Uncategorized

Nyachide, vahosi vorwira michero

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Ron Zvawada
MUDZIMAI nyachide pabarika akadhonzera vahosi vake kudare achiti vari kumuonesa moto, kusanganisira kuuya pamba paanogara vachiti vanoda kutanha michero yekuti vatengesa kuitira kuti vakwanise kuriritira mhuri.

Dzidzai Rungaro akamhan’arira Buybit Darangu kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare. “Uyu mukadzi mukuru wemurume wangu, anouya achinditukirira pamba pemuzukuru pandinogara,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti Darangu anoti anoda mari yekuchengeta vana asi iye asinei nazvo sezvo murume wavo ari kuChiredzi.

“Ari kuuya kumba achiti anoda mari yekuchengeta vana, achitemha michero yekuti anotengesa. Murume ari kugara kuChiredzi uye kana achida ngaaende anopihwa mari ikoko kwete kuuya achindinetsa ini ndakazvigarira zvangu,” anodaro Rungano. Achipawo divi rake, Darangu anoti haanei naRungano nekuti handiye mukadzi wekutanga waakaratidzwa nemurume wake uye chaari kungoda kutemha michero iri pamba paari kugara kuti akwanise kuriritira mhuri.

“Handirwadziwe naye nekuti kubva zvandaroorwa ini, haasiriye wekutanga kuuya ari mainini vangu, kwakatombouya vamwe. anodaro.

Anoti hazvikwanisike kuti asaende kumba kuri kugara Rungano sezvo kuine mimwe midziyo yake.

Mutongi Rungano akapa gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>