakanyuka.

“Isu takakura tichinzi Chakanyuka akapondwa naSolomon Cheza, kwete nababa vangu. Izvi zvave kutaurwa nengozi iyi ndinofunga kuti mweya we‘fake’, zvinhu zvakarongwa nevanhu nekuti baba vangu vairima, vaiva nemombe dzaidarika 200,” anodaro.

Vabereki vaChakanyuka — Elias Chiwara naCathrine Chiwara — vose vakashaika uye vaive nevana vapfumbamwe, kusanganisira iye wekupondwa.

Mweya wengozi uyu wakazobuda veKwayedza varipo apo wakanongedza Mbuya Cheza naMbuya Gotora vachinzi varume vavo ndivovakaponda Chakanyuka.

“Ndakauraiwa ndiri mwana mudiki ndikatadza kuita mwana. Vaindichengeta muhozi vachindirimisa nekundishandisa kutenga mombe nekuita mari. Vakazonondikanda murwizi Shavanhowe saka hamuchakwanisa kuwana mutumbi wangu.

“Pfuma yangu iyo yandaripwa mombe idzo munodya, motsvaga mukomana anoroora nemombe idzi monditumidzawo zita rangu rekuti Chakanyuka. Musandicheme izvozvi nekuti ndichadzoka zvakare ndopedzerana neavo vari kuramba kuti vakandiuraya. Izvozvi ndakatarisana nemhuri yekwaCheza. Chiregai ndinotinha mombe dzangu ndoga,” wakadaro mweya uyu.

Mweya uyu wakazotungamirira vanhu ukanotinha mombe kudziunza paruzhinji idzo dzakagashidzwa kumhuri yekwaChiunya nevekwaCheza vachitungamirirwa naJonathan Cheza (53).

Mweya wengozi uyu wakanyaradzawo musarapavana anove amai mumhuri yanaChakanyuka — Mai Dorothy Dhiyo (69) — uchiti vasashungurudzike nenyaya iyi sezvo waizodzoka kuzorwisa vamwe vari kuramba kuti ndivo “vakabata ropa” remushakabvu.

“Amai ndave kuenda zvangu, musarwadziwe zvakanyanya nekuti ndakapondwa nevanhu vandinoziva. Ndichadzoka zvakare toungana saizvozvi nekuda kwevari kuramba nyaya yavo yekundiponda,” wakadaro mweya uyu. Mhuri yaChakanyuka inoti pavaifamba kumaporofita nekudzin’anga vaitoudzwa kuti mutumbi wemwana wavo waiva wakachengetwa muhozi.

Muzukuru mukuru mumhuri yekwaChiunya — uyo akangozviti anonzi Shonhiwa (45) — anoti vemhuri yekwaCheza vakazouya kuzoripa vapera kufa nekuda kwengozi iyi.

Mai Shelter Chiunya (68) vanove hanzvadzi yaChakanyuka vanoti vaivapo pamusha musi watsakatika mushakabvu uyu.

“Taitamba mujecha tichidhonza magejo ezvimiti, apo taiva na- Alouis Gotora (muchakabvu) aivawo hanzvadzi yangu. Tashaya mwana, takamhanya kwaiva nenhamo kunotarira vanaamai vakazouya vawanda ndokutanga kutsvaga mwana asi vakamushaya. Hezvo, mweya wake wazodzoka nhasi wave kurwisa woga,” vanodaro. Martin Chiunya (42), anove gotwe mumba mana Chakanyuka, anoti zvinorwadza zvikuru kuti mukoma wake akapondwa ari mwana mudiki asina chaaiziva nekuda kwevanhu vanoda kupfuma vachishandisa mishonga.

“Ndakazoberekwa iye afa kare tichingoita zvekunzwa. Iye zvino akwanisa kunorwisa oga, nhasi totambira pfuma yake,” anodaro.

Hanzvadzi yake, Isabel Chiunya (54), anotiwo nyaya iyi akazoberekwa yaitika kare uye vaiita zvekutaurirwa.

Vamwe vakuru kumhuri yekwaChiunya vanosanganisira VaKadira Chetsanga (81) naVaKillian Chetsanga (61) vanotiwo mwoyo yavo yazorora sezvo vave kuziva firo yemwana wavo.

Sekuru vaChakanyuka, VaJosiah Mutunga (79), vanofara kuti mweya wemuzukuru wavo wazobuda uchitaura mafiro ake nevanhu vakamuuraya. Pakaitwa mabiko ekugashira mombe dzekuripa ngozi iyi paivawo naSekuru Cloudy Chetsanga (79), avo vanove svikiro remumusha wekwaChiunya nemaporofita aibatsirawo munyaya iyi.

Mudzimai waInnocent, Pamela Makoto (26), anoti murume wake anogara achimurova nekuda kwemweya wengozi unomubata.

Mhuri yekwaChiunya inoti ichagara pasi nekuda kwemombe dzakaripwa idzi kuti kugoitwa chivanhu chizere chekudzitambira nezvimwewo.

Zvisinei, imwe yemombe idzi inonzi yakafuma yakafa mudanga nemusi weMuvhuro svondo rino izvo zvinonzi pane zvakakanganisika pachivanhu asi vamwewo vachiti yakaisirwa muchetura nevavengi. Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, Assistant Inspector Tendai Mwanza, vanoti vanoda nguva yekuongorora mafambiro akaita nyaya iyi sezvo pave nemakore akawanda zvikuru kubva panonzi pakapondwa Chakanyuka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>