Uncategorized

Nyama yemunhu makeke: muroyi…‘ . . . inodarika yehuku’ ‘Takauraya vanhu 72’

12 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
Nyama yemunhu makeke: muroyi…‘ . . . inodarika yehuku’  ‘Takauraya vanhu 72’

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUSIKANA wemakore 16 ekuberekwa wemubhuku raMadziwana, kwaZimunya kuManicaland, wekubuda pachena kuti muroyi asingatambise, anoti kana pari pakunaka, nyama yemunhu iri pamberi kudarika dzimwe nyama dzaanoziva — kusanganisira yehuku. Musikana uyu, uyo watisiri kudura nezita nekuda kwezera rake, akataura mashoko aya svondo rapera apo akazobatwa neshave rehuroyi ari pakati pehurukuro neKwayedza, masikati machena.

Anoti shave rehuroyi akaripihwa nevamwe amaiguru vake, mudzimai wababamukuru, avo vaakadoma nezita ratinaro.
Musikana uyu anoti chikwata chevaroyi icho chaari nhengo vane mapere 15 nenyoka 10 dzine misoro yevanhu izvo zvavanoshandisa. Musikana uyu akawanikwa nevatori venhau achishandirwa nemumwe muporofita wechikadzi kurwizi rwaOdzi, kuArda, kwakare kwaZimunya, apo akabuda pachena kuti nyama yevanhu inomunakira zvikuru.

Nyaya yemusikana uyu yakambopinda mudare raMambo Zimunya, VaKiben Bvirindi (54), mwedzi wadarika ndokubatwa nemhosva yekuroya apo mambo ava vakazopa mutongo wekuti abatsirwe kubviswa huroyi uhwu pamwe chete nevamwe vakamupa.

Vatori venhau vakasvika paibatsirwa musikana uyu aine vamwe vana vadiki vaidarika vashanu avo vaanoti varoyi saiye, pamwe chete nemhomho yevanhu.

Musikana uyu akati anoshandisa vamwe vevana vaivepo mumabasa anosanganisira kuvaita mabhiza kana mapere nekuvavhurisa makuva.
“Ini ndini Portia, handibve pano! Ndinoda kuenda naye chete mwana uyu.

“Ndakauraya vanhu 72 tikadya nyama yacho nevamwe vakawanda. Nyama yemunhu inonaka zvikuru — ingava nyoro kana yakaoma — inodarika yehuku,” akadaro musikana uyu.

“Nyama yatakagumisira kudya ndeya Mai (zita tinaro), vaibva kwaMadziwana. Kana tichinoroya tinoenda mudzimba totora vanhu vatinoshandisa vasingazive toenda navo. Asi nekufamba kwenguva vanozoziva voguma vapinda muhuroyi sesu,” akadaro apo aive akabatwa neshave.

“Nyama yandinoda pamunhu ndeye chidya nematumbu kana yechiropa. Tina cheyameni (sachigaro) wedu anotitaurira mashandiro edu. Tinosangana paFour Roads apo tinozobva tave kuenda kwatinenge tanzi tiende nevakuru vedu.”

Vamwe vana vechidiki vakaburitswa pachena kuti vanoshanda nemusikana uyu mukuroyi vanosanganisa mumwe mukomana anonzi ndiye anoitwa bere kana kuti bhiza rekutakura varoyi.

“Fanika ako (achinongedzera mukomana uyu) kanomhanya zvisingaite. Ndinoenda nako kunosvika kana kuJubheki (kuSouth Africa) chaiko. Tumwe utwu tunomirira kuvhura makuva.

“Tinoshandisa shamhu yemutondo kuvhura makuva, kana nhengo dzesikarudzi dzechirume dzatinenge tatora mumakuva,” akadaro.
Vanonzi vanoshandiswa pakuvhura makuva ava vanoitiswa izvi vasingazive.

Musikana uyu anga achiita Form 3 asi pari zvino akambomira nekuda kwedambudziko iri.
Paakabvunzwa kuti sevaroyi havapindewo here munyaya dzepabonde sezvo vanenge vakasangana vanhukadzi nevanhurume, akati: “Zvamava kubvunza izvo zvimwe hazvitaurwe, asi tinoita zvedu.”

Musikana uyu anoti pakuita basa ravo rerima vanenge vasina kupfeka, vakasangana varume nevakadzi.
“Izvozvi tine vamwe vanhu 4 vari pa’list’ yekuti tivauraye tidye nyama, 2 vakuru ne2 vadiki. Tinogona futi kupfeka fesi (zviso) dzevamwe vanhu kuti vagonzi ndivo varoyi ivo vasiri, isu takahwanda.”

Mweya uri pamwana uyu uri kuti wakatanga zvekuroya mugore ra1975.
“Kuti ndizouya pamwana uyu ndichimupa huroyi ndaida pfungwa dzake nekuti anogona kuchikoro uye ndaisada kuti azoroorwa nekuti amai nababa vake vaizogarika,” akadaro.

Kwayedza yakanosvika kunzvimbo yaishandirwa musikana muroyi uyu iina Mambo Zimunya. Musikana uyu aitarisa mambo ava neziso dzvuku achikumbira kuti aregererwe pane zvose zvaakaita.

“Mambo ini handichada kuramba ndichiroya, vandakadya vakwana. Zvekuramba ndichiroya zvave kundipa nhamo, handichada,” akadaro.
Anoti vanosvika kunyika dzakaita seSouth Africa munguva ingangoita maminetsi 30 chete apo vanenge vakatatsva “mabhiza” avo kana kubhururuka vari murusero.

“Pamusikana ndave kubva mangwana chaiye ndoenda pamwana wangu P****** (zita akataura),” akadaro muroyi uyu.
Kwayedza yakazotsvaga zita remwana aitaurwa zvikabuda kuti mwana waamaiguru, vanonzi ndivo vakapa musikana uyu huroyi.
Nekuda kwenyaya iyi, vabereki vemusikana uyu nevacho vanonzi vakamupa huroyi vakatomboenda kun’anga nhatu dzekuMozambique vachida kuedza kudzinga shave iri.

Muporofita wechechi yeKuwadzana kweVapositori ari kushandira musikana uyu nevamwe vake, Mai Tingadii Mukucha Zingwe (44), akavimbisa kuti shave rehuroyi iri vacharipedza.

Zvakadaro, amai vemusikana uyu, Mai Francisca Chitambo (35), vakaratidza kushushikana zvikuru apo vakachema vachibvunzwa nevatori venhau nekuda kwezviri kuitika pamwanasikana wavo.

“Mwana wangu ari kutambudzwa. Ndinotarisira kuti achaita zvakanaka, iye zvino akarega chikoro,” vakadaro Mai Chitambo.
Baba vaTafadzwa, VaEdmore Bhasera (42), vanotiwo dambudziko rakatarisana nemwana wavo ravagura kunorira.
Tafadzwa anonzi akatemerwa nyora pamhanza, kumusana nepazasi peguvhu apo akapihwa shave rehuroyi uye nyora idzi dziri kuparwa nemuporofita kuti shavi racho ribve.

Zvakadai, nyaya yehuroyi iyi inotarisirwa kudzokera zvakare kudare raMambo Zimunya nemusi weSvondo uno (14 Chikumi) apo kuchaunzwa maporofita nen’anga kuti musikana uyu nevamwe vake varoyi vachenurwe mweya yekaipa iyi.

Share This:

Sponsored Links