Uncategorized

Nyamukoho: Panofa mambo hamucheme

31 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Nyamukoho: Panofa mambo hamucheme Dare raMambo Nyamukoho

Kwayedza

Kingstone Mapupu
HUMAMBO hwekwaNyamukoho, vemutupo weNzou Samanyanga — VaNgahwe vekuMudzi, kuMashonaland East — hunonzi hwakatanga makore ekuma1800.

VanaNyamukoho vakagara humambo uhu mushure mekurwisana nevanhu vemutupo weTembo Makova Mana avo vaigara munzvimbo iyi ndokuvakurira.

VaSamson Katsande (98) ndivo vari kutonga dunhu iri pari zvino vari mambo wechimakumi maviri nemumwe chete uye vakagadzwa mugore ra2001.

Hunogarwa nedzimba nhatu dzinoti Kadembo, Benhura naNyafude, vose vanova vanakomana vatateguru wedzinza iri — Nyaokorefu — avo vakangoitawo mwanasikana mumwe chete ainzi Chandiwana Kanhohwe.

Nyaokorefu aiva mumwe wevanakomana vaMatemashinga uyo akava wechipiri kugara humambo hwekwaNyamukoho.

Mambo ari kutonga izvozvi ndeweimba yaBenhura.
Dzinza revanhu ava vanoti vakabva kuTanganyika, yave kunzi Tanzania pari zvino, apo vakasvikogara kuMt Darwin ndokuzoenda kwaMutoko vakasvikogara munzvimbo yeVaNgahwe.

Zvinonzi munzvimbo yavakasvikogara kwaMutuko uku, vakawana mugere vanhu vemutupo Tembo Makova Mana avo vavakakunda muhondo ndokusara vachitonga.

Mambo wekutanga ainzi Nemambiru, achiteverwa naMatemashinga, wechitatu ari Nyaokorefu uyo aiva mwana waMatemashinga kuchiti wechina aiva Kadembo achiteverwa naNyafude.

VaLinos Makwembere (80) — avo vanova mwana kuna mambo Nyamukoho — vanoti ishe wechitanhatu ndiBenhura achiteverwa naMutohwe. Kunozouya Nyamushamira achiteverwa naDerere uye naNyanungo akave mambo wechigumi.

“Vachitevedzana kudaro, panhamba 11 paiva naKatanda, kuchiuya Bungu, Chiriseri, Mungunda, Rundu, Kamusori, Chinzara, Chifamba, Steven Makwembere, kwozoita Magudhu naivo varipo vechi21 Mambo Nyamukoho VaSamson Katsande.

“Humambo hwedu hunogadzwa nemhondoro dzedu,” vanodaro VaMakwembere.
Kana vanhu ava vachipika — kunyangwe vakashatiriswa —vanopika nemazita evanhurume veko vanozivikanwa nekunzi vanaKotswai kana kuti nevanasikana vanonzi vanaSapai.

“Ukanzwa vakuru vedu vave kuti ndinopika naSapaise kana kuti naKotswaise, ziva kuti vashatirwa zvakanyanya,” vanodaro VaMakwembere.

Pachivanhu cherudzi urwu, varume vanouchirirwa nevanasikana vavo uyewo madzimai vachiuchirirwa nevarume.

Yanai Pangai (62), muzukurukadzi anopa mvura kuna mambo, anoti mambo wechipiri wedzinza iri — Matemashinga — aisada kuti madzimai ake vabereke vanakomana achityira kutorerwa hushe apo zvinonzi aiuraya vanakomana vose vari vacheche.

“VaMatemashinga vaingoti vakanzwa kuti mumwe pamadzimai avo mashanu abereka mwana mukomana, vaiuraya mwana wacho nekumudhiritsa nhova.

“Saka mudzimai wavo mukuru ainzi Makwere aibva kuDema, kwaSeke wemutupo weShava Vhuramayi akazoita pamuviri ndokubereka mwana mukomana mukuru ainzi Nyaokorefu. Mwana uyu aberekwa, mudzimai uyu akabva atiza naye ndokuenda kwaSeke uko akanokurira vachitya kuti aigona kuuraiwa.

“Akazodzoka atokura anzwa kuti baba vake vakanga vafa, panguva iyi mukuwasha wavo ainzi Jeka Wachekwa ndiye akazoita sarapavana muhumambo uhwu apo akazobviswa pave kugarwa hushe naiye Nyaokorefu,” anodaro Pangaya.

Matemashinga anonzi akauraya vanakomana vake vatatu nenzira iyi.
VaOswald Matanhire (69), avo vanova mwana kuna mambo – vanoti mudunhu ravo mune zviyerwa zvakawanda.

“Tine zvatinoyeresa zvakaita semakunakuna, vanhu vakapara mhosva idzi vanobvisiswa mombe nhatu. Tine gomo rinoyera rinonzi masunzwa uko mambo vasingabvumidzwe kupindamo kana kudarika nepadyo naro kana kudya chikafu chinobva kunzvimbo iyi,” vanodaro VaMatanhire.

Vanoti nyaya iyi yakatanga apo zvinonzi kune hama yavo yakarwara nemaperembudzi ndokuenda kun’anga yemutupo weChirandu yaigara mugomo reMasunzwa yakarapa munhu uyu akapora.

“Nekudaro mambo wedu haabvumidzwe kusvika kunzvimbo iyi sezvo achinzi anozorwara nemaperembudzi. Vagari venzvimbo iyi vanoendesa zvirimwa mugomo iri kuti minda yavo isazodyiwa nemhuka dzesango semakudo.

“Nzvimbo iyi yakakomberedzwa nenzizi dzinoti Shirinje, Nyamherere, Nyamatanda naNyakaturi uyewo kune misha inoti Chapfuruka, Gejo, Taonana, Nyamuzinga, Mazvimba, Katsamudanga, naNyakabawu, “ vanodaro VaMatanhire.

VaRukariro Katsande, mwanakomana waMambo Nyamukoho – avo vanomirira baba vavo mudare ramambo – vanoti muhumambo hwavo, hakuna mudzimai anobvumidzwa kugara hushe hweVaNgahwe.
“Mambo imhondoro saka kuno hakuna mudzimai anobvumidzwa kugara hushe uhwu. Hushe hunogadzwa nemhondoro dzedu ina dzinoti Zimbiru, Benhura, Nyakasanhu naChikohwa.

“Pakugadzwa kwehushe hwedu, hunotungamirirwa nevarume vanonzi vakadzi vemhondoro kunyangwe vari varume. Ndivo vatinoita semamesenja (mesenger) edu, avo vanobereka munhu ari kugadzwa kubva naye panze kunomupinza mumba apo madzimai anenge achipururudza,” vanodaro VaKatsande.

Varume vanonzi vakadzi vemhondoro ava ndivo vanotungamirira chivanhu chose chinoitwa kumadzimbahwe eko.

Varume ava vanosanganisira VaKasungo vemutupo weSoko, VaMutape vemutupo weNhari, VaKabandaza veChirandu, VaNonhengwa vemutupo weShava, VaChandiwana vemutupo weChirandu naVaMupoka vanova Nhari.

Kana mambo achinge ashaika, kunogadzwa sarapavana kwemakore matatu kuchizotsvagwa mumwe.
“Mudunhu rangu ndine masadunhu mana anoti Mutohwe, Kadembo, Benhura naNyamasekwere.

Panyaya yaamai vaye vekutizisa mwana Nyaokorefu kuenda naye kumusha kwavo kwaSeke kuti asauraiwe nababa vake Matemashinga, ambuya ava takazovatenda zvekuti kuno kune gomo rinotonzi Dema kureva kumusha kwavo kwaSeke.

“Takazovapa zvakare nzvimbo yavanotonga inonzi Nyangohwe inofanirwa kutongwa nevanasikana vekwaSeke chete vemutupo weShava kunyangwe zvazvo iko zvino ichitongwa nemunhurume,” vanodaro VaKatsande.

Share This:

Sponsored Links