Uncategorized

Nyoka nezvidhoma ‘ondofa’ zvoita ‘party’ nematicha

16 Apr, 2022 - 09:04 0 Views
Nyoka nezvidhoma ‘ondofa’ zvoita ‘party’ nematicha Bishop Sweswe vakabata imwe yenyoka

Kwayedza

Mkhululi Ncube

ZVINHU zvaita manyama amire nerongo pachikoro cheHojeni Primary School, kuNkayi kudunhu reMatabeleland North apo vadzidzisi vechidzimai vanonzi vari kutiza nechikonzero chekuti vari kuitwa vakadzi nezvidhoma zvavashaisa zororo.

Zvidhoma izvi nezvimwe zvikara zvinosanganisira nyoka zvinonzi zviri kuonekwa pachikoro apa uye ndezvevagari vemumisha yakakomberedza izvo zvavanoshandisa kutsvagisa mari nehumwe upfumi.

Vakuru vezvedzidzo kudunhu reMatabeleland North vanonzi vakamboshanyira chikoro ichi vakakurudzira masabhuku emisha yakakomberedza kuti vagadzirise dambudziko iri pachivanhu.

Zvinhu zvinonzi zviri kuonekwa munzvimbo iyi zvinosanganisira nyoka nezvimwe zvinodaidzwa kuti “Ondofa” inova mhando yezvidhoma zvinotsvagiswa mari.

Zvidhoma izvi zvinonzi hazvipe vanhukadzi vepachikoro apa zororo husiku hwese zvichivaita vakadzi.

Vana vechikoro vakawanda nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, vanonzi vanofendawo vachizofefemuka patova paye.

Kanzura wemunzvimbo iyi, VaVinika Ncube, vanotsinhira nyaya iyi vachiti vakatotora vanhu vekuti vachenure chikoro ichi.

“Takatora Bishop Sweswe vekuGwanda vari kutibatsira kuchenura misha yose nepachikoro. Pane zvinhu zviri kuonekwa uye zviri kubviswa mudzimba dzevanhu nepachikoro zvinosanganisira nyoka, mishonga nezvimwewo. Vamwe vanhu vari kubvuma kuti zvinhu zvavo izvo zvavanoshandisa kutsvaga mari,” vanodaro kanzura Ncube.

Sabhuku Anderson Matikiti-Sibanda vemunzvimbo iyi vanotsinhirawo nyaya iyi vachiti vakazoshevedza Bishop Sweswe kuti vachenure nzvimbo yavo.

“Vanhu vari kuwanikwa vaine zvidhoma, nyoka nemimwe mishonga yakaipa vachibvuma kuti ndezvavo zvavakatora kuti vaite mari. Mumwe mudzimai akabvisirwa zvinhu zvakasiyana akabvuma kuti zvaiva zvake uye zvaiva zvamunetsa nekuita bonde naye izvo zvakakonzera kuti aite maronda kusikarudzi yake uye akakumbira kubatsirwa,” vanodaro Sabhuku Matikiti-Sibanda.

Vanoti mudzimba dzevanhu vazhinji muri kuonekwa nyoka dzine ruvara rwutema neruchena.

“Zvimwe zvezvinhu izvi zviri kuwanikwa mudzimba dzekurara pasi pemubhedha nedzimwewo nzvimbo izvo zvinotiza panze kana zvasvikirwa naBishop Sweswe,” vanodaro Sabhuku Matikiti-Sibanda.

VaMark Ndlovu mumwe wevagari vemunzvimbo iyi vanoti vanotsigira danho rekuchenurwa kwemisha nepachikoro apa.

“Zvinoshamisa kuti vamwe vanhu havadi kushanda, vanongotsvaga zvidhoma nezvimwe zvinovatsvagira mari nekuda kukurumidza kupfuma. Kune imwe mhuri yakangoita mari nenguva pfupi vakaita motokari nehumwe upfumi tichifunga kuti vainoshanda kunyika yeSouth Africa, vane mombe dzinotyisa nezvimwe zvinhu zvakawanda,” vanodaro VaNdlovu.

Zvichakadai, vadzidzisi vepachikoro cheHojeni Primary vanonziwo vari kutorerwa chikafu nezvidhoma izvi.

Share This:

Sponsored Links