Nhabvu yePSL yadzoka muHarare

28 Mar, 2024 - 17:03 0 Views
Nhabvu yePSL yadzoka muHarare Khama Billiat

Kwayedza

Munyori weKwayedza

Mitambo yenhabvu yeCastle Lager Premiership yadzoka muHarare mushure mekuita nguva refu ichitambirwa kunze kweguta guru iri.

Nemusi weChina chino, CAPS United ichasangana neBikita Minerals – chikwata chichangopinda muPSL – kunhandare yeRufara.

Aka ndekekutanga kuti zvikwata zvemuHarare zvitambire nhabvu muguta guru iri sezvo manga musina kana nhandare imwe chete inotenderwa kutambirwa mitambo yePSL, yeCAF kana inorongwa neFIFA.

Kubva gore rapera, zvikwata zvemuHarare zvanga zvichishandisa nhandare dzekune mamwe maguta sekuBarbourfields, kuBulawayo kana Baobab kuNgezi kana zvichitamba mitambo yazvo “yepamusha”.

Zvisinei, nhandare yeRufaro ichavhurwa kuti itambirwe mitambo yePSL asi zvimwe zvikamu hazvisati zvava kushanda.

Nemusi weChishanu, kuRufaro kuchasangana Dynamos neYadah mumutambo wakatarisirwa nevakawanda.

Mutambo uyu uchapa mukana Khama Billiat wekutamba muHarare kekutanga kubva paadzoka achibva kuSouth Africa gore rino.

Nesvondo, CAPS United ichapedzerana neArenel Movers.

Musi weMuvhuro, Herentals ichaedzana masimba neFC Platonum ikoko kuRufaro.

Mitambo yose ichatanga na3 dzemasikati.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>