‘Ngwarirai dzihwa rehuku’

09 Feb, 2022 - 17:02 0 Views
‘Ngwarirai dzihwa rehuku’ Dr Josphat Nyika

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE yakagadzirira kurwisa chirwere cheAvian Influenza zvichitevera kunyuka kwachakaita kune dzimwe nyika dziri mudunhu reSouthern African Development Community (SADC).

Chikamu chinoona nezvekuchengetwa kwezvipfuyo kunyika yeNamibia chakazivisa nezvedenda reHigh Pathogenic Avian Influenza (HPA1).

Chirwere ichi chakaipisisa uye chinobata zvipfuyo zvinosanganisira sehuku.
Zimbabwe yakatotanga kuita ongororo kumiganhu yenyika kuitira kuti vanhu vasafambise huku kana zvigadzirwa zvinobva muhuku.

Nyika ino iri kuita zvekare nhaurwa nedzimwe dziri mudunhu reSADC kuti pave nemukomberanwa mukurwisa chirwere ichi.
Gore rapera, South Africa neBotswana dzakaita dambudziko rehirwere cherudzi urwu cheH5N1 HPAI.

Zimbabwe yakapedzisira kuita dambudziko rechirwere cheHPAI muna2017 uye kubva gore iri, nyika ino iri kuramba ichisimbaradza matanho ekudzivirira kunyuka kwedenda iri.

Dr Josphat Nyika, avo vanova chief director kuchikamu cheDepartment of Veterinary Services, vanoti Zimbabwe yakagadzirira kurwisa chirwere cheAvian Influenza.

“Nemusi wa8 mwedzi uno (Kukadzi) takaziviswa kuti kune kunyuka kwechirwere cheAvian Influenza muhuku kusanganisira shiri dzemusango kune dzimwe nyika saka tiri kushanda pamwe nebazi rezveutano nekurerwa kwevana mukusimudzira nyaya dzegadziriro yekudzivirira kupinda kwechirwere ichi kubva kunyika idzi. Chirwere ichi chiri nyore kupararira, zvikuru nekufamba kunoita zvinhu zvinogadzirwa zvichibva muhuku kana shiri.

“Shiri imhuka dzinobhururuka saka mikana yekupinda kwechirwere ichi muno inowanda zvekare,” vanodaro.
Chikamu chavo, vanodaro Dr Nyika, chiri kukusha zvakare mashoko echenjedzo kuvarimi nevari muchikamu chezvehuku pamusoro penjodzi yekupararira kwechirwere ichi.

“Tinokurudzira varimi vehuku kuti vasaregedze huku dzavo dzichigara panzvimbo dzinowanza kushanyirwa neshiri dzemusango. Tinoda zvekare kuti vanhu vambomira kushandisa midziyo inoshandiswa nehuku kunyangwe kupa mvura nechikafu kuhuku nenzira dzinokwezva shiri dzemusango nekuti zvinonenekedza huku dzedu kunyatwa yekutapurirwa chirwere ichi,” vanodaro.

Dr Nyika vanoti kune vamwe varimi vanochengeta huku dzechivanhu idzo dzinongofamba pese-pese dzisingagariswi mumatanga avo vanofanira kumbosandura machengetero aya.

Vanofanirwa kudzivharira mumatanga uye midziyo yese ichifiritwa nemishonga inouraya hutachiona kuitira kuti pasazova nedambudziko rekutekeshera kwechirwere ichi.

“Varimi vehuku kana vachinge vaona kuti dzava kurwara kana kufa, vanofanira kuzivisa nyanzvi dzekuchikamu chedu dzinoona nezvekuchengetwa kwezvipfuyo vari padyo navo,” vanodaro Dr Nyika.

Chirwere cheAvian Influenza chinonzi chinotapurirwa nyore kuhuku, matoki, hanga, madhadha neshiri dzemusango.
Chinonyanya kuparadzirwa neshiri dzinobhururuka nyika nenyika kana kutengeserana kunenge kuchiitwa pakati penyika zvigadzirwa zvehuku.

Chirwere ichi chine mikana yekutapurirwa kuvanhu kana vachinge vabata huku dzine hutachiona uhu kana midziyo inogara huku dzacho.

Dr Nyika vanoti Zimbabwe ine mikana yakakura yekutapurirwa chirwere ichi, zvikuru nekuda kweshiri idzo dzinobhururuka nyika nenyika (migratory birds) kana kuburikidza nekutengeserana kwainoita nedzimwe nyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>