‘Nhabvu haidi short cut’

21 Feb, 2023 - 13:02 0 Views
‘Nhabvu haidi short cut’ Norman Mapeza

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI weFC Platinum — Norman “Muchina wemajuzi” Mapeza — anoti kana mitambo yevechidiki isiri kukosheswa, zvichanetsa kuona vatambi vakawanda vemuno vachienda kunotambira nhabvu yavo kuEurope.

Mapeza anoti pari zvino pavatambi vanotambira nhabvu yavo muCastle Premiership hapana waaona kuti ane tarenda rinogona kumuona achitengwa nechikwata chikuru chekuEurope.

Anoti izvi zviri kukonzerwa nekuti hap ana mitambo yevechidiki (junior leagues) iriko inonyatsobika vatambi.

“Nyaya iyi tinogara tichitaura nezvayo nguva nenguva kuti kana tisiri kuita zvejunior policy hapana kwatiri kuenda nenhabvu yedu.

“Nhabvu haina ‘short cut’ saka mutambi akajambwa danho rekubikwa achiri mudiki anenge asina kukwana mutambi iyeye.

“Isu takabva nekumajuniors tikanyatsobikwa chaizvo, saka ndiko kunobikwa nhabvu ikoko kwete zvimwe zvese zvatinenge tichiudzana tichinyeperana.

“Tichitarisa vatambi vatinavo vanotambira muPSL yedu iye zvino, pane here anogona kuenda akasvika achikwana muchikwata cheManchester United kana chimwe chikuru chemuEngland kana zvemuEurope?

“Pari zvino kwatingagone kutumira vatambi vedu kuSouth Africa uko vanogona kunokwanawo, asi kuEurope tiri kuzvinyepera kana tisati tagadzirisa nyaya dzatiri kutaura,” anodaro.

Mapeza anoti mutambi wenhabvu anofanirwa kutanga kuzivikanwa achitamba kune mitambo yevechidiki kwete kuti anozongonyuka ave kungotambira muPSL asina nhoroondo yekwaakabikwa tarenda rake.

“Mutambi anofanirwa kutanga kuzivikanwa achiri kutamba kune vechidiki kwete kuzonzwa mutambi ave muPSL. Mutambi iyeye anenge asingazivikanwe nekuti angove wekungozadzikisa chikwata chete.

“Asi kana pane majuniors chaiwo, munenge muchiziva kuti mutambi uyu takamunzwa achitamba mitambo yevechidiki akakura achibikwa chaizvo kwete kuzongoziva mutambi ave kutamba muPSL.

“Mutambi akabikwa kune vechidiki, ane mukana mukuru wekuenda kunotambira kunze kwenyika kuEurope. Isu takabva neko kune vechidiki uye ndizvo zvimwe zvakatibatsira kuti tiende kuEurope nekuti takanyatsobikwa nhabvu tichiri vadiki,” anodaro Mapeza.

Apo mwaka mutsva wePSL wave pedyo nekutanga, chikwata chaMapeza chePure Platinum Play chichange chichirwira kuchengetedza mukombe wacho wePSL uye kuda kuuhwinha kechishanu.

Mapeza anoti havasi kuda kuzvipa mutoro mukuru wekurwira mukombe wePSL asi chikuru chavari kukoshesa kuhwina mitambo yavo.

“Isu pese tichipinda mumwaka mutsva hatizvipe mutoro tozviti tinoda kuhwina chino nechino asi kuti tinoda kuhwina mitambo yedu yatinenge tichitamba ndicho chikuru chete zvimwe zvinozotevera tinozvigamuchira,” anodaro Mapeza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>