Uncategorized

Nyika yobudirira zvisinei neCovid

23 Nov, 2021 - 08:11 0 Views
Nyika yobudirira zvisinei neCovid

Kwayedza

Tandayi Motsi

HURUMENDE iri kurumbidzwa nekuda kwebasa guru rairi kuita rekusimudzira zvikamu zvakasiyana zveupfumi hweZimbabwe panguva iyo nyika ino yakatarisana nedambudziko rekurwisa chirwere cheCovid-19.

Vachikurukura pamusoro pemashoko akaturwa nemutungamiri wenyika President Mnangagwa pakuvhurwa zviri pamutemo kwedare reParamende (State of the Nation Address) svondo rapera, mumiririri weMt. Darwin North mudare reNational Assembly, Cde Noveti Muponora, vanoti Hurumende iri kushanda nesimba mukusimudzira budiriro yenyika zvisinei nekuvepo kwezvimhingamipinyi zviri kukonzerwa nedenda iri.

“Mashoko aya akaturwa apo nyika yaive uye ichiri pakati pekurwisa chirwere cheCovid-19. Asi izvi hazvina kutadzisa Hurumende kufambisa zvirongwa zvebudiriro zvakananga kuti upfumi hwenyika hubudirire, zvikuru panosvika gore ra2030.

“Regai nditore mukana uno kurumbidza Hurumende nekuuya nezvirongwa zvekusimudzira budiriro yenyika kunyangwe zvazvo zvakadzoserwa kumashure zvishoma nekuda kwechirwere ichi,” vanodaro Cde Muponora.

Vanoenderera mberi vachiti, “Panyaya dzekurima, kutanga kwechirongwa chePfumvudza zvichibatana nekunaya kwakanaka kwakaita mvura mumwaka wa2020/2021 zvakaona nyika ichiwana chikafu chinokwanirana mushure menguva ndefu. Zvisinei, zvakakosha kuti mweya mumwe chete uyu urambe uripo uye zvekushandisa mukurima zviendeswe nenguva.

“Ndinofara nedanho rakatorwa neHurumende rekuendesa zvekushandisa pasi pechirongwa chePresidential Inputs (Scheme) kuvarimi vari kumaruwa nenguva, kusanganisira Mt Darwin North.”

Cde Muponora vanoti zvichitevera kuuya kwechirwere cheCovid-19, zvakakosha kuti vana vanodzidza kumaruwa vakwanise kuwana mukana wekudzidza kuburikidza nenzira dzechizvino-zvino dzinosanganisira dandemutande.

“Naizvozvo ndinokurudzira bazi reposvo nedzinhare kuti rivake mizinda yekufambisa mashoko (information centres) kumaruwa ose,” vanodaro.

Cde Muponora vanorumbidza Hurumende nekuda kwechirongwa chekugadzira migwagwa kumativi ose enyika pamwe nekuvakwa kwemadhamu.

“Pazvivakwa, Hurumende iri kuita zvakanaka chose panyaya yekugadzirwa kwemigwagwa asi kune mimwe yakadai seMt. Darwin-Mukumbura Road iri pasi pechirongwa cheTransitional Stabilisation Programme isati yapera kugadzirwa.

Zvakakoshawo kuti zvirongwa zvakadai zvipedzwe kuitira kuti tisimudzire nyaya dzekutengeserana mudunhu reSadc.

“Hurumende iri kuita zvakanaka zvakare muchirongwa chekuvakwa kwemadhumu uye inofanirwa kurumbidzwa. Asi tine nzvimbo inogaroita nzara yeDande Valley iyo isina panonyatsowanikwa mvura uye inokwanisa kutorwa murwizi rwaZambezi zvichiita kuti mabasa ekurima abudirire zvikuru munzvimbo iyoyi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links