‘Ngwarirai maporofita enhema’

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views
‘Ngwarirai maporofita enhema’

Kwayedza

cathrineHAMENO zvenyu kune avo vanoteerera maporofita enhema muchiti baba vati baba vati.

Mashoko aya akataurwa negurukota rinoona nezvehutano munyika yeSouth Africa, VaAaron Motsoaledi, mazuva apera.

VaMotsoaledi vakati vanhu vazhinji vari kufa mushure mekunge vateerera manyepo kubva kumasangano ezvitendero.

“Maporofita ari kunyepera vanhu zvikuru uye vari kuisa vanhu mugwara rerufu mushure mekuvanyepera,” VaMotsoaledi vakataura vari kuJohannesburg kunyika iyi. Gurukota iri rakati iro harimbofa rakateerera manyepo ari pachena akadai nekuti ndezvekupenga.

VaMotsoaledi vakati vanoshamiswa kuona munhu achitora kamari kake kashoma achinopa muporofita kana munhu waanoti baba anoti anokwanisa kuita kuti iye ahwinhe mari yakawanda mumutambo welottery asi iye ari tsuro zvake.

“Ungatende kuti munhu asina kana chinhu angaite kuti iwe uiite mari? Iye haana naizvozvo adii kuita kuti iye ahwinhe mari iyi ashandure upenyu hwake kubva munhamo pane kuda kubatsira mutorwa.

‘‘Ndiko kubirwa munhu akasvinura uku. Adii kutora makomborero acho iye abuda muna taisireva?” vakadaro.

VaMotsoaledi vakati chinoshamisa ndechekuti maporofita aya huporofita hwacho vakazvipa vega.

“Handiteereri muporofita akangomuka mangwanani ave kuti iye muporofita. Huporofita hwekuzvipa ega. Iye haana kana chinhu anonamatira iwe kuti upunduke, aiwa ndidzo nhema chaidzo idzodzo,” vakadaro.

VaMotsoaledi vakati chinovashungurudza ndechekuti mbavha idzodzi dzinotopiwa mukana wekutaura panhepfenyuro, paterevhizheni uye mumapepanhau.

“Chinondigumbura ndechekuti mbavha idzodzi dzinotopiwa mukana mumaterevhizheni, mumawairesi nemumapepanhau ekuti vataure manyepo iwawo. Handife ndakateerera nhema idzodzo.”

Vakati vari kuongorora Broadcasting Act vazogara pasi neAdvertising Standards Authority kuti vapedze dambudziko iri.

Sangano reTraditional Healers’ Organisation rekunyika iri rakati haritsigiri maporofita nen’anga dzenhema. “Isu veTraditional Healers’ Organisation hatina nhengo dzakadai. Health Professions Act haitenderi kuita kwakadai.

‘‘Vanhu vanoita izvi vakazvimiririra pachavo,” national co-ordinator wesangano iri Phephsile Maseko akazivisa.

Munyika ino yeZimbabwe dambudziko irori ratekeshera uye chiremba mukuru kuHarare Central Hospital, Dr Tapiwanashe Bwakura,

vakazivisa nguva yadarika nezvedambudziko idzva revanhu vanonwa mishonga yeupenyu hwese.

Vachitaura pamusangano wekuzivisa zvakabuda kubva kuAIDS Conference kuSydney, Australia vakati varwere vawanda muchipatara chavo ndevaye vanga vapona asi vatanga kurwara zvakaipisisa nekuda kwekuti vakarega mishonga mushure mekunzi nemaporofita nekutenda kwako unopona.

“Varwere vazhinji vari muHarare Hospital nhasi uno vanhu vanga vari pamishonga vachiita zvakanaka asi nekuda kwekuti kuchechi vakanzi nevakuru vavo nekutenda kwako unopona vakarega kunwa mishonga. Vanhu ava unoona ruwoko rwakazara zvibhengoro zvinoti ‘ndiri mwana wemuporofita’.

Vamwe ndevanotosvika pakufa nekuti vanozouya kuchipatara vava pamutepa tepa,” vakdaro.

Sedunhu reSouthern Africa tisu tine dambudziko guru rekuremerwa neutachiona hweHIV. Zvino mbavha dzaona mukana dzotsvaka mari dzichiti dzinorapa denda iri, yuwi dambudziko chairo!

Ukanzwa munhu ati rega mushonga nekuti wapona iye asiri chiremba tiza usateerera manyepo akadaro.

 Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>