Uncategorized

Nyoka: ‘Ngwarirai, munorombeswa’

01 Mar, 2019 - 00:03 0 Views
Nyoka: ‘Ngwarirai, munorombeswa’ Grey Mupinganjira

Kwayedza

Kingstone Mapupu
NYANZVi dzezvechivanhu nevakuru vemachechi vanoti maporofita nen’anga vanoshandisa nyoka havana kumbosiyana nevaroyi. Izvi zvinotevera nyaya yemuporofita anovezve n’anga wekuHopley, muHarare, uyo akabatwa nemapurisa aine mukweshwa wemhungu yaanoti ndiyo inomuchengeta uye anosevenzesa nyoka nemushonga mukupa vanhu maraki.

VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano rinomirira varapi vechivanhu reZinatha, vanoti vanhu vanofanira kungwarira maporofita nen’anga dzenhema.

“Nyaya iyi iri paviri, kune vanoshandisa nyoka sehuroyi vachitodzipa mukaka nenyama, dzimwe nguva dzichirara navo. Kozoita n’anga nemaporofita echitsotsi vanotenga nyoka dzinenge dzisina mazino dzakabviswa poizeni, idzo vanonokanda mudzimba dzevanhu kuti vabhadharwe zvakasimba vachinzi vabvisa zvikara mumisha,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Nyoka zhinji dzamunonzwa kuti dzawanikwa mumisha yevanhu dzichinzi ndedzehuroyi dzinokandwa nen’anga nemaporofita vechitsotsi. Gore riya pane akabatwa ainzi Grey Mupinganjira aibva kwaChihota achienda kunotengesa nyoka, saka vanhu ngwarirai.”

Mupinganjira akazomiswa mudare akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine nyoka asina mvumo yevebazi rinoona nezvemhuka, reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority.

Chioniso Mhande (35) kana kuti Madzimai Tabeth vechechi yeForward Apostolic Church iri kuSt Marys, kuChitungwiza, vanoti aya mabasa ehuroyi.

“Hakuna kuchechi kunonzi kunoshandiswa nyoka kana zvikara zvesango kunze kwemabasa ehuroyi. Uku kutsvaga mbiri nemari nekuda kwekuoma kwezvinhu,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMadzibaba Steven Mugariri vechechi yeJohane Masowe yeZambuko iri kuChitungwiza zvekare vachiti, “Muporofita wechechi inonamata Mwari kugara nenyoka? Hazvibudeka izvi. Satani ndiye anonzi anodyidzana nenyoka, munyengeri. Hakuna muporofita anofanirwa kushandisa angava machira emidzimu kana mishonga nenyoka.

“Mazuva ano vanhu ngavangwarire kurombeswa nevanhu vakadai ava vachinzi vanenge vachibatsirwa,” vanodaro Madzibaba Steven.

Mbuya Mary Marumba (45) vekuEpworth vanoti kunyangwe munhu akava muporofita kana n’anga, haafanirwe kushandisa nyoka.

“Tine maporofita anonyepera vanhu ivo vari n’anga vachishandisa mishonga. Isu tinoshandisa mashavi hativanze, ivo vanohwande chiiko? Unoona vachishandisa machira emidzimu nemishonga vozowanikwa vaine nyoka, hutakati huri pachena,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>