Uncategorized

‘Oda kundidyisa nduru yegarwe’

30 Aug, 2019 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Hazel Marimbidza ari kuBULAWAYO
MUDZIMAI wekuMpopoma, kuBulawayo, anoti ashaiswa rugare navamwene vake avo vanomupomera kuti muroyi uye kuti anogara nenduru yegarwe iyo anoda kushandisa kuvauraya.

Ellen Katsvinde akataura mashoko aya mudare reWestern Commonage Magistrate’s Court uko aikumbira kudzivirirwa achiti ari kuonenswa ndondo naTshaziwe Dube.

“Ndiri kukumbirawo gwaro rinondidzivirira kubva kuna vamwene vangu. Vanogara vachinditi ndiri muroyi uye vanoti ndinochengeta nduru yegarwe iyo ndiri kushandisa kuti ndivauraye,” anodaro Katsvinde achisvimha misodzi.

Anoti kubvira paakaroorwa, haasati ambowana runyararo nekuti vamwene vake vanoda kuparadza wanano yake.

“Vari kukanganisa chimiro changu nekuudza vanhu kuchechi kuti ndiri pfambi. Vakandiona ndichifamba nemunhu upi zvake vanondituka vachiti ndine chirwere chenjovhera.

“Vanotumirawo mashoko nenhare kuvanhu vachiti ndiri murwere wepfungwa.

“Vanondityisidzirawo vachiti vanoda kundirova. Handisisina shamwari nekuti vanogara vachindinyadzisa pane vanhu. Dare ringandibatsirewo here ndapota hangu kuti izvi zvose zvipere?” anodaro Katsvinde.

Dube anoramba zvaari kupomerwa nemuroora wake.

“Hapana zvandinoziva pamusoro pezvose zvaaari kutaura,” anodaro Dube.

Mutongi Urgent Vundla akapa Katsvinde gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links