Uncategorized

Nzeve kwachu nemuvakidzani

27 May, 2021 - 14:05 0 Views
Nzeve kwachu nemuvakidzani

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara mumusha weStoneridge, muguta reHarare, akasara abatira chidimbu chenzeve yake mumawoko mushure mekurumwa nemukadzi muvakidzani apo vairwira makuhwa ane chekuita nekupumhana huroyi.

Mai Kegi Mangare (45), avo kumusha vanobva kuKaroi, vanoti vakarumwa nzeve yavo yekurudyi nemuvakidzani wavo uyo akaidambura, ndokutozoita yekusvipa pamwechete neropa.
Vanoti nyaya iyi yakatangira pakuti muvakidzani wavo uyu (zita tinaro) aivapomera kuti vaifamba vachiparidzira mashoko ekuti muroyi.

“Kubva tichiuya muno nemurume wangu nemhuri mugore ra2016, takawana amai ava nemhuri yavo vari muno vatovaka ndokusvikoita muvakidzani wavo. Hatina kusvikowirirana, taingogara tichipopotedzana nekuda kwenyaya dzisina nematuro.

“Nyaya iyi yakazotanga svondo rakapera neChina apo vakauya nemhuri yavo ndokupinda mumba mangu nechisimba vakatanga kundirova,” vanodaro Mai Mangare.

Mukurohwa uku, zuva rekutanga vanoti vakakuvadzwa minwe yeruoko rwekuruboshwe nedzimwe nhengo dzemuviri nekurumwa.

“Vakazondiregera kwauya vamwe vanhu vakandinunura. Asi nyaya iyi vakazoisimudzira mangwana acho chava Chishanu mangwanani apo vakauya nemamwe madzimai avanowirirana nawo vatanga vamboungana pamba pavo. Vakasvikovhura dhoo nechisimba ndokundizvuva mumba ndokutanga kundirovera pamugwagwa vose apo amai ava vakazondiruma nzeve ikakwachuka. Vakatozoita yekusvipa pasi pamwe chete neropa. Ndakainhonga ivo vatiza vaona kuti vakanga vandikuvadza,” vanodaro Mai Mangare.

Vanoti muvakidzani wavo uyu aona kuti avakuvadza, ndiye akazotanga kumhanya kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuMbudzi achiti akanga arohwa.
“Ini ndakazotevera kumapurisa uku ekuRound About ndikanonzi ndini ndakanga ndatova musungwa ndikavharirwa kwechinguva. Ndakazokwanisa kumhan’ara yangu nyaya nzeve ichichururuka ropa zvikanetsa kuti itambirwe.
“Takazobvisiswa mari yekubvuma mhosva tose yekurwisana kunyangwe ndirini ndakarohwa,” vanodaro Mai Mangare.

Nyaya yavakazomhan’ara yekudamburwa nzeve ine nhamba dzinoti RRB 4783768 iyo yakamhan’arwa kumapurisa ekuSouthlea Park ari pasi pekamba yepaMbudzi Round About neWaterfalls.
“Nyaya iyi inonzi iri kuferefetwa asi ini handione kufamba kwayo nekuti amai ava varipo pamba pavo uye ini ndiri kuzvirapisa ndoga nemari yangu maronda enzeve aya. Mbatya dzine ropa rekukuvadzwa uko ndakaitwa ndakazodziwacha, ndikadzokera kumapurisa ndiri kungonzi dzokerai kumba kwenyu,” vanodaro Mai Mangare.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemuvakidzani waMai Mangare, uyo anonzi anozivikanwa nekunzi Lydia Steven, sezvo akatiza pamba pake apo akasvikirwa nevatori venhau.
Mai Mangare vakachengetedza chidimbu chenzeve yavo seumbowo iyo yave kuratidza kusvava yavanogara vakaisa pamatissue.

“Nzeve iyi ndinayo ndakaichengeta hapana kushereketa kwandinoda kuita nayo asi kuti umbowo chete.
‘‘Ndave kutya kugara padyo nemhuri iyi sezvo vachiita zvavanoda uye murume wangu haapo akaenda kuSouth Africa kunoshava mugore ra2017,” vanodaro Mai Mangare.

Mutauriri wemapurisa munyika Assistant Commissioner Paul Nyathi, pavanobvunzwa nezvenyaya iyi vanoti vanoda nguva yekuronda mafambiro ayakaita.

Asst Comm Nyathi

“Regai nditange ndaongorora kuti nyaya iyi yakambofamba sei ndinozokutaurirai zvizere,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links