Uncategorized

Nyaya dzekurambana pachivanhu

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

KANA vanhu vachiita sarudzo yekuti vachate, pamwe nevanhu vavachadaidza pamuchato wacho nechikafu chichadyiwa, vanenge vasingatarisire kuti mumwe mudzimai awanikwe achisvika achimisa muchato uyu. Mushure mekunge tafura yemuchato yashongedzwa nemachira anopenya, mumwe mudzimai anobva asvika achiti achiri muwanano nemurume iyeye ari kuda kuchatwa naye nokudaro muchato unofanira kumiswa.

Nyaya yegupuro itsika yevanhu vemuAfrica asi kazhinji kacho pazvinonyorwa mumapepanhau zvinoratidza kuti vanhu vazhinji havana hanya nazvo.

Pasi pemutemo wewanano yechivanhu, kana munhu asingachade kuti ange ari muwanano iyi, pachinzvimbo chekuti vadure nemuromo, vanofanira kubvisa mari yekuramba munhu nekumupa gupuro.

Mari iyi inenge isina kuwanda asi inomira seumboo hwekuti vaviri varambana.

Kuti munzwisise maringe nemhando dzeroora dzinotariswa muZimbabwe, kune wanano yeCivil Marriage pasi pemutemo weMarriage Act (Chapter 5:11). Wanano iyi inotendera kuve nemudzimai mumwe chete nemurume mumwe chete bedzi.

Zvinoreva kuti unenge uchifanira kumira nemudzimai mumwe chete kana nemurume mumwe chete kusvikira mumwe wenyu afa kana kuti marambana. Imwe wanano yeCustomary Law Marriage inotendera murume kuita madzimai anodarika mumwe chete asi achifanira kunyoresa mudzimai wekutanga, ozoita izvi kune mamwe madzimai anotevera.

Asi, chokwadi ndechekuti kune wanano zhinji dzerudzi urwu dzisina kunyoreswa, zvisinei nekuti roora rinenge richibvisirwa madzimai aya. Apa ndipo panomuka matambudziko.

Tisingade kubuda munyaya iyi, wanano yechivanhu inoonekwa yakakosha bedzi panyaya dzakaita sekuve nevana vakawanda nekuwana migove yenhaka. Pane zvimwe zvinangwa, wanano iyi haitariswi seyemandiriri munyika muno.

Pane mubvunzo zvakare wekuti gupuro rakangoenzana here nekurambana kunoita vanhu pawanano yechivanhu iyo inenge isina kunyoreswa?

Mutemo weCivil Marriage unotendera kuti vanhu vange vaine sarudzo yekurambana kwavanoita pasi pemutemo weMatrimonial Causes Act (Chapter 5:13) zvinova zvinogona kupesana nenhau dzekupanana gupuro apo wanano inokwanisa kuparadzwa nekuda kwezvikonzero zvakadai sekuti vaviri havachakwanisi kudzokerana zvachose. Zvisinei, pasi pewanano yeCustomary Marriage pane nzira dzakasiyana dzinoshandiswa kana vari muwanano vachirambana zvakaita sekuti munhu anogona kupihwa mari diki paine vafakazi kuratidza kuti wanano yapera asi vamwe vachiita izvi muchihwande uye vari vaviri. Vamwe vanoita kuti murume ange achitenga gumbeze iro anopa vabereki vemudzimai zvichireva kuti anenge ave mutoro mukuru unorema kwaari kuti arambe achigara naye.

Kune nyaya dzinobuda kuti kumatare emadzishe vamwe vari kunzi vabvise gupuro re$10 kana kudarika nekuti zvinotaurwa kuti munhu haangoti haachada mumwe iye akabvisa pfuma obva angotaura izvi nemuromo chete. Saka pachine nyaya yekuti sei munhu achizosvika pakumisa muchato unenge wave kuitwa nekuti zviri pamutemo kuti kana vanhu vaviri vachinge vasarudza kuroorana vanofanira kutanga vashambadza mumapepanhau kuitira kuti vanoda kurambidza wanano iyi vagare vazviita muchato usati waitwa.

Kana uchinge waita izvi, anenge achida kurambidza wanano anokwanisa kuenda kune muchatisi (marriage officer) kunorambidza muchato achipa zvikonzero zvekuti anenge achiri muwanano nemunhu iyeye.

Kana wanano yekutanga ichakamira, hazvikwanisi kuti munhu apinde muwanano yechipiri pasina kuparadza yekutanga nekuti inenge yave mhosva pasi pemutemo.

Nepamusana pekuti hapana nzira kwadzo dziri kutorwa pakupanana gupuro, zvinobva zvaratidza kuti munyika muno muchine dambudziko panhau dzewanano. Kazhinji kacho, mudzimai ndiye anosiiwa ari kurwadziswa apo anoona kuti murume wake asarudza kuchata nemumwe mudzimai iye achiri muwanano naye.

Panenge pave kuda kuti mudzimai achitambira kuti wanano iyi yatoitika kana kuti otsvaga dzimwe nzira dzekuti isaparare.

Kana paine roora rinenge rakabviswa pakati pevaviri ava, rinofanira kumira seumboo hwekuti vachiri muwanano.

Hazvina chiyamuro kuti vanhu vamirire kuti mumwe mudzimai auye pagungano remuchato achizovhiringa. Izvi zvinoratidza kuti wanano dzisina kunyoreswa dziriko uye dzakawanda nekudaro mutemo unofanira kutarisa izvi.

Vanoda kuziva zvakawanda pamusoro pekodzero dzavanhukadzi munogona kutibata panhamba dzeTollfree dzinoti 08080131 kana 0782 900 900.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>