Nhandare dzatikuvadza: Sadomba

21 Dec, 2023 - 16:12 0 Views
Nhandare dzatikuvadza: Sadomba Edward Sadomba (wechipiri kubva kuruboshwe) aine mudzaimai wake, Sherlynn (kurudyi) nevanakomana vake vaviri Adonai (kuruboshwe) naEl Shaddai

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yakambonetsa munhabvu ichitambira maWarriors nezvikwata zvakasiyana zvekunze kwenyika – Edward ‘Duduza’ Sadomba – anoti zvakakosha kuti nhandare dzemitambo yakasiyana dzivandudzwe kusvika padanho repamusoro-soro kuti zvigobatsira vatambi vechidiki vari kusimukira.

Zimbabwe inozivikanwa ichibura vatambi vanosvika kure mumitambo yakasiyana.

Asi chinhu chimwe chete chiri kudzorera mitambo yemuno kumashure inhandare dzisisiri padanho rekutambirwa repamusoro.

Nguva pfupi yadarika, maWarriors akanotambira mitambo yawo yekurwira kuenda kuWorld Cup kuButare kuRwanda nekuti pari zvino munyika hamuna nhandare inokodzera kutambirwa mitambo mikuru yeCAF kana yeFIFA.

Muhurukuro neKwayedza, Sadomba anoti kuvandudzwa kwenhandare dzemitambo kwakakosha zvikuru nekuti kunobatsira kusimudzira vatambi vemuno.

“Isusu tiri nyika yenhabvu, muno mabuda vatambi vakawanda venhabvu saka kuti tirambe tichibika vatambi vepamusoro vakawanda tinofanirwa kuvandudza nhandare dzedu kuti dzisvike padanho repamusoro sedziri kunyika dzekunze.

“Tikave nenhandare dzepamusoro, vatambi vedu vanotamba vakasununguka uye vakazoenda kunotamba kunze kwenyika havambonetsekane nekuti vanenge vajaira kutambira munhandare dzepamusoro,” anodaro.

Sadomba svondo radarika aive kuchikoro cheGateway High School muHarare uko aitsigira vanakomana vake vaviri, El Shaddai naAdonai Sadomba, avo vaive muchikwata cheZimbabwe chaikwikwidza mumitambo yeCAF Schools Football Championship.

Anoti achiona matambiro aiita chikwata cheZimbabwe, akagutsikana kuti remangwana renyika munhabvu rakajeka sezvo muchikwata ichi maive nevatambi vaitamba nhabvu yainwisa mvura.

“Tiri kubva panguva iyo tainge takasarira mbichana, asi ndichiona matambiro ange ari kuita chikwata chedu, remangwana redu rakajeka. Asi, tinofanirwa kushanda zvakasimba kuona kuti vatambi vedu tavawanisa zvikwanisiro zvakakwana zvivabatsire pavanenge vachidzidziswa mutambo uyu,” anodaro.

Achitaura pamusoro pemutambo weCAF Schools Football Championship, Sadomba anoti chirongwa ichi chichabatsira kusimudzira nhabvu munyika.

“Chirongwa ichi chakakosha zvikuru uye ndiri kuona chichisimudzira vatambi venhabvu vakawanda.

“Tinoda zvirongwa zvakaita seizvi zvakawanda nekuti tiri kuti vana ngavadzidziswe nhabvu vachiyaruka, vakakura vari munhabvu mune remangwana tinenge tabika vatambi vepamusoro vanozosvika kure mumutambo uyu uye tiri kuda kuona vatambi vakawanda vachibuda muno vachienda kunotambira kunze kwenyika,” anodaro Sadomba. Sadomba kubva asandeka shangu dzake dzenhabvu makore mana adarika, muchinda uyu akabva apinda mune zvemabhizimisi ayo ari kumuraramisa nemhuri yake.

Akaroora mudiwa wake Sherlynn Sadomba uye vakakombererwa nevana vana (4), vakomana vatatu nemusikana mumwe chete.

Vakomana vese vari kutevera mumatsimba ake sezvo vari kutamba nhabvu uye El Shaddai naAdonai vave kutotambira zvikwata zvenyika.

Kumutambo weCAF Schools Football Championship, El Shaddai akahwina mubairo wegolden boot.

Anoti mangwanani vachimuka kumba kwavo, vanakomana vake vasati vaenda kuzvikoro vanotanga vambomhanya ovadzidzisa nhabvu vozoenda havo kuchikoro uye kana vapedza kuchikoro vanoenda kuchikwata chavo chavanotambira cheGolden Eagles Academy.

“Ndakakomborerwa nevana vana (4) vanoti vakomana vatatu nemwanasikana mumwe chete. Vakomana vese El Shaddai, Adonai neElohim vari kutamba nhabvu zvinove zvinhu zvinondifadza nekuti tinoita gadziriro pamwe chete nekuti tinenge tichiita chinhu chatinoda tese.

“Handimbovasunde nekuti vagara ivo vatori nerudo nemutambo uyu saka ini changu kuvakurudzira kuti vashande nesimba sezvo ndinoda chaizvo kuvaona vachisvika padanho randakasvikawo ini kana kutodarika vaende kure.

“Izvezvi vanototambira chikwata chepachikoro chavo paSt Johns apo El Shaddai anotambira muchikwata chevakuru kunyangwe hake ange achiita Form 2 gore rino uye akanwisa kashanu mwaka wadarika.

“Kana vapedza kutamba kuchikoro, vanozoenda kuGolden Eagles kuchikwata chavo chavanotambira,” anodaro.

Sadomba panguva yake akatambira zvikwata zvinosanganisira Dynamos nezvimwe zvekunyika dzinoti Mozambique, Sudan, United Arab Emirates nekuLybia.

Share This:

Sponsored Links