Uncategorized

‘Nyoresai mimba nguva ichiripo’

17 Nov, 2021 - 15:11 0 Views
‘Nyoresai mimba nguva ichiripo’

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVISINEI nekuti munyika mune chirwere cheCovid-19, madzimai vakazvitakura vanokurudzirwa kuti vanonyoresa mimba dzavo mumwedzi mitatu yekutanga apo vanobata pamuviri kuitira kuti vakwanise kuwana ruzivo nekudzivirira zvirwere zvepabonde.

Mashoko aya akataurwa naMai Rumbidzai Mugwagwa vanova assistant programs officer kuchikamu chinoona nezvekudzivirirwa kwekutapurirwa hutachiona kubva kunaamai huchienda kumwana (Prevention of Mother to Child Transmission) kubazi rezveutano nekurerwa kwevana pamusangano wakaitwa neveNational AIDS Council (NAC) nevatori venhau kuChinhoyi nguva pfupi yadarika.

“Hazvinei kuti munyika mune chirwere cheCovid-19, madzimai nevanasikana vakazvitakura vanofanira kuenda kuzvipatara mukati memwedzi yekutanga yekubata pamuviri kuti vanonyoresa uye vachiperekedzwa nanababa. Kuvhenekwa HIV hakudi munhu mumwe chete nekuti kune vamwe vanababa vane katsika kekufunga kuti zvabuda kunaamai ndizvo zvavanenge vari, kwete, nekuti kune vatinoti ma’discordant partners’ apo mudzimai anogona kuwanikwa asina hutachiona hweHIV,” vanodaro.

Mai Mugwagwa vanoti muzvipatara vari kutorawo matanho ekuona kuti varwere vanopindamo havazotapurirwa Covid-19, nekudaro madzimai akazvitakura anofanira kusununguka kuenda kunorapwa kunyangwe vaya vari pamishonga yemaAnti-Retroviral Drugs vachiitorawo nguva nenguva.

“Kana munhu akambomira kutora mishonga yake yemaARV, anogona kurwara zvakanyanya kana kurasikirwa neupenyu nekuti masoja emumuviri anoderera zvakanyanya. Zvakakosha kuti munhu arovedzere pakutora mishonga yake.

“Kana madzimai akazvitakura achinge aonekwa aine hutachiona hweHIV, vanopihwa mishonga inodaidzwa kuti Nevarapine inobatsira mukudzivirira kutapurirwa HIV ichienda kumwana. Vanokurudzirwa zvekare kutora mishonga yavo yemaARV pekare kuitira kuti varambe vakagwinya,” vanodaro.

Mai Mugwagwa vanoti kune madzimai akawanda ari kubara vana vasina hutachiona hweHIV zvichitevera kutevedza matanho ose avanoudzwa nemachiremba uye iyi ndiyo imwe yenzira dziri kutorwa nebazi rezveutano mukuona kuti nyika yapedza dambudziko rekupararira kweHIV neAIDS mugore ra2030.

Vanoti pari zvino Zimbabwe iri kuratidza kuva nebudiriro inoendeka mukurwisa HIV kuburikidza nechirongwa che95/95/95.

Izvi zvinoreva kuti chikamu che85 percent chevanhu vari munyika vanofanira kunge vachiziva pavamire maringe neutano hwavo kuburikidza nekuvhenekwa HIV uye kuti chikamu che95 percent chevanhu vatore mishonga yavo yemaARV mushure mekuvhenekwa.

Share This:

Sponsored Links