Uncategorized

‘Nyoka mishonga wekuromba’

09 Oct, 2015 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Munyori weKwayedza
NYANZVI dzezvechivanhu dzinoti kuonekwa kuri kuita nyoka dziine vanhu, kusanganisira inonzi yakaonekwa ichidyiswa mhunga nevamwe varume vaviri kwaMurambinda, kuBuhera, mushure mekunge motokari yavo yaita tsaona, kufumuka kuri kuita mabasa erima. Varume vaviri ava vanonzi vakaita tsaona nemotokari yavo apo vaibva kunotora nyoka iyi kwayainge yakwereteswa mumwe murume wekuBuhera nen’anga ine mukurumbira yekuChipinge.

Vachitaura pamusoro pechiitiko ichi, Sekuru Elisha Mutanga (60) vanogara kuUshewokunze, muHarare, asi kumusha vachibva kuChipinge, vanoti mazuva ano nyaya dzine chekuita nehuroyi dzafumuka zvikuru.

“Nyaya yamunotaura iyi, yekuti kune vanhu vaiva vakatakura nyoka kuBuhera zvakazofumuka vaita tsaona, zvinoreva kuti pane mhiko dzavakakanganisa zvikaita kuti mishonga iyi ipanduke. Iyi haisi nyoka asi kuti mishonga inosanganiswa nezvinhu zvakaipa zvikuru zvakaita seropa revanhu nevhu rekumakuva nezvimwe,” vanodaro.

“Mukatarisa nyoka idzi hadzirume varidzi vadzo vanenge vakadzitakura, vanhu vakafa vanenge vakapindurwa nemishonga kuitwa zvikwambo kana nyoka. Varidzi vadzo ava vanenge vachitotaura nadzo dzichinzwa imi muchiona senyoka,” vanodaro.
Vakazotaurawo nekuda kwevamwe vanhu vave kushandisa nyoka pakutsvaga mari vachidzitengesa.

“Tine mamwe makoronyera anotsvaga nyanzvi dzekubata nyoka vonodzichera, voguma vave kudzitengesa kumachiremba nemaporofita enhema avo vanonodzikanda pamisha yevanhu vopihwa mazakwatira emari,” vanodaro.
Vakatsinhira zvakare nyaya yekuti dzimwe n’anga dzinogona kukweretesa vanhu mishonga yadzo.

“Variko machiremba anodaro. Asi pamitemo yedu yehuchiremba hatibvumidzwe zvakadaro. Chidhoma chaicho chinokweretwa wotogara nacho chichikushandira asi pakunodzosera vanhu ava vanobvisa mari yakawanda zvikuru,” vanodaro Sekuru Mutanga.

Vanoti zvekunzi varidzi venyoka iyi vaiipa mhunga zvinoratidza chivanhu chikuru, kuti nyoka iyi yakapindurwa kubva kumunhu akafa aine mashavi makuru.

“Mhunga, zviyo, mapfunde, kusanganisa nechibage ndizvo zvinoshandiswa panodzoswa mweya yevafi mumisha vachirohwa makuva. Zvirimwa izvi zvinoshandiswa kubika doro revadzimu kureva kuti paipihwa nyoka iyi mhunga varume ava vaitopembedza mashavi nemidzimu yekushava kwavanoita kuburikidza nenyoka iyi.”

VaItai Bakasa (40), avo vakafanobata chigaro chemukuru wesangano reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), vanoti nyaya yenyoka iyi inoratidza kuromba kukuru.

“Isu sesangano rinomirira machiremba echivanhu nemaporofita, tiri kushora nyaya dzakadai idzi tichiti mapurisa ngavaite basa ravo vasunge vanhu ava,” vanodaro VaBakasa.

Madzibaba Elias Gomwe (40) vechechi yeJohane Masowe weChishanu, vanotiwo zvose izvi masaramusi emishonga yechivanhu.
“Izvi zvinoratidza kuti nguva yaMwari yakwana nekuti huroyi hwainetsa kufumuka kwahwo. Kare mumwe munhu maingonzwa kuti muroyi kusvika pakufa pasina akamubata. Asi nhasi varoyi vari kuwanikwa vasina kupfeka vawanda zvikuru,” vanodaro Madzibaba Elias.

Share This:

Sponsored Links