Nhomba dzabaiwa dzasvika 5 miriyoni

20 Sep, 2021 - 14:09 0 Views
Nhomba dzabaiwa  dzasvika 5 miriyoni Dr Mangwiro

Kwayedza

Tandayi Motsi

MAJEKISENI anosvika 5 miriyoni abaiwa kuvanhu vemuZimbabwe kubva pakatangisa chirongwa chekubaya ruzhinji nhomba dzekudzivirira chirwere cheCovid-19 mumwedzi waKurume wegore rino.

Vanhu ava vanosanganisiora vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) neechipiri (2nd dose).

Magwaro anoburitswa pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi weSvondo, vanhu 2 949 025 vange vabaiwa majekiseni ekutanga ekudzivirira Covid-19 apo 2 065 395 vange vabaiwa echipiri.

Izvi zvinobva zvaita kuti huwandu hwemajekiseni abaiwa kusvika pari zvino husvike 5 011 420.

Kubaiwa majekiseni ekutanga neechipiri kuvanhu vanodarika 2 miriyoni kwaona Zimbabwe ichive pakati penyika 13 dziri pamusoro-soro muAfrica panyaya yevanhu vadzivirirwa zvizere kubva kuchirwere ichi.

Nerimwewo divi, izvi zvabva zvaitawo kuti nyika ino izadzikise tarisiro yesangano rinoona nezveutano pasi rose reWorld Health Organisation (WHO) rekuti chikamu che10 percent chevanhu vose vari munyika vange vadzivirirwa zvizere kubva kuCovid-19 panopera mwedzi waGunyana.

Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 2,05 miriyoni vange vabaiwa majekiseni ose ari maviri ekudzivirira Covid-19 chinova chikamu che13,67 chevanhu vose vari munyika muno.

Nyika yeSeychelles ndiyo iri pamusoro muAfrica panyaya yekubaiwa kweruzhinji majekiseni ekudzivirira denda iri iyo kusvika pari zvino yabaya chikamu che72 percent chevanhu vayo.

Mauritius iri pechipiri nechikamu che55 percent chevanhu vabaiwa majekiseni, kouya Morocco (44 percent), Tunisia (21 percent), Comoros (18 percent), Cape Verde 18 percent, Eswatini 16 percent neLesotho yava pa15 percent.

Zimbabwe iri panzvimbo imwe chete neBotswana nechikamu chinodarika 13 percent chevanhu vabaiwa majekiseni ekudzivirira Covid-19.

Nyika ino ine chinangwa chekubaya majekiseni chikamu chinosvika 60 percent chevanhu vose vari muZimbabwe kuti ive yakadzivirirwa kubva kudenda iri.

Hurumende yeZimbabwe iri kurumbidzwa zvikuru pasi rose nekuda kwematanho airi kutora mukurwisa kupararira kwechirwere ichi izvo zvaona huwandu hwevanhu vari kubatwa nedenda iri pamwe nevari kufa huchidzikira zvakanyanya kana zvichienzaniswa nenguva yadarika.

Vanhu vakawanda pari zvino vari kuenda kunobaiwa majekiseni aya kana zvichienzaniswa nepakatanga chirongwa ichi munaKurume gore rino.

Mutevedzeri wegurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr John Mangwiro, vanoti zvakakosha kuti veruzhinji vabaiwe majekiseni aya sezvo chikamu che90 percent chevarwere vari kufa neCovid-19 chiri chevanhu vasina kubaiwa nhomba dzinovadzivirira.

Kusvika nemusi weSvondo, vanhu 127 938 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 mushure mekuvhenekwa muZimbabwe kubvira pakatanga chirwere ichi munaKurume wegore rapera.

Pavarwere ava, 120 946 vakatopona asi vamwe 4 567 vakafa.

Share This:

Sponsored Links