O-LEVEL — MUSEVE USINGAPOTSE/SHOKO HARIVHIKWI: Pondai nehupambi

10 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
Matanho aPondai pakupamba umambo (tinoenderera mberi):
Rimwe danho rinoshandiswa naPondai kuuraya Mambo Chakaingesu. Danho iri rinobuda paanovabaya pabendekete nemuseve vari pakati pekurwisa hondo yaMambo Mupambi, ndokuzovapedzisa nemimwe gumi vachibva vafa. Zvinomubatsira kuti asare achipamba umambo nemadzimai aMambo Chakaingesu mushure mekunge atanga kugara pachisuwi.

Danho rekupedzisira rinotorwa naPondai kukanda chitunha chaMambo Chakaingesu mudziva. Izvi zvinoonekwa paanochitakura aina Tapera ndokuchisungirira matombo vachibva vachikanda mudziva. Izvi zvakamubatsira kuti pasaitwe chivanhu chaizogona kumubatisa nanagodobori kuti ainge auraya mambo ouraiwawo.

10. Ndezvipi zvinoitwa nevatambi vanotevera zvinoita kuti rungano rwuri muna Museve Usingapotse rwufambire mberi? (a) Pondai (b) Mambo Mupambi (c) Tapera (d) VaMatose (e) Chivhere. [25]

(a) Pondai aiva jinda guru raMambo Chakaingesu

Anopotera kwaMambo Mupambi asina kuoneka VaMasariranhamo, mudzimai wake.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

. Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level.

SHOKO HARIVHIKWI

Mubvunzo nemhinduro yesvondo rakapera:

16. Mitsara iri pasi apa yakakweretwa semanyorerwo ayo kubva muna Shoko Harivhikwi. Sarudza mishanu chete kubva pamisere yakapiwa, ugoburitsa zvinotevera: (i) musoro wedetembo racho (ii) nyanduri wacho (iii) zvarinoreva

(a) Rwizi rwamunogadzirira kuyambuka rwakafara. (b)Makandidzidzisa kushingirira, (c) Ndiwe chete iwe uri pamoyo pangu. (d)Patinouyira, hapana anorarama. (e) Zvino semanyana, motoenda kumatendere. (f) Isu tiri vana vechizvarwa, chimwe chete. (g) Kufarira iwe donhodzo. (h) Munhu akatanga kutsvaga rize nemhamhe segudo. [25]

Vadzidzi munofanira kuziva nyanduri ane detembo rine mutsara uri pamubvunzo, musoro wedetembo racho nezvarinotaura, munoita izvi muchipa tsigiro.

(a) Mutsara uyu wakatorwa mudetembo rinonzi Vazukuru raSolomon H. Munorevesa, anorayira vazukuru vake kuti vasamhanyire kuita zvebonde nguva isati yakwana sepaanoti, “Zambuko riyambukei masvika pariri.” Nyanduri anodzidzisa vazukuru vake kuti upenyu hunoda kushinga sepaanoti, “Urwu rwendo rurefu, runoda manyatera.”

(b) Mutsara uyu uri mudetembo rakanzi Ndinotenda mhai, rakanyorwa naMedia Mugandani. Nyanduri anorumbidza amai vake nekumuchengeta kwavakaita kubva achiri mudiki sepaanoti, “Ndazvarwa paye ndaida mutariri asi maishinga chete kundiriritira.” Nyanduri anorumbidza amai vake nekumuendesa kuchikoro kwavakaita kunyangwe zvinhu zvainge zvakavaomera sepaanoti, “Makandidzidzisa kushingirira, panguva yemafungu.”

(e) Mutsara uyu uri mudetembo rinonzi Tsika dzedu mushonga, rakanyorwa naAlouis T. Sagota. Nyanduri anotirayira kuti dziviriro yese yezvirwere zvatiri kusangana nazvo nhasi iri mutsika dzedu sepaanoti, “Dzinova ndiwo muti, chikwapuro chematenda.” Nyanduri anotirayira kuti chirwere cheshuramatongo chatambudza vanhu panguva ino chinorapika kana tadzokera kutsika dzedu nekuti kune mushonga wacho sepaanoti, “Kumuzinda kune chikwapuro cheiri denda.”

(f) Mutsara uyu unowanikwa mudetembo rinonzi Zimbabwe ngatibatane, raBlessing Magodo. Anoti vanhu vakasabatana hapana chiratidzo chebudiriro chinouya munyika sepaanoti, “Njakenjake haiumbi chimwe chete.” Nyanduri anoti tinofanira kubatana nekuti tiri vanhu venyika imwe chete sepaanoti, “Ngatibatane sevana vechizvarwa chimwe chete.”

(g) Mutsara uyu unowanikwa mudetembo rinonzi Mvura, raJesca Rushwaya-Marwiro, anoburitsa uswa nemiti zvichirumbidza mvura nekunaya kwayaita nekuti zvakuchizobukira sepazvinoti, “Isu uswa nemiti tochitanga kutungira, kuratidza kufarira iwe wauya.” Munhu anorumbidza mvura nekunaya kwayaita nekuti awana chekugezesa muviri sepaanoti, “Wandigonera ini munhu, ndoshamba ndakatandavara murukova.”

Sarai muchiita tsvakurudzo dzemubvunzo unotevera:

17. Sarudza nhetembo shanu dzakanyorwa nanyanduri mumwe chete kubva muna Shoko Harivhikwi ugotaridza mushandisiro waanoita zvidavado mudetembo rega rega. [25]

Ndinokupai mhinduro yacho svondo rinouya.

. Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level (Revised Edition).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey